Bhaibheri

Mako 14

Mark 14 · 72 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino mazuva maviri akanga asara pakusvika kwepaseka nomutambo wezvingwa zvisinembiriso. VaPirisita vakuru navanyori vakanga vachitsvaka mutovo wavangamubata nawo namano, kuti vamuvuraye.

2Nokuti vakati: Zvirege kuitwa pamutambo, kuti kurege kuva nebope pakati pavanhu.

3Zvino wakati paBetania, mumba maSimoni wamaperembudzi, avapakudya, mumwe mukadzi akavuya anechinu chearbastera chaive nechi zoro cenardo chakanakisa chine mutengo mukuru; akaputsa chinu cearbstera, akachidurura pamusoro wake.

4Asi vamwe vakanga varipo vakatsamwa pamoyo yavo, vakati: Kuparadza ikoko kwechizoro kwakaitirweiko?

5Nokuti chizoro ichi chingadai chatengeswa namadhenari anopfuvura mazana matatu,* akapiwa varombo Vakatsamwira mukadzi.

6Asi Jesu wakati: Muregei. Munomutambudzireiko? Wakandiitira basa rakanaka.

7Nokuti varombo munavo nguva dzose, nguva ipi neipi yamunoda, mungavaitira zvakanaka; asi ini hamuneni nguva. Dzose.

8Wakaita paakagona napo; wakagara azodzera muviri wangu kuvigwa.

9Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kwose kunozoparidzirwa Evhangeri panyika dzose, zvakaitwa naye zvicharebwa vo, vamurangarire nazvo.

10Judhasi Iskarioti, mumwe wavanegumi navaviri, wakaenda kuvaPirisita vakuru, kuti amuise kwavari.

11Ivo vakati vachizvinzwa, vakafara, vakamupikira kuti vachamupa mari. Ipapo akatsvaka mutovo waangamuisa kwavari nawo panguva yakafanira.

12Nezuva rokutanga rezvingwa zvisinembiriso, musi wavaibayira paseka nawo, vadzidzi vakati kwaari: Munoda kuti tikugadzirirepiko pamungadya paseka?

13Akatuma vadzidzi vake vaviri, akati kwavari: Endai muguta, ipapo muchasangana nomunhu akatakura chirongo chemvura; mumutevere iye.

14Paanenge achipinda, muti kumwene weimba: Zvanzi nomudzidzisi: Imba yangu yavaeni iripiko, mandingadyira paseka navadzidzi vangu?

15ipapo iye amene uchakutaridzai imba huru yokumusoro, yakarongedzwa, yakagadzirwa; mutigadzirirepo.

16Vadzidzi vake vakabuda, vakasvika muguta, vakandowana sezvavakanga vavudzwa naye; vakagadzira paseka.

17Ava madekwana, akavuya navanegumi navaviri.

18Zvino vakati vagere pakudya, Jesu akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Mumwe wenyu uchandipandukira, iye unodya neni.

19Ipapo vakatanga kuva neshungu, mumwe nomumwe akati kwaari: Ndini here?

20Akati kwavari: Ndomumwe wavanegumi navaviri, unoisa ruvoko neni mundiro.

21Nokuti Mwanakomana womunhu unoenda hake, sezvakanyorwa pamusoro pake; asi unenhamo munhu uyo, Mwanakomana womunhu waanopandukirwa naye, kwaiva nani kumunhu uyu kana asina kuberekwa.

22Zvino vakati vachidya, Jesu akatora chingwa, akachiropafadza, akachimedura, ndokuvapa, achiti: Torai, ichi ndiwo muviri wangu.

23Akatora mukombe, akavonga, akavapa, vakanwa vose pauri.

24Akati kwavari: Ichi iropa rangu nesungano itsva, rinodururirwa vazhinji.

25Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Handichazonwi zve zvibereko zvomuzambiringa, kusvikira zuva iro randichazonwa naro, zvava zvitsva, muvushe bwaMwari.

26Zvino vakati vaimba rwiyo, vakabuda, vakaenda kugomo reMiorivhi.

27Zvino Jesu wakati kwavari: Imi mose muchagumburwa kwandiri, nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Ndicharova mufudzi, namakwai achaparadzwa.

28Asi kana ndamutswa,ndichakutunga mirirai Garirea.

29Zvino Petro akati kwaari: Kunyange vose vakagumburwa, ini kwete.

30Jesu akatikwaari: Zvirokwazvo ndinoti kwauri, kuti nhasi, vusiku bwuno, jongwe risati rarira kaviri, uchandiramba katatu.

31Asi iye wakareva nokusimbisa, achiti: Kunyange ndikafanira kufa nemi, handingatongokurambiyi ini. Navose vakadaro vo

32Zvino vakasvika panzvimbo inonzi Getsemani, akati kuvadzidzi vake: Garai pano, ini ndichindonyengetera.

33Akatora Petro naJakobho naJohane, akatanga kuvhunduka kwazvo nokudumbirwa.

34Akati kwavari: Mweya wangu uneshungu kwazvo, kusvikira pakufa; garai pano murinde.

35Akapfuvura mberi zvishoma, akawira pasi, akanyengetera kuti kana zvichibvira, nguva ipfuvure kwaari.

