Mateu 9
Matthew 9 · 38 verses
1(Mar 2. 1-12, Ruka 5. 18-26) Wakapinda mugwa, akayambuka ndokusvika kuguta rake.
2Zvino vakavuya kwaari nomunhu wakanga akafa mitezo, avete panhovo. Jesu wakati achivona kutenda kwavo akati kumunhu wakanga akafa mitezo, mwana tsunga moyo wakanganwirwa zvivi zvako.
3Zvino vamwe vavanyori vakati mumoyo yavo, munhu uyu unomhura Mwari.
4Asi Jesu achiziva mifungo yavo akati, munofungireiko zvakaipa mumoyo yenyu?
5Nokuti chinyiko chakareruka kuti, wakanganwirwa zvivi zvako kana kuti simuka ufambe?
6Asi kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu unesimba panyika rokukanganwira zvivi. Akati kumunhu wakanga akafa mitezo, simuka, tora nhovo dzako uende kumba kwako!
7Akasimuka akaenda kumba kwake.
8Vanhu vazhinji vakati vachizvivona vakashamiswa vakarumbidza Mwari wakapa vanhu simba rakadai. (Mar 2. 14-17, Ruka 5.27-32)
9Jesu wakati achibvapo, akavona munhu wainzi Mateo agere panotereswa. Akati kwaari, nditevere! Ipapo akasimuka akamutevera.
10Zvino wakati agere pakudya mumba, tarira vateresi vazhinji navatadzi vakavuya vakagara pakudya naJesu navadzidzi vake.
11Zvino vaFarise vachizvivona vakati kuvadzidzi vake, mudzidzisi wenyu unodyireiko navateresi navatadzi?
12Jesu achizvinzwa akati, vasingarwari havatsvaki murapi asi vanorwara.
13Asi endai mudzidze kuti, zvinorevei kuti ndinoda ngoni handidi chibayiro, nokuti handina kuvuya kuzodana vakarurama asi vatadzi kuti vatendevuke. (Mar 2. 18-22, Ruka 5. 33-38)
14Zvino vadzidzi vaJohane vakavuya kwaari vakati, isu navaFarise tinozvinyimireiko zvokudya kazhinji asi vadzidzi venyu havazvinyimi neiko?
15Jesu akati kwavari, shamwari dzechikomba dzingachema seiko chikomba chichiri navo? Asi mazuva achasvika achabviswa chikomba kwavari nenguva iyo vachazvinyima zvokudya.
16Hakuno munhu unoisa chigamba chitsva panguvo yakasakara nokuti chakasonerwa chinobvarura nguvo vuri rikanyanya.
17Havadirivo waini itsva muhombodo tsaru nokuti hombodo dzingaparuka, waini ikatevuka nehombodo dzikafavo. Asi vanodira waini itsva muhombodo itsva zviviri zvose zvichengeteke. (Mar 5. 22-43, Ruka 8. 41-56)
18Wakati achivavudza izvozvo, mumwe mubati akasvikapo, akamunamata. Akati, mukunda wangu wafa ikozvino asi vuyai muise ruvoko rwenyu pamusoro pake ararame.
19Ipapo Jesu akasimuka akamutevera navadzidzi vake.
20Zvino mumwe mukadzi waiva nokurwara kwokubuda ropa makore anegumi namaviri, wakavuya shure kwake. Akabata mupendero wenguvo yake.
21Nokuti wakati mumoyo make, kana ndikangobata nguvo yake bedzi ndichaponeswa.
22Asi Jesu wakatendevuka akamuvona akati, mukunda tsunga moyo, kutenda kwako kwakuponesa. Mukadzi wakaponeswa kubva panguva iyo.
23Zvino Jesu wakasvika mumba momubati wakavona varidzi venyere navanhu vazhinji vachiita mhere-mhere.
24Akati kwavari, Ibvai nokuti musikana haana kufa asi uvete. Vakamuseka.
25Asi vanhu vazhinji vakati vabudiswa, akapinda, akabata ruvoko rwake, musikana ndokumuka.
26Mukurumbira wazvo ukabudira kunyika iyo yose.
27Zvino Jesu wakati achibvapo, mapofu maviri akamutevera. Akadanidzira achiti Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwirei ngoni!
28Akati apinda mumba, mapofu akavuya kwaari. Jesu akati kwaari munotenda kuti ndinogona kuita izvozvo here? Akati kwaari, hongu Ishe!
29Zvino wakabata meso avo akati, muitirwe pamakatenda napo.
30Meso avo akasvinudzwa. Jesu akavaraira zvikuru akati, chenjerai kuti zvirege kuzikanwa nomunhu.
31Asi vakabuda, vakataura pamusoro pake munyika iyo yose.
32Vakati vachibuda, tarira vakavuya kwaari nomunhu wakanga ari mbeveve waiva nomweya wakaipa.
33Mweya wakaipa ukati wabudiswa, mbeveve ikataura. Vanhu va zhinji vakashamiswa vakati, Hakuna kumbovonekwa zvakadai pakati pavaIsraeri.
34Asi vaFarise vakati, unobudisa mweya yakaipa nomukuru wemweya yakaipa.
35Zvino Jesu wakapota namaguta ose nemisha, achidzidzisa mumasinagoge avo, achiparidza Evhangeri yovushe, nokuporesa kurwara kwose novukosha hwose kuvanhu.
36Asi wakati achivona vanhu vazhinji akavanzwira tsitsi nokuti vakanga vaneta, vakapararira samakwai asina Mufudzi.
37Zvino akati kuvadzidzi vake, zvirokwazvo kucheka kukuru asi vabati vashoma.
38Naizvozvo kumbirai kunaShe wokucheka kuti atumire vabati pakucheka kwake.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.