Bhaibheri

Mako 15

Mark 15 · 47 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Pakarepo mangwanani vaPirisita vakuru vakarangana navakuru navanyori namakurukota ose, vakasunga Jesu, vakaenda naye, vakamuisa kunaPirato.

2Pirato akamubvunza, akati: Ndiwe Mambo wavaJudha here? Akapindura, akati kwaari: Ndizvo zvamataura.

3VaPirisita vakuru vakaramba vachimupomera zvizhinji asi haana kuvapindura chinhu.

4Pirato akamubvunza zve akati: Haupinduri chinhu here? Chinzwa, vanokupomera, zvizhinji seiko!

5Asi Jesu haana kuzopindura chinhu, Pirato akashamiswa nazvo.

6Zvino pamutambo waisivasunungurira musungwa mumwe, wavanenge vaikumbira.

7Zvino kwakanga kunomumwe wainzi Barabhasi, wakanga asungwa pamwe chete navamwe vakanga vamutsa bope, vakavuraya vanhu pabope irero.

8Vanhu vazhinji vakakwira, vakatanga kukumbira kunaPirato kuti avaitire saizvozvo.

9Pirato akavapindura, akati: Munoda kuti ndikusunungurirei Mambo wavaJudha here?

10Nokuti wakanga achiziva kuti vaPirisita vakuru vakanga vamuisa kwaari negodo.

11Zvino vaPirisita vakuru vakakurudzira vanhu vazhinji, kuti vakumbire kuti zvirinani avasunungurire Barabhasi.

12Pirato akapindura zve, akati kwavari: Ndichagoiteiko naiye, wamunoti ndiye Mambo wa vaJudha?

13Vakadanidzira zve, vachiti: Murovere pamuchinjikwa!

14Pirato akati kwavari: Wakagotadzeiko? Vakanyanyisa kudanidzira vachiti: Murovere pamuchinjikwa!

15Zvino Pirato, nokuti wakanga achida kufadza vanhu vazhinji, akavasunungurira Bharabhasi, asi Jesu wakamurovesa, akamuisa kwavari kuti aroverwe pamuchinjikwa.

16Zvino varwi vakamuisa mukati moruvazhe, imo muimba yomubati, vakavunganidza hondo yose;

17vakamupfekedza nguvo tsvuku, vakaruka korona yeminzwa, vakamudzika iyo.

18Vakatanga kumukwazisa, vachiti: Kwaziwai, Mambo wavaJudha!

19Vakamurova musoro norutsanga, vakamupfira mate, vakafugama namabvi, vakamunamata.

20Vakati vamuseka, vakamubvisa nguvo tsvuku, ndokumupfekedza nguvo dzake, vakaenda naye kundomurovera pamuchinjikwa.

21Zvino vakamanikidza mumwe, wakanga achipfuvura achibva kuruwa, wainzi Simoni weKurini, baba vaArekesndro naRufo, kuti atakure muchnjikwa wake.

22Vakamuisa kunzvimbo inonzi Gorogota, ndokuti nzvimbo yedehenya, kana zvichishandurwa.

23Vakamupa waini, yakavhenganiswa nemura, asi iye wakazviramba.

24Vakati vamurovera pamuchinjikwa,, vakagovana nguvo dzake, vachikanda mijenya pamusoro padzo, kuti mumwe nomumwe apiwe chake.

25Yakanga iri nguva yechitatu, vakamurovera pamuchinjikwa.

26Norugwaro rwemhosva yake rwakanga rwakanyorwa pamsoro pake, ruchiti: MAMBO WAVAJUDHA.

27Vakarovera pamuchinjikwa pamwe chete naye makororo maviri, mumwe kurudyi rwake, mumwe kuruboshwe. [

28Rugwaro rukaitika, runoti: Wakarabwa pamwe chete navadariki vomurairo.]

29Navaipfuvura vakamutuka, vachidzungudza misoro yavo, vachiti: Iwe, wokuputsa tembere, nokuivaka zve namazuva matatu,

30chizviponesa iwe, uburuke pamuchinjikwa!

31Saizvozvo vaPirisita vakuru navanyori vakamuseka pakati pavo,vachiti: Wakaponesa vamwe, zvino haagoni kuzviponesa.

32Kristu, Mambo wavaIsraeri, ngaaburuke zvino pamuchinjikwa, kuti tivone titende. Navakanga varoverwa pamwe chete naye vakamuzvidza.

33Zvino yakatiyava nguva yechitanhatu, rima rikavapo panyika yose kusvikira panguva yepfumbamwe.

34Nenguva yepfumbamwe Jesu akadana nenzwi guru, achiti: Eroi, Eroi, rama Sabaktani! Ndokuti, kana zvichishandurwa: Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko?

35Vamwe vakanga vamirepo vakati vachizvinzwa, vakati: Chinzwai, unodana Eria.

36Ipapo mumwe wakamhanya, akazadza chipanje nevhinega, akachiisa parutsanga, ndokumunwisa, achiti: Regai timboona kana Eria achizovuya kumuburusa.

37Ipapo Jesu akadana nenzwi guru, akabudisa mweya wake.

38Chidziro chetembere chikabvaruka napakati, kubva kumsoro kusvikira pasi.

39Zvino mukuru wezana wakanga amirepo akatarisana naye, wakati achivona mutovo wokufa kwake, akati: Zvirokwazvo, munhu uyu wakanga ari Mwanakomana waMwari.

40Navakadzi vakanga varipo, vakatarira vari kure; pakati pavo kwakanga kuna Maria Magdarene, naMaria mai vaJakobho muduku naJose, naSarome;

41ndivo vaimutevera achi muGarirea vachimushandira, navamwe vakadzi vazhinji vakanga vakwira Jerusarema naye.

42Zvino ava madeko, zvarakanga riri zuva rokugadzirira, ndokuti rinotangira sabata,

43Josefa weArimatea, mumwe wamakurukota, munhu wakakudzwa iye amene wakanga achigarira vo vushe bwaMwari wakavuya akapinda nokutsunga kunaPirato, akakumbira mutumbu waJesu.

44Pirato akashamiswa achinzwa kuti wakanga atofa; akadana mukuru wezana, akamubvunza kana akanguva afa.

45Zvino wakati azvinzwa kumukuru wezana, akapa Josefa mutumbu.

46Iye wakatenga mucheka, akamuburusa, akamuputira nomucheka, ndokumuviga mubwiro bwakanga bwakacherwa pabwe, ndokukungurusira ibwe pamuromo wobwiro.

47Maria Magdarene, naMaria mai vaJose, vakavona paakavigwa.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.