Mapisarema 100
Psalms 100 · 5 verses
NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app
1Pururudzai Jehovha, imi nyika dzose.
2Shumirai Jehovha nomufaro; Uyai pamberi pake muchiimba.
3Zivai kuti Jehovha ndiye Mwari; Ndiye wakatiita, tiri vanhu vake; Tiri vanhu vake, namakwai anofudzwa naye.
4Pindai pamasuo ake muchivonga, Napavazhe dzake muchirumbidza; Chimuvongai, murumbidze zita rake.
5Nokuti Jehovha akanaka; ngoni dzake dziripo nokusingaperi; Nokutendeka kwake kumarudzi namarudzi.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.