Bhaibheri

Mapisarema 144

Psalms 144 · 15 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Ngaarumbidzwe Jehovha, dombo rangu, Anodzidzisa maoko angu kurwa, Neminwe yangu kufura;

2Unyoro hwangu, nenhare yangu, Shongwe yangu yakakwirira, nomurwiri wangu; nhovo yangu, uye iye wandinovimba naye; Anoisa vanhu vangu pasi pangu.

3Jehovha, munhu chinyiko, zvamune hanya naye? Kana Mwanakomana womunhu, zvamunomurangarira?

4Munhu akafanana nomweya; Mazuva ake anenge mumvuri unopfuura.

5Kotamisa kudenga-denga kwenyu Jehovha, muburuke; Gunzvai makomo, apfungaire hutsi.

6Penyesai mheni, muvaparadze; Furai miseve yenyu, muvavhunduse.

7Tambanudzai ruoko rwenyu muri kumusoro; Ndisunungurei, mundirwire pamvura zhinji, Naparuoko rwavatorwa;

8Avo vanotaura zvisina maturo nomuromo wavo, Uye ruoko rwavo rworudyi ndirwo ruoko rworudyi rwenhema.

9Mwari ndichakuimbirai rwiyo rutsva; Ndichakuimbirai nziyo dzokurumbidza nomutengeranwa une ungiso dzine gumi.

10Ndimi munopa madzimambo kuponeswa, Munorwira Dhavhidhi muranda wenyu pamunondo unokuvadza.

11Ndisunungurei, mundirwire paruoko rwavatorwa, Vanotaura zvisina maturo nomuromo wavo, Uye ruoko rwavo rworudyi ndirwo ruoko rworudyi rwenhema.

12Vanakomana vedu vachava semiti yakakura kwazvo pautsva hwayo; Uye vanasikana vedu samabwe ekona akavezwa sezvinovezerwa imba yamambo;

13Matura edu achazara nezviyo zvamarudzi ose; Namakwai edu achabereka zviuru negumi rezviuru kumafuro edu.

14Nzombe dzedu dzichatakudzwa zvizhinji; Hatingaputsirwi madziro, kana kubuda kundorwa, Hakungavi nemhere inoridzwa panzira dzomumusha medu;

15Vanomufaro vanhu avo, vanoitirwa saizvozvo; Vanomufaro vanhu avo, Mwari wavo ari Jehovha.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.