Bhaibheri

Mapisarema 64

Psalms 64 · 10 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Inzwai inzwi rangu, Mwari, pakuchema kwangu; Chengetai upenyu hwangu ndirege kutyiswa nomuvengi.

2Ndivanzei pakurangana kwakavanda kwavanoita zvakaipa; Pabope ravanobata zvakaipa;

3Ivo vakarodza rurimi rwavo somunondo, Vakashumba miseve yavo, iwo mashoko anovava;

4Kuti vafure akarurama, vakavanda ivo; Kamwe-kamwe vanomufura, vasingatyi.

5Vanotsungirira pazano rakaipa; Vanorangana kuteya misungo pakavanda; Vanoti, Ndianiko angazviona?

6Vanofungisa zvakaipa; Vanoti, Tapedza kufungisa zano guru; Kufunga kwomukati kwomumwe nomumwe, nomoyo, zvakadzika.

7Asi Mwari achavapfura, Vachakuvadzwa kamwe-kamwe nomuseve.

8Naizvozvo vachagumbuswa, ndimi dzavo dzichivapupurira zvakaipa; Vose vanovaona vachadzungudza musoro.

9Vanhu vose vachatya; Vachaparidza basa raMwari, Vachicherekedza zvakanaka zvaanoita.

10Vakarurama vachafara muna Jehovha, vachavimba naye; Vose vane moyo yakarurama vachafara kwazvo.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.