Bhaibheri

Mateu 10

Matthew 10 · 42 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1(Mar 3. 13-19; 6.7-13, Ruka 6. 12-16, 9. 1-6) Zvino wakadanira kwaari vadzidzi vake, vanegumi navaviri. Akavapa simba pamusoro pemweya yetsvina, kuti vaibudise nokuporesa kurwara kwose novukosha hwose.

2Mazita avaapostora vanegumi navaviri ndiwawa, wokutanga Simoni wainzi Petro naAndrea munun’una wake, Jakobho mwanakomana waZebedi naJohane munun’una wake,

3Firipo naBatoromeo, Tomasi naMateo muteresi, Jakobho mwanakomana waArafeo naTadeo.

4Simoni muKanani naJudhasi Iskarioti uya wakamupandukira.

5Ava vanegumi navaviri Jesu akavatuma akavaraira achiti, musaenda munzira yavahedheni, musapinda muguta ravaSamaria.

6Asi zvirinani muende kumakwai akarasika eimba yavaIsraeri.

7Mufambe muparidze muchiti, Vushe bwokudenga bwaswedera.

8Poresai vanorwara, mutsai vakafa, natsai vanamaperambudzi, budisai mweya yakaipa. Makangopiwa henyu chingopai henyu.

9Musatora ndarama kana sirivheri kana ndarira muzvikwama zvenyu,

10kana hombodo yorwendo, kana nguvo mbiri, kana shangu, kana tsvimbo nokuti mubati wakafanirwa nezvokudya zvake.

11Muguta kana mumusha pose pamunopinda bvunzai kuti ndiani urimo wakafanira mugarepo kusvikira muchibva.

12Kana muchipinda mumba muikwazise.

13kana imba yakafanira, rugare rwenyu ngaruvuye pamusoro payo asi kana isina kufanira rugare rwenyu ngarudzokere kwamuri.

14Aninani usingakugamuchiriyi kana kunzwa mashoko enyu, kana muchibva paimba iyo kana paguta iro, muzuze guruva riri patsoka dzenyu.

15Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, nyika yeSodhoma neGomora dzicharerukirwa nezuva rokutongwa kupfuvura guta iro.

16Tarirai ndinokutumai samakwai pakati pamapere. Saka chenjerai senyoka mururame senjiva.

17Asi chenjerai vanhu nokuti vachakuisai kuvungano dzamakurukota nokukurovai zvikuru mumasinagoge avo.

18Muchaiswavo pamberi pavabati namadzimambo nokuda kwangu muve zvapupu kwavari nokuvahedheni.

19Asi kana vachikukwirirai, musafunganya muchiti muchataura sei kana inyiko nokuti muchapiwa nenguva iyo zvamunofanira kutaura.

20Nokuti hamuzimi munotaura asi Mweya waBaba venyu unotaura mukati menyu.

21Mukoma uchaisa munun’una parufu nababa mwana wavo, vana vachamukira vabereki vavo nokuvavuraya.

22Muchavengwa navose nokuda kwezita rangu asi unotsungirira kusvika pakuguma, uchaponeswa.

23Asi kana vachikutambudzai muguta rimwe, tizirai kune rimwe nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, hamungapedzi maguta avaIsraeri Mwanakomana womunhu asati asvika.

24Mudzidzi haangakundi mudzidzisi wake kana muranda Ishe wake.

25Zvakaringana kuti mudzidzi ave somudzidzisi wake, nomuranda ave saShe wake. Zvavakaidza mwene weimba Beerzeburi vachadaro zvikuru sei veimba yake!

26Naizvozvo musavatya, nokuti hakunechinhu chakafukidzwa chisingazozarurwi. Kana chakavanzika chisingazozikamwi.

27Zvandinokuvudzai murima, taurai pachena, zvamunonzwa munzeve paridzirai pamusoro pedzimba.

28Musatya vanovuraya muviri asi vasingagoni kuvuraya mweya, zvikuru mutye uyo unogona kuvuraya zvose mweya nomuviri muGehena.

29Ko shiri duku mbiri hadzitengeswi nehafu yepeni here? Asi imwe yazvo haingawiri pasi kunze kwaBaba venyu.

30Kana muri imwi nevhudzi romusoro wenyu rakaverengwa rose.

31Naizvozvo musatya nokuti munopfuvura shiri duku zhinji.

32Mumwe nomumwe uchandipupura pamberi pavanhu neni ndichamupupura pamberi paBaba vangu vari kudenga.

33Asi mumwe nomumwe unondiramba pamberi pavanhu, neni ndichamuramba pamberi paBaba vangu vari kudenga.

34Musafunga kuti ndakavuya kuisa rugare panyika, handina kuvuya kuisa rugare asi munondo.

35Nokuti ndakavuya kupesanisa munhu nababa vake, nomwanasikana namai vake nomukadzi womwana navamwene vake,

36navavengi vomunhu vachava veimba yake.

37Unoda baba kana mai kupfuvureni, haana kufanireni nounoda mwanakomana nomwanasikana kupfuvureni haanakufanireni.

38Usingatori muchinjikwa wake akanditevera haana kufanireni.

39Unowana vupenyu bwake ucharashikirwa nahwo asi unorashikirwa novupenyu hwake nokuda kwangu uchahwuwana.

40Unokugamuchirai imi, unondigamuchira nounogamuchira ini unogamuchira wakandituma.

41Unogamuchira muporofita, muzita romuporofita uchapiwa mubairo womuporofita. Nounogamuchira wakarurama muzita rowakarurama, uchapiwa mubairo wowakarurama.

42Aninani unopa muzita romudzidzi mumwe wavaduku ava mukombe bedzi wemvura inotonhorera anwe, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, haangatongorashikirwi nomubairo wake.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.