Vazhinji zvavakaidza kurondedzera mashoko ezvinhu izvo zvakaitika pakati pedu,Forasmuch as many have taken in hand to set forth in order a declaration of those things which are most surely believed among us,
sezvavakatipa ivo vakazviona nameso avo kubva pakutanga, navaiva vanyai veshoko,Even as they delivered them unto us, which from the beginning were eyewitnesses, and ministers of the word;
neni vo, ndakati ndanyatso-feya zvose kubva pakutanga, ndakati zvakanaka kuti ndikunyorerei vo nokutevedzanisa, imi Teofiro, makakurumbira;It seemed good to me also, having had perfect understanding of all things from the very first, to write unto thee in order, most excellent Theophilus,
kuti muzive kuti mashoko amakadzidziswa ndeezvokwadi.That thou mightest know the certainty of those things, wherein thou hast been instructed.
Namazuva aHerodhe, mambo weJudhea, mumwe muPirisita waivapo, wainzi Zakaria, wegovero raAbhiya; mukadzi wake waiva wavanasikana vaAroni, zita rake rainzi Erisabete.There was in the days of Herod, the king of Judaea, a certain priest named Zacharias, of the course of Abia: and his wife was of the daughters of Aaron, and her name was Elisabeth.
Vakanga vakarurama vose, vari vaviri, pamberi paMwari, vachifamba nemirairo nezvakarurama zvose zvaShe, vasina, chavangapomerwa.And they were both righteous before God, walking in all the commandments and ordinances of the Lord blameless.
Vakanga vasinomwana, nokuti Erisabete wakanga asingabereki, vuye vakanga vachembera vose vari vaviri.And they had no child, because that Elisabeth was barren, and they both were now well stricken in years.
Zvino, wakati achibate-basa rovuPirisita pamberi paMwari, padzoro regovero rake,And it came to pass, that while he executed the priest’s office before God in the order of his course,
akagoverwa netsika dzovuPirisita, kuti apinde mutembere yaShe, kuzopisa zvinonhuhwira.According to the custom of the priest’s office, his lot was to burn incense when he went into the temple of the Lord.
Vanhu vazhinji vose vakanga vachinyengetera kunze nenguva yokupisa zvinonhuwira.And the whole multitude of the people were praying without at the time of incense.
Ipapo mutumwa waShe wakavonekwa naye, amire kurudyi rwearitari yezvinonhuwira.And there appeared unto him an angel of the Lord standing on the right side of the altar of incense.
Zakaria akamanikidzwa achimuvona; kutya kukamuwira.And when Zacharias saw him, he was troubled, and fear fell upon him.
Mutumwa akati kwaari: Usatya Zakaria, nokuti kukumbira kwako kwanzwikwa, mukadzi wako Erisabete uchakuberekera mwanakomana, ugomutumidza zita rinonzi Johane.But the angel said unto him, Fear not, Zacharias: for thy prayer is heard; and thy wife Elisabeth shall bear thee a son, and thou shalt call his name John.
Iwe uchava nomufaro nokufarisisa, navazhinji vachafarira kuberekwa kwake.And thou shalt have joy and gladness; and many shall rejoice at his birth.
Nokuti iye uchava mukuru pamberi paShe; haangatongomwi waini nezvinobata; uchazadzwa noMweya Mutsvene kubva padumbu ramai vake.For he shall be great in the sight of the Lord, and shall drink neither wine nor strong drink; and he shall be filled with the Holy Ghost, even from his mother’s womb.
Uchadzorera vazhinji vavana vaIsraeri kunaShe, Mwari wavo.And many of the children of Israel shall he turn to the Lord their God.
Uchafamba pamberi pake noMweya nesimba raEria, kuti adzorere moyo yamadzibaba kuvana navasingateereri kuvuchenjeri bwakarurama agadzirire Ishe, vanhu vakamugadzirirwa kwazvo,And he shall go before him in the spirit and power of Elias, to turn the hearts of the fathers to the children, and the disobedient to the wisdom of the just; to make ready a people prepared for the Lord.
Zakaria akati kumutumwa: Izvozvi ndichazviziva seiko? Nokuti ini ndava mutana, nomukadzi wangu wachembera.And Zacharias said unto the angel, Whereby shall I know this? for I am an old man, and my wife well stricken in years.
