Bhaibheri

Mateu 26

Matthew 26 · 75 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1(Mar. 4. 14, 1-2; Ruka 22. 1-2.) Jesu wakati apedza mashoko iwayo ose akati kuvadzidzi vake,

2Munoziva kuti kana mazuva maviri apfuvura paseka inosvika, Mwanakomana womunhu uchaiswa kuvatongi kuti aroverwe pamuchinjikwa.

3Zvino vaPirisita vakuru navanyori navakuru vavanhu vakavungana muruvazhe rwomuPirisita mukuru wainzi Kayafasi.

4Vakarangana kuti vabate Jesu namano, vagomuvuraya.

5Asi vakati, zvirege kuitwa pamutambo kuti kurege kuva nebope pakati pavanhu. (Mar. 14. 39, Joh. 12. 18.)

6Zvino Jesu wakati ari paBetania mumba maSimoni wamaperembudzi.

7Mumwe mukadzi akavuya kwaari nechinu chearbastera chaiva nechizoro chinomutengo mukuru. Akachidurura pamusoro wake agere pakudya.

8Asi vadzidzi vake vachizvivona, vakafa neshungu vakati, kuparadzwa kwakadaro kwaitirweiko?

9Nokuti chizoro ichi chingadai chatengeswa nemari zhinji ikapiwa varombo.

10Asi Jesu achizvinzwa akati kwavari, munotambudzireko mukadzi uyu? Nokuti wandiitira basa rakanaka.

11Nokuti varombo munavo nguva dzose asi ini hamuneni nguva dzose.

12Nokuti zvaakadira chizoro ichi pamuviri wangu wakazviitira kuvigwa kwangu.

13Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kose kunozoparidzirwa Evhangeri iyi panyika dzose izvi zvakaitwa naye zvicharebwavo. Vamurangarire nazvo. (Mar. 14. 10-11; Ruka 22. 3-6.)

14Zvino mumwe wavanegumi naviri, wainzi Judhasi Iskasrioti, wakaenda kuvaPirisita vakuru,

15akati: Muchandipeiko, kana ndikamuisa kwamuri? Vakamuyerera masirvheri anamakumi matatu,*

16Zvino kubva ipapo akatsvaka nguva yakafanira yokumuisa kwavari nayo. (Mar. 14. 12-26; Ruka 22. 7-23.)

17Nezuva rokutanga rezvingwa zvisina mbiriso, vadzidzi vakavuya kuna Jesu vakati, munoda kuti tikugadzirireipiko pamungadya paseka?

18Akati, endai muguta kuna nyakuti, muti kwaari, zvanzi noMudzidzisi, nguva yangu yava pedo. Ndichadya paseka paimba yako navadzidzi vangu.

19Vadzidzi vakaita pavakarairwa napo naJesu. Vakagadzira paseka.

20Ava madekwana akagara pakudya navadzidzi vane gumi navaviri.

21Vakati vachidya akati kwavari, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, mumwe wenyu uchandipandukira.

22Zvino vakava neshungu kwazvo, vakatangamumwe nomumwe kutaura kwaari achiti, Ishe ndini here?

23Akapindura akati, waisa ruvoko neni mundiro ndiye uchandipandukira.

24Mwanakomana womunhu uchaenda hake sezvazvakanyorwa pamusoro pake. Asi unenhamo uyo Mwanakomana womunhu waanopandukirwa naye. Zvaiva nani kumunhu uyu kana asina kuberekwa.

25Zvino Judhasi uyo wakamupandukira akapindura akati, Rabhi ndini here? Akati kwaari, ndizvo zvawataura.

26Vakati vodya, Jesu akatora chingwa akachiropafadza, akachimedura ndokupa vadzidzi vake achiti kwavari, Torai mudye, ichi ndiwo muviri wangu.

27Akatora mukombe akavonga, akavapa achiti, inwai mose pauri.

28Nouti ichi iropa rangu resungano itsva, rakadururirwa vazhinji kuti vakanganwirwe zvivi.

29Asi ndinoti kwamuri, handichatongomwizve zvibereko zvomuzambiringa kusvikira zuva iro randichazonwa naro nemi zvava zvitsva muvushe bwaBaba vangu.

30Zvino vakati vaimba rwiyo vakabuda vakaenda kugomo reMiorivhi. (Mar. 14. 27-31; Ruka 22. 31-34; Joh. 13. 36-38.)

31Zvino Jesu wakati kwavari, imi mose muchagumburwa kwandiri vusiku hwuno nokuti kwakanyorwa kuchinzi, ndicharova mufudzi namakwai eboka achapararira.

32Asi kana ndamutswa, ndichakutungamirirai Garirea.

33Zvino Petro wakapindura akati kwaari kana vose vakagumburwa; kwamuri ini handingatongogumburwi.

34Jesu akati kwaari, zvirokwazvo ndinoti kwauri kuti vusiku hwuno, jongwe risati rarira, uchandiramba katatu.

35Petro akati kwaari, kunyange ndikafanira kufa nemi, handingatongokurambiyi ini. Vadzidzi vose vakadarovo. (Mar. 14. 32-42; Ruka 22. 39-46.)

36Zvino Jesu wakasvika navo panzvimbo inonzi Getsemani. Akati kuvadzidzi, garai pano ini ndichaenda kunonyengetera uko.

37Akatora Petro navanakomana vaZebedi vaviri, akatanga kuva neshungu nokudumbirwa.

38Akati kwavari, mweya wangu uneshungu kwazvo kusvikira pakufa, garai pano murinde neni.

