Bhaibheri

Mako 11

Mark 11 · 33 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Vakati vachiswedera Jerusarema, paBetfage neBetania, pagomo reMiorivhi, akatuma vaviri vavadzidzi vake,

2akati kwavari: Endai kumusha wakatarisana nemi; pakarepo kana muchipinda mauri, muchawana mhuru yembongoro yakasungirwa, isina-kumbotaswa nomunhu; muisunugure, mugovuya nayo.

3Kana munhu akati kwamuri: Munoitireiko kudaro? Muti: Ishe unoida. Pakarepo uchaitumira zve pano.

4Vakaenda, vakandowana mhuru yembongoro yakasungirwa kunze pamukova, pamharadzano dzenzira, vakaisunungura.

5Vamwe vakanga vamirepo, vakati kwavari: Munoiteiko zvamunosunungura mhuru yembongoro?

6Vakavavudza sezvavakarairwa naJesu; vakavarega.

7Zvino vakavuya nemhuru yembongoro kunaJesu;vakakandira nguvo dzavo pamusoro payo; akagara pamusoro payo.

8Vazhinji vakawarira nguvo dzavo panzira, navamwe mashizha avakanga vatema kubundo.

9Avo vakanga vachitungamira, navakanga vachitevera vakadanidzira, vachiti: Hosana, ngaakudzwe iye unovuya muzita raShe.

10Ngabwukudzwe vushe bwaBaba vedu Dhavhidhi bwunovuya! Hosana kumusoro-soro!

11Ipapo Jesu wakapinda Jerusarema mutembere; akati aringa-ringa zvinhu zvose, zuva zvarakanga ravira, akabuda, akaenda Betania navanegumi navaviri.

12Fume mangwana vakati vachibva Betania, akaziya;

13Zvino wakati achivona muvonde uri kure, unamashizha, akaenda’ko, achiti, zvimwe ungawana chinhu pauri; zvino achisvika pauri, haana kuwana chinhu, asi mashizha bedzi; nokuti yakanga isi nguva yamavonde.

14Akapindura, akati kwauri: Kusava nomunhu, unozodya zvibereko pauri nokusingaperi. Vadzidzi vake vakazvinzwa.

15Vakasvika Jerusarema; akapinda mutembere, akatanga kubudisa vaitengesa, navaitenga mutembere; akawisa matafura avaitsinhanhisa mari, nezvigaro zvavaitengesa njiva.

16Akasatendera munhu kuti atakure nhumbi mutembere.

17Akadzidzisa, achiti kwavari: Hakuna kunyorwa here kuchinzi: imba yangu ichanzi imba yokunyengetera yamarudzi ose? Asi imi makaiita bako ramakororo.

18VaPirisita vakuru navanyori vakati vachizvinzwa, vakatsvaka pavangamuvuraya napo; nokuti vakanga vachimutya, nokuti vazhinji vose vakashamiswa nokudzidzisa kwake.

19Zvino, nguva dzose kana ava madekwana, aienda kunze kweguta,

20Vakati vachipfuvura napo mangwanani, vakavona muvonde wawoma kubva pamidzi.

21Petro akarangarira, akati kwaari: Rabhi, tarirai muvonde wamakatuka wawoma.

22Jesu akapindura, akati kwavari: Ivai nokutenda kunaMwari.

23Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: mumwe nomumwe unoti kugomo iri: Simudzwa, ukandwe mugungwa, asinganyunyuti mumoyo make, asi achitenda kuti zvaanoreva zvichaitika, uchava nazvo.

24Saka ndinoti kwamuri; Zvinhu zvose zvose zvamunonyengeterera nokukumbira, tendai kuti mazvigamuchira, mugova nazvo.

25Kana mukamira muchinyengetera, kangamwirai kana munemhaka nomumwe, kuti naBaba venyu vari kudenga, vakukamganwirei kudarika kwenyu;

26asi kana musingakangamwiri imi naBaba venyu vari kudenga havangakukangamwiriyi imi kudarika kwenyu.

27Vakasvika zve Jerusarema. Zvino wakati achifamba mutembere, vaPirisita vakuru navanyori navakuru vakavuya kwaari;

28vakati kwaari; Munoita zvinhu izvozvi nesimba ripiko? Ndianiko wakakupai simba iri, kuti muite izvi?

29Jesu akati kwavari: neni ndichakubvunzai vo shoko rimwe, mundipindure, neni ndichakuvudzai vo simba randinoita naro zvinhu izvozvi.

30Rubhabhatidzo rwaJohane rwakabva kudenga here kana kuvanhu? Ndipindurei,

31Vakataurirana, vachiti: Kana tikati, kudenga, uchati: Makagoregerei kumutenda?

32Asi tingati, kuvanhu, here? Vakanga vachitya vanhu vazhinji, nokuti vose vakanga vachiti Johane muporofita zvirokwazvo.

33Vakapindura vachiti kuna Jesu; Hatizivi. Jesu akati kwavari: Neni handingakuvudziyi vo simba randinoita naro zvinhu izvi.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.