Zvino wakatanga kutaura navo nemifananidzo, achiti: Mumwe munhu wakanga asima munda wemizambiringa, akaukomba noruzhowa, akachera pokusvinira, akavaka chirindo, akaupa varimi, ndokufamba rwendo.And he began to speak unto them by parables. A certain man planted a vineyard, and set an hedge about it, and digged a place for the winefat, and built a tower, and let it out to husbandmen, and went into a far country.
Nenguva yezvibereko akatuma muranda kuvarimi, kuti apiwe navarimi zvibereko zvomunda wemizambiringa.And at the season he sent to the husbandmen a servant, that he might receive from the husbandmen of the fruit of the vineyard.
Vakamubata, vakamurova, vakamudzosa asina,And they caught him, and beat him, and sent him away empty.
Akatuma zve mumwe muranda kwavari; vakamutaka nambwe, vakamutema musoro, vakamunyadza.And again he sent unto them another servant; and at him they cast stones, and wounded him in the head, and sent him away shamefully handled.
Akatuma zve mumwe, vakamuvuraya; navamwe vazhinji, vakarova vamwe, nokuvuraya vamwe.And again he sent another; and him they killed, and many others; beating some, and killing some.
Zvino wakanga achinomwanakomana mumwe, mudikanwa; akamutuma kwavari pakupedzisira, achiti: Vachakudza mwanakomana wangu,Having yet therefore one son, his wellbeloved, he sent him also last unto them, saying, They will reverence my son.
Asi varimi ivavo vakataurirana, vachiti: Uyu ndiye mugari wenhaka; vuyai timuvuraye, nhaka igova yedu.But those husbandmen said among themselves, This is the heir; come, let us kill him, and the inheritance shall be ours.
Vakamubata, vakamuvuraya, vakamubudisa kunze kwomunda wemizambiringa.And they took him, and killed him, and cast him out of the vineyard.
Zvino mwene womunda wemizambiringa uchaiteiko? Uchavuya, akaparadza varimi ivavo, akapa vamwe varimi munda wemizambiringa.What shall therefore the lord of the vineyard do? he will come and destroy the husbandmen, and will give the vineyard unto others.
Ko hamuna kutongorava here rugwaro urwu, runoti: Ibwe rakarashwa navavaki, Ndiro rakazova musoro wekona;And have ye not read this scripture; The stone which the builders rejected is become the head of the corner:
Izvozvo zvakaitwa naShe, Zvinoshamisa pameso edu?This was the Lord’s doing, and it is marvellous in our eyes?
Ipapo vakatsvaka kumubata, asi vakatya vanhu vazhinji; nokuti vakanga vachiziva kuti wakavareva ivo nomufananidzo iwoyo; vakamusiya, vakabvapo.And they sought to lay hold on him, but feared the people: for they knew that he had spoken the parable against them: and they left him, and went their way.
Zvino vakatuma kwaari vamwe vavaFarise navaHerodhe, kuti vamubate pakutaura kwake.And they send unto him certain of the Pharisees and of the Herodians, to catch him in his words.
Vakavuya, vakati kwaari: Mudzidzisi, tinoziva kuti ndimi wazvokwadi, musingarangariri zvinovonekwa zvomunhu; hamutariri zviri kunze kwomunhu, asi munodzidzisa nzira yaMwari nezvokwadi: Munhu unotenderwa kuripira Kesari mutero here, kana kwete?And when they were come, they say unto him, Master, we know that thou art true, and carest for no man: for thou regardest not the person of men, but teachest the way of God in truth: Is it lawful to give tribute to Caesar, or not?
Ticharipa here, kana tirege kuripa Asi iye achiziva kunyengera kwavo, akati kwavari: Munondiidzireiko? Vuya nedhenari* kwandiri, ndirivone,Shall we give, or shall we not give? But he, knowing their hypocrisy, said unto them, Why tempt ye me? bring me a penny, that I may see it.
Vakavuya naro. Ipapo akati kwavari: Mufananidzo uyu norunyoro urwu ndezvani? Vakati kwaari: ZvaKesari,And they brought it. And he saith unto them, Whose is this image and superscription? And they said unto him, Caesar’s.
Jesu akati kwavari: Ipai Kesarai zvaKesari, naMwari zvaMwari. Vakashamiswa zvikuru naye.And Jesus answering said unto them, Render to Caesar the things that are Caesar’s, and to God the things that are God’s. And they marvelled at him.
Zvino vaSadhuse vakavuya kwaari, ivo vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakamubvunza vachiti:Then come unto him the Sadducees, which say there is no resurrection; and they asked him, saying,
Mudzidzisi, Mosesi wakatinyorera kuti, kana mukoma womunhu akafa, akasiya mukadzi asinomwana munun’una wake atore mukadzi wake, amutsire mukoma wake vana.Master, Moses wrote unto us, If a man’s brother die, and leave his wife behind him, and leave no children, that his brother should take his wife, and raise up seed unto his brother.
Zvino kwakanga kunavanakomana vomunhu mumwe vanomwe; wedangwe akatora mukadzi, akafa asina vana.Now there were seven brethren: and the first took a wife, and dying left no seed.
Wechipiri akamutora, akafa asingasiyi vana; nowechitatu; akadaro vo.And the second took her, and died, neither left he any seed: and the third likewise.
Navanomwe vose havana kuva nomwana; shure kwavose mukadzi akafa vo.And the seven had her, and left no seed: last of all the woman died also.
Zvino pakumuka kwavakafa, kana vachimuka, uchava mukadzi waniko kwavari? Nokuti wakanga ari mukadzi wavose vanomwe.In the resurrection therefore, when they shall rise, whose wife shall she be of them? for the seven had her to wife.
