Mako 8
Mark 8 · 38 verses
1Namazuva iwayo zvakwakanga kunavazhinji-zhinji, vakanga vasinazvavangadya akadanira vadzidzi vake kwaari, akati kwavari:
2Ndinetsitsi navanhu vazhinji, nokuti atova mazuva matatu avakagara neni vasina zvavangadya.
3Kana ndikavaendisa kumusha kwavo vanenzara, vachaziya panzira; vamwe vavo vanobva kure.
4Vadzidzi vake vakapindura, vakati kwaaari: Munhu ungawanepiko murenje muno, zvingwa zvingagutisa vanhu ava?
5Akavabvunza, akati: Munezvingwa zvinganiko? Vakati: Zvinomwe.
6Zvino akaraira vanhu vazhinji kuti vagare pasi, akatora zvingwa zvinomwe, akavonga, akazvimedura, ndokupa vadzidzi vake, kuti vaise pamberi pavo; vakazviisa pamberi pavazhinji.
7Vuye vakanga vanehove duku shomanene; zvino akadziropafadza, akati zviiswe vo pamberi pavo.
8Vakadya, vakaguta, ndokuvunganidza zvimedu zvakasara, matengu manomwe.
9Vanenge vaiva zvuru zvina; akavaendisa.
10Pakarepo akapinda mugwa navadzidzi vake, akasvika kumativi enyika yeDarmanuta.
11Zvino vaFarise vakabuda, vakatanga kuita nyaya naye, vachitsvaka kwaari chiratidzo chinobva kudenga, vachimuidza.
12Akagomera zvikuru pamweya wake, akati: Rudzi urwu runotsvakireiko chiratidzo? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Rudzi urwu harungapiwi chiratidzo.
13Ipapo akavasiya, akapinda zve mugwa, akayambukira mhiri.
14Vakanga vakanganwa kutora zvingwa; vakanga vasinezvingwa, asi chimwe bedzi.
15Zvino akavaraira, akati: Chenjerai, mutye mbiriso yavaFarise nembiriso yaHerodhe.
16Vakarangana vakati: Unodaro nokuti hatine zvingwa.
17Zvino Jesu wakati achizviziva, akati kwavari: Munorangana nemhaka yeiko kuti hamunezingwa? Hamuzivi, nokunzwisisa here? Moyo yenyu ichiri mikukutu here?
18Zvamunameso, hamuvoni here? Zvamunenzeve, hamunzwi here? Hamurangariri here?
19Musi wandakamedurira vanezvuru zvishanu zvingwa zvishanu, makanonga matengu manganiko azere nezvimedu? Vakati kwaari: Gumi namaviri.
20Nomusi wandakamedurira vanezvuru zvina zvingwa zvimwe, makanonga matengu manganiko akazadzwa nezvimedu? Vakati: Manomwe.
21Akati kwavari: Ko hamunzwisisi nazvino here?
22Zvino wakasvika Betsaida; vakavuya nebofu, vakakumbira zvikuru kwaari, kuti amunyangate.
23akabata ruvoko rwebofu, akamuisa kunze kwomusha, ndokupfira mate pameso ake, akaisa mavoko pamusoro pake, akamubvunza kana achivona chinhu.
24Iye akatarira, akati: ndinovona vanhu, ndinovavona vachifamba vakafanana nemiti.
25Zvino akaisa zve mavoko pamusoro pameso ake,iye akatarisisa, akaporeswa akavona zvose zvakanaka.
26Akamuendesa kumba kwake akati: usatongopinda mumusha kana kuvudza munhu mumusha.
27Zvino Jesu navadzidzi vake vakaenda kumisha yeKesaria Firipo; munzira akabvunza vadzidzi vake akati kwavari: Vanhu vanoti ndini aniko?
28Vakapindura vachiti kwaari: Vamwe vanoti: Johane Mubhabhatidzi; vamwe, Eria, vamwe zve, mumwe wavaporofita.
29Zvino akavabvunza, akati: Ko imi munoti ndini ani? Petro akapindura, akati kwaari: Ndimi Kristu.
30Akavaraira zvikuru kuti varege kuzivisa munhu pamsoro pake.
31Zvino akatanga kuvadzidzisa kuti Mwanakomana womunhu unofanira kutambudzika zvizhinji nokurashwa navakuru, navaPirisita vakuru, navanyori, avurawe, amuke zve mazuva matatu apfuvura.
32Akataura shoko iro pachena. Zvino Petro akaenda naye vari voga, akatanga kumuraira.
33Asi iye wakatendevuka, ndokutarira vadzidzi vake, akaraira Petro akati: Ibva shure kwangu, Satani, nokuti haurangariri zvinhu zvaMwari, asi zvinhu zvavanhu.
34Zvino wakadanira kwaari vanhu va zhinji navadzidzi vake, akati kwavari: Kana munhu achida kuvuya shure kwangu, ngaazvirambe, asimudze muchinjikwa wake, anditevere.
35Nokuti aninani unoda kuponesa vupenyu bwake, ucharashikirwa nabwo, asi aninani unorashikirwa novupenyu bwake nokuda kwangu nokweEvhangeri, uchavuponesa.
36Nokuti munhu uchagobatsirweiko kana awana nyika yose akarashikirwa novupenyu hwake?
37Nokuti munhu ucharipeiko kuti adzikinure vupenyu hwake?
38Nokuti aninani unonyara pamusoro pamashoko angu parudzi urwu rwovupombwe nokutadza, Mwanakomana womhunhu uchanyara vo pamusoro pake, musi waanovuya nokubwinya kwake naBaba vake navatumwa vatsvene.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.