39Akapfuvura mberi zvishomanene, akawira pasi nechiso chake, akanyengetera achiti, Baba vangu kana zvichibvira mukombe uyu ngaupfuvure kwandiri. Kunyangwe zvakadaro kurege kuva kuda kwangu asi kuda kwenyu.

40Akaenda kuvadzidzi, akavawana vavata, akati kunaPetro, makanga musingagoni seiko kurinda neni nguva imwe chete?

41Rindai munyengetere kuti murege kupinda mukuidzwa, mweya unoda hawo asi nyama hainesimba.

42Akaendazve rwechipiri akanyengetera achiti, Baba vangu kana mukombe uyu usingagoni kupfuvura, ndisingaumwi, kuda kwenyu ngakuitwe.

43Akadzokazve, akavawana vavata nokuti meso avo akanga abatwa nehope.

44Akavasiyazve akandonyengetera rwechitatu, achitaura zve mashoko, iwayo.

45Zvino akaenda kuvadzidzi akati kwavari, chivatai henyu muzorore, tarirai nguva yasvika, Mwanakomana womunhu woiswa mumavoko avatadzi.

46Simukai tiende, tarirai wondiisa kwavari wava pedo. (Mar. 14. 43-50; Ruka 22. 47-53; Joh. 18.1-11.)

47Achataura, tarira Judhasi mumwe wavanegumi navaviri akasvika ana vanhu vazhinji vakabata minondo netsvimbo vachibva kuvaPirisita vakuru navakuru vavanhu.

48Zvino iye wakamupandukira wakanga avapa chiratidzo achiti, uyo wandichasveta ndiye, mumubate.

49Pakarepo akasvika kuna Jesu akati, Kwaziwai Rabhi! Akamusveta zvikuru.

50Jesu akati kwaari, Shamwari, ita zvawavinga. Ipapo vakavuya vakaisa mavoko kuna Jesu vakamubata.

51Zvino tarirai, mumwe wavaiva naJesu akatambanudza ruvoko rwake, akavhomora munondo wake akatema muranda womuPirisita mukuru, akagura nzeve yake.

52Zvino Jesu akati kwaari, dzosera munondo wako mumuhara mawo nokuti vose vanobata munondo vachafa nomunondo.

53Unofunga here kuti handigoni kukumbira kuna Baba vangu vakandipa ikozvino vatumwa vanopfuvura mapoka makuru-kuru anegumi namaviri?

54Magwaro agozadziswa seiko anoti zvinofanira kuitwa kudaro?

55Nenguva iyo Jesu akati kuvanhu vazhinji, mabuda neminondo netsvimbo kuzondibata sendiri gororo here? Ndaigara mutembere mazuva ose ndichidzidzisa mukasandibata.

56Asi izvi zvose zvaitwa kuti magwaro avaporofita azadziswe. Zvino vadzidzi vose vakamusiya, vakatiza. (Mar. 14. 53-65; Ruka 22. 63-71; Joh. 18. 12-27.)

57Avo vakanga vabata Jesu vakamuisa kunaKayafasi muPirisita mukuru, apo pakanga pavungana vanyori navakuru.

58Asi Petro akamutevera ari kure kusvikira paruvazhe rwomuPirisita mukuru. Akapinda mukati, akagara navatariri kuzovona kupera kwazvo.

59Zvino vaPirisita vakuru navakuru namakurukota ose vakatsvaka vuchapupu hwenhema kuti vapomere Jesu vamuvuraye.

60Asi havana kuwana, kunyange zvapupu zvizhinji zvenhema zvakavuya. Pashure zviviri zvakasvika zvikati:

61munhu uyu wakati, ndinogona kuputsa tembere yaMwari ndikaivakazve namazuva matatu.

62Zvino muPirisita mukuru akasimuka akati kwaari, haupinduri chinhu here? Chinyiko icho chavanokupomedzera?

63Asi Jesu wakaramba anyerere.MuPirisita mukuru akati kwaari, ndinokupikisa naMwari mupenyu kuti utivudze kana uri Kristu Mwanakomana waMwari.

64Jesu akati kwaari ndizvozvo zvawataura; asi ndinoti kwamuri,kubva zvino muchavona Mwanakomana womunhu agere kurudyi rwesimba, achivuya namakore okudenga.

65Ipapo muPirisita mukuru akabvarura nguvo dzake akati wamhura Mwari! Tichatsvakireiko zvapupu? Tarirai manzwa zvino kumhura kwake.

66Munoti kudiniko? Vakapindura vakati, unofanira kufa.

67Zvino vakamupfira mate pachiso, vakamurova netsiva, vamwe noruoko,

68vachiti, porofita iwe Kristu kuti ndiani wakurova. (Mar. 14. 66-72; Ruka 22. 54-62; Joh. 18. 16-18; 25-27;)

69Petro wakanga agere panze paruvazhe. Zvino mushandiri wakavuya kwaari akati, newevo wakanga una Jesu weGarirea.

70Asi iye wakaramba pamberi pavose achiti, handizivi zvaunoreva.

71Zvino wakati abuda pasuvo, mumwe mushandiri akamuvona akati kuna vaivapo, uyu munhu wakanga anaJesu weNazareta.

72Akaramba ze nokupika, aciti: Handimuzivi munhu uyu.

73Chava chinguva vakanga vamirepo vakavuya vachiti kunaPetro, zvirokwazvo newevo uri mumwe wavo nokuti kutaura kwako kunokuzivisa.

74Zvino wakatanga kutuka nokupika achiti, handimuzivi munhu uyu. Pakarepo jongwe rikarira.

75Ipapo Petro akarangarira shoko rakanga rarebwa naJesu rokuti jongwe risati rarira uchandiramba katatu, Ipapo akabuda panze akandochema zvikuru.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.