Bhaibheri

Mako 16

Mark 16 · 20 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Sabata yakati yapfuvura, Maria Magdarene, naMaria mai vaJakobho, naSarome, vakatenga zvinonhuwira, kuti vaende kuzomuzodza.

2Mangwanani nomusi wokutanga wevhiki, vakaenda, kubwiro, zuva robuda.

3Vakataurirana, vachiti: Ndianiko uchatikungurusira ibwe pamukova wobwiro?

4Zvino vakati vachitarira, vakavona kuti ibwe rakanga ratokunguruswa, nokuti raiva guru-guru.

5Vakapinda mubwiro, vakavona jaya, rakanga rigere kurudyi, rakapfeka nguvo chena yakareba, vakavhunduka.

6Rikati kwavari: Musavhunduka, munotsvaka Jesu weNazareta, wakanga aroverwa pamuchinjikwa; wamuka, haapo pano; tarirai pavakanga vamuisa.

7Asi endai, mundovudza vadzidzi vake naPetro, kuti unokutungamirirai Garirea, muchandomuvona’ko, sezvaakakuvudzai.

8Vakabuda, nokukurumidza vakatiza vachibva pabwiro, nokuti vakanga vabatwa nokudedera nokushamiswa; vakasavudza munhu chinhu, nokuti vakanga vachitya.

9Zvino wakati amuka mangwanani nomusi wokutanga wevhiki, akazviratidza pakutanga kunaMaria Magdarene, waakanga abudisa mweya yakaipa minomwe kwaari.

10Iye akaenda kundovudza avo vaiva naye,vakanga vachichema nokurira.

11Ivo vakati vachinzwa kuti uri mupenyu, vuye kuti wakavonekwa naye, vakasatenda.

12Shure kwaizvozvo wakazviratidza nomuwe mutovo kunavaviri vavo, vakanga vachifamba muruwa.

13Naivo vo vakaenda, vakandovudza vamwe; naivo vakasavatenda vo.

14Pashure wakazviratidza kunavanegumi nomumwe, vagere pakudya; akavapa mhaka pamusoro pokusatenda kwavo novukukutu hwemoyo yavo, nokuti havana kutenda vaya vakanga vamuvona amuka.

15Akati kwavari: Endai munyika yose muparidzire zvisikwa zvose Evhangeri.

16Unotenda, akabhabhatidzwa, uchaponeswa; asi usingatendi uchatongwa.

17Zviratidzo izvi zvichava navanotenda: Vachabudisa mweya yakaipa nezita rangu, vachitaura nendimi itsva;

18vachabata nyoka; kunyange vakanwa chinhu chinovuraya, hachingavarwadzi; vachaisa mavoko pamusoro pavarwere, vakapora.

19Zvino Ishe Jesu wakati ataura navo, akagamuchirwa kudenga, akagara kuruvoko rworudyi rwaMwari.

20Ivo vakaenda, vakaparidza kwose-kwose, Ishe achibata navo, achisimbisa shoko nezvitidzo zvaiva navo. Amen.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.