Mutumwa akapindura, akati kwaari: Ndini Gabrieri, ndinomira pamberi paMwari; ndatumwa kuti nditaure newe, ndikuparidzire mashoko awa akanaka.And the angel answering said unto him, I am Gabriel, that stand in the presence of God; and am sent to speak unto thee, and to shew thee these glad tidings.
Tarira, uchanyarara, usingagoni kutaura, kusvikira zuva rinoitwa zvinhu izvi, nokuti hauna kutenda mashoko angu, achaitika nenguva yawo.And, behold, thou shalt be dumb, and not able to speak, until the day that these things shall be performed, because thou believest not my words, which shall be fulfilled in their season.
Vanhu vakanga vakamirira Zakaria vakashamiswa nokunonoka kwake mutembere.And the people waited for Zacharias, and marvelled that he tarried so long in the temple.
Zvino wakati achibuda, akasagona kutaura navo; vakaziva kuti wakanga avona chiratidzo mutembere; iye akaramba achininira namavoko, akaramba ari mbeveve.And when he came out, he could not speak unto them: and they perceived that he had seen a vision in the temple: for he beckoned unto them, and remained speechless.
Zvino mazuva okushumira kwake akati apera, akaenda kumba kwake.And it came to pass, that, as soon as the days of his ministration were accomplished, he departed to his own house.
Mazuva iwayo akati apfuvura, Erisabete mukadzi wake akatora mimba, akazvivanza mwedzi mishanu, achiti:And after those days his wife Elisabeth conceived, and hid herself five months, saying,
Ndizvo zvandakaitirwa naShe namazuva aakanditarira, kuti abvise kunyadzwa kwangu pakati pavanhu.Thus hath the Lord dealt with me in the days wherein he looked on me, to take away my reproach among men.
Nomwedzi wechitanhatu mutumwa Gabrieri wakatumwa naMwari kuguta reGarirea, rinonzi Nazareta,And in the sixth month the angel Gabriel was sent from God unto a city of Galilee, named Nazareth,
kumhandara, yakanga yanyengwa nomurume, wainzi Josefa, weimba yaDhavidhi; zita remhandara rainzi Maria.To a virgin espoused to a man whose name was Joseph, of the house of David; and the virgin’s name was Mary.
Mutumwa akapinda kwaari, akati: Kwaziwa, iwe unodikanwa,Ishe unewe wakaropafadzwa pakati pavakadzi.And the angel came in unto her, and said, Hail, thou that art highly favoured, the Lord is with thee: blessed art thou among women.
Iye wakati achimuvona akatambudzika nokutaura kwake, akafunga mumoyo make kuti kukwazisa kwakadai kunorevei.And when she saw him, she was troubled at his saying, and cast in her mind what manner of salutation this should be.
Ipapo mutumwa akati kwaari: Usatya Maria, nokuti wanzwirwa nyasha naMwari.And the angel said unto her, Fear not, Mary: for thou hast found favour with God.
Tarira, uchava nemimba, uchazvara mwanakomana, ugomutumidza zita rinonzi Jesu.And, behold, thou shalt conceive in thy womb, and bring forth a son, and shalt call his name JESUS.
Iye uchava mukuru, uchanzi Mwanakomana woWokumusorosoro; Ishe Mwari uchamupa chigaro chovushe chababa vake Dhavidhi.He shall be great, and shall be called the Son of the Highest: and the Lord God shall give unto him the throne of his father David:
Uchabata imba yaJakobho nokusingaperi, novushe bwake habungavi nomugumo.And he shall reign over the house of Jacob for ever; and of his kingdom there shall be no end.
Ipapo Maria akati kumutumwa: Izvozvi zvingava seiko, zvandisingazivi murume?Then said Mary unto the angel, How shall this be, seeing I know not a man?
Mutumwa akapindura, akati kwaari: Mweya Mutsvene uchavuya pamusoro pako, nesimba roWokumusorosoro richakufukidza; saka icho chitsvene chichaberekwa chichanzi: Mwanakomana waMwari.And the angel answered and said unto her, The Holy Ghost shall come upon thee, and the power of the Highest shall overshadow thee: therefore also that holy thing which shall be born of thee shall be called the Son of God.
