Bhaibheri

Mateu 16

Matthew 16 · 28 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1(Mar. 8. 10-12.) VaFarise navaSadhuse vakavuya kuzomuidza. Vakakumbira kwaari kuti avaratidze chiratidzo chinobva kudenga.

2Asi wakapindura akati kwavari, panguva yamadekwana munoti kuchachena nokuti denga rakatsvuka.

3Mangwana munoti nhasi kuchasviba nokuti denga rakatsvuka richifiduka. Imi vanyengeri munoziva kududzira zvinovonekwa mudenga asi hamugoni kududzira zviratidzo zvenguva.

4Rudzi rwakaipa runofeva runotsvaka chiratidzo asi harupiwi chiratidzo asi chiratidzo chomuporofita Jona. Ipapo akavasiya akabva. (Mar. 8. 13-21.)

5Zvino; vadzidzi vakaenda mhiri vakakangamwa kutora zvingwa.

6Jesu akati kwavari, tarirai muchenjere mbiriso yavaFaraise navaSadhuse.

7Vakarangana pakati pavo vachiti unodaro nokuti hatina kutora chingwa.

8Zvino Jesu achizviziva akati kwavari, imi vokutenda kuduku munorangana pakati penyu nemhaka yeiko kuti hamune zvingwa?

9Hamunzwisisi nazvino here kana kurangarira zvingwa zvishanu zvavanhu vanezvuru zvishanu namatengu amakawana kuti aiva mangani?

10Kana zvingwa zvinomwe zvavanhu vane zvuru zvina namatengu amakawana kuti aiva mangani?

11Hamunzwisisi neiko kuti handina kutaura kwamuri pamsoro pezvingwa? Asi muchenjere mbiriso yava Farise navaSadhuse.

12Zvino vakanzwisisa kuti haana kutaura kuti vachenjere mbiriso yezvingwa asi dzidziso yavaFarise navaSadhuse. (Mar. 8. 2730; Ruka 9. 1821; Joh. 6. 6869.)

13Jesu wakati asvika kumativi enyika yeKesaria Firipo, Akabvunza vadzidzi vake akati, vanhu vanoti Mwanakomana womunhu ndianiko?

14Vakati vamwe vanoti Johane Mubhabhatidzi, vamwe Eria, vamwe Jeremia kana mumwe wavaporofita.

15Akati kwavari, ko imi munoti ndini ani?

16Ipapo Simoni Petro akapindura akati, ndimi Kristu Mwanakomana waMwari mupenyu.

17Jesu akapindura akati kwaari, wakaropafadzwa iwe, Simoni Bar-Jona nokuti nyama neropa hazvina kukuzivisa izvozvo asi Baba vangu vari kudenga.

18Neni ndinoti kwauri ndiwe Petro, pamusoro poruware urwu ndichavaka kereke yangu, masuvo eHedhesi haangaikundi.

19Ndichakupa kiyi dzovushe hwokudenga. Chinhu chipi nechipi chauchasunga panyika chichasungwa kudenga nechinhu chipi nechipi chauchasunungura panyika chichasunungurwa kudenga.

20Ipapo akaraira vadzidzi vake kuti varege kuvudza munhu kuti ndiye Jesu Kristu. (Mar. 8. 31-38, Ruka 9. 22-27.)

21Kubva panguva iyo Jesu wakatanga kuratidza vadzidzi vake kuti unofanira kuenda Jerusarema, kundotambudzwa zvizhinji navakuru navaPirisita vakuru navanyori, nokuvurawa nokumutswazve nezuva retatu.

22Petro akaenda naye varivoga akatanga kumuraira akati Mwari ngaakunzwirei ngoni Ishe hamungaitirwi izvozvo!

23Asi wakatendeuka akati kuna Petro, ibva shure kwangu Satani! Uri chigumbuso kwandiri nokuti haurangariri zvinhu zvaMwari asi zvinhu zvavanhu. (Mar. 8. 34-38, Ruka 9. 23-26.)

24Zvino Jesu akati kuvadzidzi vake, kana munhu achida kuvuya shure kwangu ngaazvirambe asimudze muchinjikwa wake anditevere.

25Nokuti aninani unoda kuponesa vupenyu hwake ucharashikirwa nahwo. Asi aninani unorashikirwa novupenyu hwake nokuda kwangu uchahwuwana.

26Nokuti munhu uchabatsirweiko kana akawana nyika yose akarashikirwa novupenyu hwake?kana munhu ucharipeiko kuti adzikunure vupenyu hwake

27Nokuti Mwanakomana womunhu uchavuya navatumwa vake nokubwinya kwaBaba vake. Ipapo ucharipira mumwe nomuwe paakabata napo.

28Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, vamwe varipo kuna vamire pano vasingazonzwi rufu vasati vavona Mwanakomana womunhu achivuya muvushe hwake.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.