Jesu akati kwavari: Hamuna kurashika here, nemhaka yokusaziva magwaro nesimba raMwari?And Jesus answering said unto them, Do ye not therefore err, because ye know not the scriptures, neither the power of God?
Nokuti kana vachimuka kuvakafa, havawani kana kuwaniswa; asi vakaita savatumwa kudenga.For when they shall rise from the dead, they neither marry, nor are given in marriage; but are as the angels which are in heaven.
Kana kuri kumutswa kwavakafa, hamunakurava here pabhuku yaMosesi pashoko regwenzi, kuti Mwari wakataura naye, akati: Ndini Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho?And as touching the dead, that they rise: have ye not read in the book of Moses, how in the bush God spake unto him, saying, I am the God of Abraham, and the God of Isaac, and the God of Jacob?
Haazi Mwari wavakafa, asi wavapenyu marashika kwazvo.He is not the God of the dead, but the God of the living: ye therefore do greatly err.
Zvino mumwe wavanyori wakanga anzwa kutaurirana kwavo, achiziva kuti wakanga avapindura zvakanaka, wakavuya, kumubvunza achiti: Murairo wokutanga payose ndoupiko?And one of the scribes came, and having heard them reasoning together, and perceiving that he had answered them well, asked him, Which is the first commandment of all?
Jesu akapindura, akati; Wokutanga ndiwoyu: Inzwai vaIsraeri, Ishe Mwari wedu, ndiye Ishe mumwe chete!And Jesus answered him, The first of all the commandments is, Hear, O Israel; The Lord our God is one Lord:
Ida Ishe Mwari wako, nomoyo wako wose, nomweya wako wose, nokufunga kwako kwose, nesimba rako rose.And thou shalt love the Lord thy God with all thy heart, and with all thy soul, and with all thy mind, and with all thy strength: this is the first commandment.
Wechipiri ndiwoyu; Ida wokwako sezvaunozvida iwe. Hakunomurairo mukuru kunaiyeyo,And the second is like, namely this, Thou shalt love thy neighbour as thyself. There is none other commandment greater than these.
Zvino munyori akati kwaari: Zvakanaka mudzidzisi, mareva zvirokwazvo, kuti ndiye mumwe chete, hakuno mumwe kunze kwake;And the scribe said unto him, Well, Master, thou hast said the truth: for there is one God; and there is none other but he:
nokumuda iye nomoyo wose, nokufunga kwose, nesimba rose, nomoyo wako wose, nokuda wokwako sezvaanozvida iye, zvinopfuvura zvikuru zvipiriso zvose zvinopiswa chose nezvibayiro.And to love him with all the heart, and with all the understanding, and with all the soul, and with all the strength, and to love his neighbour as himself, is more than all whole burnt offerings and sacrifices.
Zvino, Jesu wakati achivona kuti wapindura nokufunga,akatikwaari: Hausi kure novushe bwaMwari. Kukasava nomunhu wakazotsunga kumubvunza chinhu.And when Jesus saw that he answered discreetly, he said unto him, Thou art not far from the kingdom of God. And no man after that durst ask him any question.
Zvino Jesu wakati achidzidzisa mutembere, akapindura, akati: Vanyori vanoreva seiko kuti Kristu ndiye mwanakomana waDhavhidhi?And Jesus answered and said, while he taught in the temple, How say the scribes that Christ is the Son of David?
Dhavidhi amene wakati noMweya Mutsvene: Ishe wakati kunaShe wangu; Gara kurudyi rwangu, Kusvikira ndaisa vavengi vako Pasi petsoka dzako.For David himself said by the Holy Ghost, The Lord said to my Lord, Sit thou on my right hand, till I make thine enemies thy footstool.
Dhavidhi amene unomuidza Ishe, ungagova mwanakomana wake seiko Vazhinji-zhinji vakanga vachifara kumunzwa.David therefore himself calleth him Lord; and whence is he then his son? And the common people heard him gladly.
Zvino pakudzidzisa kwake wakati: Chenjerai vanyori, vanoda kufamba nenguvo refu, nokukwaziswa padareAnd he said unto them in his doctrine, Beware of the scribes, which love to go in long clothing, and love salutations in the marketplaces,
nezvigaro zvapamberi mumasingagoge, nenzvimbo dzapamberi pamitambo;And the chief seats in the synagogues, and the uppermost rooms at feasts:
vachiparadza dzimba dzechirikadzi, vachinyengetera neminyengetero mirefu. Ivava vachatongerwa zvakaipa nokupfuvurisa.Which devour widows’ houses, and for a pretence make long prayers: these shall receive greater damnation.
Zvino wakanga agere akatarisana nechivigiro chemari, akatarira vanhu vazhinji vachiisa mari muchivigiro; vafumi vazhinji vakanga vachiisa zvizhinji.And Jesus sat over against the treasury, and beheld how the people cast money into the treasury: and many that were rich cast in much.
Kukasvika chirikadzi, waiva murombo, akaisa tumari tuviri tuduku tunoita fadini.And there came a certain poor widow, and she threw in two mites, which make a farthing.
Akadanira vadzidzi vake kwaari, akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Chirikadzi iyi, iri murombo yakaisa zvizhinji kunavo vose vakaisa muchivigiro;And he called unto him his disciples, and saith unto them, Verily I say unto you, That this poor widow hath cast more in, than all they which have cast into the treasury:
nokuti avo vose vakaisa vachitora pazvizhinji zvavo; asi iye wakaisa achitora pakushaiwa kwake, zvose zvaakanga anazvo, zvose zvaaifanira kurarama nazvo.For all they did cast in of their abundance; but she of her want did cast in all that she had, even all her living.