Vuye tarira, Erisabete, hama yako, naiye wavanemimbavo yomwanakomana pakuchembera kwake; mwedzi uno wava wechitanhatu kunaiye wainzi haabereki.And, behold, thy cousin Elisabeth, she hath also conceived a son in her old age: and this is the sixth month with her, who was called barren.
Nokuti kuna Mwari hakuna chinhu chinokona.For with God nothing shall be impossible.
Ipapo Maria akati: Tarirai, ndiri mushandiri waShe; ndiitirwe hangu sezvamataura, Mutumwa akabva kwaari.And Mary said, Behold the handmaid of the Lord; be it unto me according to thy word. And the angel departed from her.
Namazuva iwayo Maria akasimuka, akakurumidza kuenda kunyika yamakomo, kuguta reJudhea;And Mary arose in those days, and went into the hill country with haste, into a city of Juda;
akapinda mumba maZakaria, akakwazisa Erisabete.And entered into the house of Zacharias, and saluted Elisabeth.
Zvino Erisabete wakati achinzwa kukwazisa kwaMaria, mwana akakwakuka mudumbu rake; ipapo Erisabete akazadzwa noMweya Mutsvene,And it came to pass, that, when Elisabeth heard the salutation of Mary, the babe leaped in her womb; and Elisabeth was filled with the Holy Ghost:
akadana nenzwi guru, akati: Wakaropafadzwa iwe pakati pavakadzi, nechibereko chedumbu rako chakaropafadzwa!And she spake out with a loud voice, and said, Blessed art thou among women, and blessed is the fruit of thy womb.
Zvaita seiko kwandiri, kuti ndamutswa namai vaShe wangu?And whence is this to me, that the mother of my Lord should come to me?
Nokuti, tarira, inzwi rokukwazisa kwako rakati richisvika munzeve dzangu, mwana akakwakuka nomufaro mudumbu rangu.For, lo, as soon as the voice of thy salutation sounded in mine ears, the babe leaped in my womb for joy.
Wakaropafadzwa iye mukadzi wakatenda, nokuti zvakataurwa naShe kwaari zvichaitika.And blessed is she that believed: for there shall be a performance of those things which were told her from the Lord.
Maria akati: Moyo wangu unokudza Ishe,And Mary said, My soul doth magnify the Lord,
Mweya wangu wakafara naMwari, Muponesi wangu;And my spirit hath rejoiced in God my Saviour.
Zvaakavona vurombo bwomushandiri wake; Nokuti, tarira, kubva zvino marudzi ose achati, ndakaropafadzwa;For he hath regarded the low estate of his handmaiden: for, behold, from henceforth all generations shall call me blessed.
Nokuti uyo unamasimba wakandiitira zvinhu zvikuru; Zita rake idzvene.For he that is mighty hath done to me great things; and holy is his name.
Ngoni dzake dziri kumarudzi namarudzi Avanhu vanomutya.And his mercy is on them that fear him from generation to generation.
Wakaratidza simba rake noruvoko rwake; Wakaparadza vaizvikudza mundangariro dzemoyo yavo;He hath shewed strength with his arm; he hath scattered the proud in the imagination of their hearts.
Wakabvisa madzimambo pazvigaro zvavo zvovushe, Akasimudza vakaninipiswa;He hath put down the mighty from their seats, and exalted them of low degree.
Vanenzara wakavagutsa nezvakanaka, Akadzosera vafumi vasina;He hath filled the hungry with good things; and the rich he hath sent empty away.
Wakabatsira Israeri, muranda wake, Kuti arangarire ngoni dzake,He hath holpen his servant Israel, in remembrance of his mercy;
(Sezvaakareva kumadzibaba edu), KunaAbhurahamu nokurudzi rwake nokusingaperi.As he spake to our fathers, to Abraham, and to his seed for ever.
Maria akagara naye mwedzi inenge semitatu, akadzokera kumusha kwake.And Mary abode with her about three months, and returned to her own house.
Zvino nguva yaErisabete yokuzvara kwake yakasvika; akabereka mwanakomana.Now Elisabeth’s full time came that she should be delivered; and she brought forth a son.
Zvino vakavakidzana navo nehama dzake vakati vanzwa kuti Ishe wakanga amuitira ngoni huru, vakafara naye.And her neighbours and her cousins heard how the Lord had shewed great mercy upon her; and they rejoiced with her.
