Wakati achibuda mutembere, mumwe wavadzidzi vake akati kwaari: Mudzidzisi, tarirai mabwe, kunaka! Nedzimba kunaka!And as he went out of the temple, one of his disciples saith unto him, Master, see what manner of stones and what buildings are here!
Jesu akati kwaari: Unovona dzimba idzi huru? Hakungaregwi ibwe pamusoro pebwe, risingazowisirwi pasi.And Jesus answering said unto him, Seest thou these great buildings? there shall not be left one stone upon another, that shall not be thrown down.
Zvino wakati agere pagomo reMiorivhi, pakatarisana netembere, Petro, naJakobho, naJohane, naAndrea vakamubvunza vari voga, vachiti:And as he sat upon the mount of Olives over against the temple, Peter and James and John and Andrew asked him privately,
Tivudzei kuti izvozvi zvichagova riniko? Nechiratidzo chichava chipiko, kana izvozvi zvose zvoda kuitwa?Tell us, when shall these things be? and what shall be the sign when all these things shall be fulfilled?
Zvino Jesu akatanga kuvavudza, akati: Chenjerai kuti murege kutsauswa nomunhu.And Jesus answering them began to say, Take heed lest any man deceive you:
Vazhinji vachavuya nezita rangu, vachiti: Ndini Kristu, vachitsausa vazhinji.For many shall come in my name, saying, I am Christ; and shall deceive many.
Kana muchinzwa zvokurwa, neguhu rokurwa, musavhunduka; izvozvo zvinofanira kumboitika; asi kuguma kuchigere kusvika.And when ye shall hear of wars and rumours of wars, be ye not troubled: for such things must needs be; but the end shall not be yet.
Nokuti rudzi ruchamukira rudzi, vushe hwuchamukira vushe; kudengenyika kwenyika kuchavapo kunedzimwe nzvimbo; nenzara dzichavapo, ndiko kutanga kwenhamoFor nation shall rise against nation, and kingdom against kingdom: and there shall be earthquakes in divers places, and there shall be famines and troubles: these are the beginnings of sorrows.
Zvichenjerei imi, nokuti vachakuisai kumakurukota, vuye mucharobwa mumasinagoge, muchaiswa pamberi pavabati namadzimambo nokuda kwangu, chichave chapupu kwavari.But take heed to yourselves: for they shall deliver you up to councils; and in the synagogues ye shall be beaten: and ye shall be brought before rulers and kings for my sake, for a testimony against them.
NeEvhangeri inofanira kutanga kumboparidzirwa marudzi ose.And the gospel must first be published among all nations.
Kana vachienda nemi kukutongwa, vachikuisai kumakurukota, musambofunganya zvamuchataura, asi taurai chamunenge mapiwa nenguva iyo. Nokuti hamuzimi munotaura, asi ndiMweya Mutsvene.But when they shall lead you, and deliver you up, take no thought beforehand what ye shall speak, neither do ye premeditate: but whatsoever shall be given you in that hour, that speak ye: for it is not ye that speak, but the Holy Ghost.
Mukoma uchaisa munun’una kurufu, nababa mwana wavo; navana vachamukira vabereki vavo nokuvavurayisa.Now the brother shall betray the brother to death, and the father the son; and children shall rise up against their parents, and shall cause them to be put to death.
Muchavengwa navose nokuda kwezita rangu; asi unotsunga kusvikira pakuguma uchaponeswa.And ye shall be hated of all men for my name’s sake: but he that shall endure unto the end, the same shall be saved.
Zvino kana muchivona nyangadzi yokuparadza imire pasina kufanira kumira (unorava ngaacherekedze), vari muJudhea ngavatizire kumakomo;But when ye shall see the abomination of desolation, spoken of by Daniel the prophet, standing where it ought not, (let him that readeth understand,) then let them that be in Judaea flee to the mountains:
uri pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburuka, kana kupinda kuzotora chinhu mumba make.And let him that is on the housetop not go down into the house, neither enter therein, to take any thing out of his house:
Nouri mumunda ngaarege kudzokera shure kuzotora nguvo yake.And let him that is in the field not turn back again for to take up his garment.
Vachava nenhamo vanemimba navanomwisa namazuva iwayo!But woe to them that are with child, and to them that give suck in those days!
Nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuva pachando.And pray ye that your flight be not in the winter.
Nokuti namazuva iwayo kuchavapo kutambudzika, kusatikwambovapo kwakadaro, kubva pakutanga kwokusikwa kwakasikwa naMwari, kusvikira zvino, vuye hakuchazovipo.For in those days shall be affliction, such as was not from the beginning of the creation which God created unto this time, neither shall be.
Dai Ishe asaitapudza mazuva iwayo, hakunenyama yairarama; asi nokuda kwavakasanangurwa,vaakasanangura wakatapudza mazuva iwayo.And except that the Lord had shortened those days, no flesh should be saved: but for the elect’s sake, whom he hath chosen, he hath shortened the days.
Zvino kana munhu achiti kwamuri: Tarirai Kristu uri pano, tarirai uri papo, regai kutenda.And then if any man shall say to you, Lo, here is Christ; or, lo, he is there; believe him not:
Nokuti vana Kristu venhema vachamuka, navaporofita venhema, vachaita zviratidzo nezvinoshamisa, kuti vatsause vakasanangurwa, kana zvichibvira.For false Christs and false prophets shall rise, and shall shew signs and wonders, to seduce, if it were possible, even the elect.
Asi chenjerai imi; tarirai, ndagara ndakuvudzai zvose!But take ye heed: behold, I have foretold you all things.
Asi namazuva iwayo, shure kwokutambudzika ikoko, zuva richasviba, nomwedzi hauchazobwinyi,But in those days, after that tribulation, the sun shall be darkened, and the moon shall not give her light,
nenyeredzi dzichawa kudenga, namasimba ari kudenga achazununguswa.And the stars of heaven shall fall, and the powers that are in heaven shall be shaken.
Ipapo vachavona Mwanakomana womunhu achivuya mumakore nesimba guru nokubwinya.And then shall they see the Son of man coming in the clouds with great power and glory.
Ipapo uchatuma vatumwa, akavunganidza vakasangangurwa vake kunobva mhepo ina, kubva kurutivi rumwe rwenyika kusvikira kunorumwe rutivi rwokudenga.And then shall he send his angels, and shall gather together his elect from the four winds, from the uttermost part of the earth to the uttermost part of heaven.
Dzidzai pamuvonde mufananidzo wawo; kana davi rawo rava nyoro, mashizha achitunga, munoziva kuti zhezha rava pedo.Now learn a parable of the fig tree; When her branch is yet tender, and putteth forth leaves, ye know that summer is near:
Saizvozvo imi vo, kana movona izvozvo zvichiitwa, zivai kuti vava pedo pamukova.So ye in like manner, when ye shall see these things come to pass, know that it is nigh, even at the doors.
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Rudzi urwu harungatongopfuvuri, kusvikira izvozvo zvose zvaitika.Verily I say unto you, that this generation shall not pass, till all these things be done.
Denga nenyika zvichapfuvura, asi mashoko angu haangatongopfuvuri.Heaven and earth shall pass away: but my words shall not pass away.
Asi kana riri zuva iro nenguva iyo, hakuna unozviziva, kunyange vatumwa vokudenga, kunyange Mwanakomana asi Baba.But of that day and that hour knoweth no man, no, not the angels which are in heaven, neither the Son, but the Father.
Chenjerai, murinde, nokunyengetera; nokuti hamuzivi kuti nguva ichasvika rini.Take ye heed, watch and pray: for ye know not when the time is.
Zvakaita somunhu wakaenda kuneimwe nyika, akasiya imba yake, akapa varanda vake simba, mumwe nomumwe basa rake, akaraira murindi womukova kuti arindire.For the Son of man is as a man taking a far journey, who left his house, and gave authority to his servants, and to every man his work, and commanded the porter to watch.
Naizvozvo rindai, nokuti hamuzivi musi mwene weimba waanovuya nawo, kana madeko, kana pakati povusiku, kana pakurira kwehuku, kana mangwanani;Watch ye therefore: for ye know not when the master of the house cometh, at even, or at midnight, or at the cockcrowing, or in the morning:
kuti arege kuvuya kamwekamwe, akakuwanai muvete.Lest coming suddenly he find you sleeping.
Zvandinokuvudzai imi, ndinovudza vose, ndichiti: Rindai!And what I say unto you I say unto all, Watch.