36Akati: Aba, Baba, zvose zvinobvira kwamuri, bvisai mukombe uyu kwandiri, asi kuda kwangu ngakurege kuitwa,asi kuda kwenyu..

37Zvino akasvika, akavawana vavata; akati kunaPetro: Simoni, uvete here? Wakanga usingagoni kurinda nguva imwe chete here?

38Rindai, munyengetere, kuti murege kupinda mukuidzwa; mweya unoda hawo, asi nyama hainesimba.

39Akaenda zve, akanyengetera achireva mashoko iwayo.

40Akaenda zve, akavawana vavata, nokuti meso avo akanga abatwa nehope kwazvo; vakasaziva zvavangamupindura.

41Akaenda zve rwechitatu, akati kwavari: Chivatai henyu, muzorore; Mwanakomana womunhu woiswa mumavoko avatadzi.

42Simukai, tiende; tarirai, wondiisa kwavari vava pedo.

43Pakarepo, achataura, Judhasi, mumwe wavanegumi navaviri, akasvika, anavanhu vazhinji vakabata minondo netsvimbo, vachibva kuvaPirisita vakuru navanyori navakuru.

44Zvino iye, wakamupandukira, wakanga avapa chiratidzo, achiti: Uyo wandinosveta ndiye, mumubate muende naye makamusunga zvakabata.

45Zvino wakati asvika, pakarepo akaswedera kwaari, akati: Rabhi! Akamusveta zvikuru.

46Ipapo vakaisa mavoko kwaari, vakamubata.

47Zvino mumwe wavakanga vamirepo, wakavhomora munondo wake, akatema muranda womuPirisita mukuru, akagura nzeve yake.

48Ipapo Jesu akapindura, akati kwavari: Mabuda kuzondibata neminondo netsvimbo, sendiri gororo here?

49Ndakanga ndinemi mazuva ose, ndichikudzidzisai mutembere, mukarega kundibata, asi izvi zvaitwa, kuti Magwaro aitike.

50Ipapo vakamusiya vose, vakatiza.

51Zvino rimwe jaya rakamutevera, rakapfeka mucheka bedzi pamuviri, vakaribata;

52asi rakasiya mucheka, rikatiza risinenguvo,

53Zvino vakaisa Jesu kumuPirisita mukuru; vaPirisita vakuru vose navakuru navanyori vakavunganira kwaari.

54Petro wakanga amutevera ari kure kusvikira paruvazhe rwomuPirisita mukuru; akanga agere navatariri, achidziya moto.

55Zvino vaPirisita vakuru namakurukota ose vakatsvaka chapupu pamusoro paJesu kuti vamuvuraye, asi vakashaiwa

56Nokuti vazhinji vaimupupurira nhema, asi kupupura kwavo kwakapesana.

57Vamwe vakasimuka, vakamupupurira nhema, vachiti:

58Takamunzwa isu achiti: Ndichaputsa tembere iyi; yakavakwa namavoko, ndikavaka imwe namazuva matatu, isina kuvakwa namavoko.

59Asi kupupura kwavo kwakapesana.

60Zvino muPirisita mukuru akasimuka pakati pavo, akabvunza Jesu, achiti: Haupinduri chinhu here? Chinyi ichi chavanokupomedzera?

61Asi iye wakaramba anyerere, asingapinduri chinhu. MuPirisita mukuru akamubvunza zve, akati kwaari: Ndiwe Kristu, Mwanakomana wounokudzwa here?

62Jesu akati: Ndini. Nemi muchavona Mwanakomana womunhu agere kurudyi rwesimba, achivuya namakore okudenga.

63Ipapo muPirisita mukuru akabvarura nguvo dzake, akati: Tichatsvakireiko zvapupu?

64Manzwa kumhura kwake Mwari; munofungeiko? Ipapo vose vakamutongera kuti unofanira kufa.

65Vamwe vakatanga kumupfira mate, vakafukidza meso ake, vakamurova netsiva, vachiti kwaari: Profita; navatariri vakamurova namavoko.

66Zvino Petro achiri panze paruvazhe, mumwe wavashandiri vomuPirisita mukuru akasvika,

67akavona Petro achidziya moto, akamutarira, akati: Newevo wakanga unaJesu weNazareta!

68Asi iye wakaramba, achiti: Handizivi kana kunzwisisa zvaunoreva; akabuda panze kuruvazhe rwapamberi, jongwe rikarira.

69Zvino mushandiri akamuvona, akatanga zve kureva kunavakanga varipo, achiti: Uyu ndomumwe wavo!

70Asi iye wakaramba zve. Nguva duku yakati yapfuvura, vakanga vamirepo vakati zve kuna Petro: Zvirokwazvo, uri mumwe wavo, nokuti newe vo uri muGarirea nokuti rurimi rwako runotenderana nazvo.

71Ipapo akatanga kutuka nokupika, achiti: Handimuzivi munhu uyu wamunoreva.

72Pakarepo jongwe rikarira rwechipiri; ipapo Petro akarangarira shoko rakanga rarebwa kwaari naJesu rokuti: Jongwe risati rarira kaviri, uchandiramba katatu. Zvino wakati achifunga izvozvo, akachema.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.