Zvino nezuva rorusere vakavuya kuzodzingisa mwana, vakada kumutumidza zita rababa vake, Zakaria.And it came to pass, that on the eighth day they came to circumcise the child; and they called him Zacharias, after the name of his father.
Ipapo mai vakapindura, vakati: Kwete, uchatumidzwa Johane.And his mother answered and said, Not so; but he shall be called John.
Vakati kwaari: Hakunomunhu kuhama dzenyu wakatumidzwa zita iro.And they said unto her, There is none of thy kindred that is called by this name.
Vakabvunza baba vake, vachidudzira namavoko, kuti anzi aniko.And they made signs to his father, how he would have him called.
Vakakumbira ibwe rokunyora pariri, vakanyora vachiti: Johane, ndiro zita rake. Vakashamiswa vose.And he asked for a writing table, and wrote, saying, His name is John. And they marvelled all.
Kamwe-kamwe muromo wake ukashamiswa, norurimi rwake rukasununguka, akataura, akarumbidza Mwari.And his mouth was opened immediately, and his tongue loosed, and he spake, and praised God.
Kutya kukawira vose vakanga vagere navo; namashoko iwayo ose akanzwika kunyika yose yamakomo eJudhea.And fear came on all that dwelt round about them: and all these sayings were noised abroad throughout all the hill country of Judaea.
Vose vakanzwa, vakaachengeta mumoyo mavo, vachiti: Uchazova mwana wakadiniko? Nokuti ruvoko rwaShe rwakava naye.**And all they that heard them laid them up in their hearts, saying, What manner of child shall this be! And the hand of the Lord was with him.
Baba vake, Zakaria, vakazadzwa noMweya Mutsvene, vakaporofita, vachiti:And his father Zacharias was filled with the Holy Ghost, and prophesied, saying,
Ishe, Mwari wavaIsraeri, ngaakudzwe; Nokuti wakamutsa vanhu vake, nokuvadzikinura,Blessed be the Lord God of Israel; for he hath visited and redeemed his people,
Akatisimudzira runyanga rwokuponeswa. Mumba momuranda wake, Dhavidhi;And hath raised up an horn of salvation for us in the house of his servant David;
(Sezvaakataura nomuromo wavaporofita vake vatsvene, vakanga varipo kubva pakuvamba kwenyika),As he spake by the mouth of his holy prophets, which have been since the world began:
Kutiponesa pavavengi vedu, napamavoko avose vanotivenga;That we should be saved from our enemies, and from the hand of all that hate us;
Kunzwira madzibaba edu ngoni, Nokurangarira sungano yake tsvene;To perform the mercy promised to our fathers, and to remember his holy covenant;
Kupika kwaakapika nako kunababa vedu Abhurahamu.The oath which he sware to our father Abraham,
Kutipa simba isu, tasunungurwa mumavoko avavengi vedu. Kuti timushumire tisingatyi,That he would grant unto us, that we being delivered out of the hand of our enemies might serve him without fear,
Novutsvene nokururama pamberi pake mazuva edu ose.In holiness and righteousness before him, all the days of our life.
Iwe, Mwana, uchanzi muporofita woWokumusoro-soro, Nokuti iwe uchatungamira pamberi paShe, kumugadzirira nzira dzake;And thou, child, shalt be called the prophet of the Highest: for thou shalt go before the face of the Lord to prepare his ways;
Kuzivisa vanhu vake nzira yokuponeswa nayo, Vachikanganwirwa zvivi zvavo.To give knowledge of salvation unto his people by the remission of their sins,
Nomoyo munyoro waMwari wedu, Uchatishanyira namambakwedza okudenga,Through the tender mercy of our God; whereby the dayspring from on high hath visited us,
Kuvhenekera vagere murima nomumvuri worufu; Nokururamisa tsoka dzedu munzira yorugare.To give light to them that sit in darkness and in the shadow of death, to guide our feet into the way of peace.
Mwana akakura, akasimba mumweya, akagara mumarenje, kusvikira zuva rokuratidzwa kwake kuvaIsraeri.And the child grew, and waxed strong in spirit, and was in the deserts till the day of his shewing unto Israel.