Bhaibheri

Mako 7

Mark 7 · 37 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino vaFarise navamwe vavanyori vaibva Jerusarema, vakavunganira kwaari;

2vakavona vamwe vavadzidzi vake vachidya namavoko anetsvina, ndokuti asina kushambwa.

3Nokuti vaFarise, navaJudha vose havadyi vasina kumboshamba mavoko kwazvo, vachichengeta tsika dzavakuru.

4Kana vachidya padare havangadyi vasina kumboshamba; nezvimwe zvizhinji zviri po zvavakanga vagamuchira, kuti vazvichengete, zvinoti: Kusuka mikombe, nehari, nemidziyo yendarira.

5Ipapo vaFarise navanyori vakamubvunza, vachiti: Vadzidzi venyu vanoregeiko kufamba netsika dzavakuru, zvavanodya chingwa namavoko anetsvina?

6Akati kwavari: Isaya wakaporofita kwazvo pamusoro penyu, imi vanyengeri, sezvakanyorwa, zvichinzi: Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo, Asi moyo yavo iri kure neni.

7Asi vanondinamata pasina, Vachidzidzisa dzidziso, iri mirairo yavanhu.

8Munosiya mirairo yaMwari, muchichengeta tsika dzavanhu.

9Akati kwavari: Zvirokwazvo, munoramba murairo waMwari, kuti muchengete tsika dzenyu;

10nokuti Mosesi wakati: Kudza baba vako namai vako, vuye, unotuka baba namai, ngaafe norufu.

11Asi imi munoti: Kana munhu achiti kunababa vake kana mai vake: Chinhu chipi nechipi chamaiti munobatsirwa nacho kwandiri chava Korbani, ndokuti chava chipo kunaMwari,

12hamuchamutenderi kuitira baba vake namai vake chinhu.

13muchitorera shoko raMwari simba netsika dzenyu dzamakachengeta, nezvinhu zvizhinji zvakadaro munozviita.

14Akadanira zve kwaari vanhu vazhinji akati kwavari: Nditererei mose, munzwisise!

15Hapanechinhu kunze kwomunhu chingamusvibisa, kana chichipinda maari; asi zvinobuda maari, ndizvo zvinosvibisa munhu. {

16Kana munhu anenzeve dzokunzwa, ngaanzwe.}

17Zvino; wakati abva kuvanhu vazhinji, apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza zvomufananidzo uyo.

18Akati kwavari: Nemi vo hamunzwisisi saizvozvo here? Hamunzwisisi here kuti zvose zviri kunze, kana zvichipinda mumunhu, hazvipindi mumoyo make asi mudumbu, zvichirashwa kunze, kana zvichipinda mumunhu, hazvigoni kumusvibisa?

19Nokuti hazvipindi mumoyo make asi mudumbu, zvichirashwa kunze; nokutaura kwakadaro wakanatsa zvokudya zvose.

20Ipapo akati: Zvinobuda mumunhu ndizvo zvinosvibisa munhu.

21Nokuti mukati, mumoyo yavanhu munobuda mifungo yakaipa, novupombwe, nokuba, nokuvuraya.

22novufeve, noruchiva, nokuipa, nokunyengera, novutere, neziso rinegodo, nokutuka, namanyawi, novupenzi;

23zvakaipa izvozvo zvose zvinobva mukati, zvinosvibisa munhu.

24Wakasimuka ipapo.akasimuka akaenda kunyika yeTire neSidoni; akapinda mumba, asingadi kuzikanwa nomunhu; akakoniwa kuzvivanza.

25Nokuti mumwe mukadzi, waiva nomwanasikana muduku, wakanga anomweya wetsvina, wakati achimunzwa, akavuya akazviwisira pasi petsoka dzake.

26Zvino iye mukadzi waiva muGiriki, worudzi rwaveSirofenike; akaramba achikumbira kwaari kuti abudise mweya wakaipa pamwanasikana wake.

27Akati kwaari: Vana ngavatange kuguta, nokuti hazvina kunaka kutora chingwa chavana, ndokuchikandira imbwanana.

28Akapindura, akati kwaari: Hongu, Ishe, kunyange nembwanana vo dzinodya pasi petafura zvimedu zvavana.

29Akati kwaari: Nokuda kweshoko iro, enda; mweya wakaipa wabva pamwanasikana wako,

30Akaenda kumba kwake, akawana mwana avete pamubeda, mweya wakaipa wabva.

31Zvino wakati achibva zve munyika yeTire, akaenda napakati peSidoni kugungwa reGarirea, napakati penyika yeDhekapori.

32Vakaisa kwaari munhu wematsi, waikakamira vakakumbira zvikuru kuti aise ruvoko rwake pamusoro pake.

33Akamubvisa pakati pavanhu vazhinji, ndokuenda naye parutivi, akapinza munwe munzeve dzake, akapfira mate, ndokubata rurimi rwake.

34Ipapo akatarira kudenga, akagomera akati, kwaari: Efata, ndokuti: Dzivuka.

35Pakarepo nzeve dzake dzakadzivuka, chisungo chorurimi rwake chakasununguka, akataura zvakanaka.

36Zvino wakavaraira, kuti varege kuvudza vanhu; asi iye achinyanya kuvaraira, ivo vakanyanyisa kuparidza izvozvo.

37Vakashamiswa zvikuru-kuru, vachiti: Wakaita zvose zvakanaka; wakaita matsi kuti dzinzwe, nembeveve kuti dzitaure.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.