Mateu 27
Matthew 27 · 66 verses
1(Mar. 15. 1; Ruka 23. 1; Joh. 18. 28.) Ava mangwana vaPirisita vakuru vose navakuru vavanhu vakarangana pamsoro paJesu kuti vamuvuraye.
2Vakamusunga vakaenda naye vakamuisa kuna Pirato mubati. (Mabasa 1. 16-19.)
3Zvino Judhasi uyo wakamupandukira wakati achivona kuti watongerwa kufa, ndokuzvidya moyo. Akadzosera masirivheri aya anamakumi matatu kuvaPirisita vakuru navakuru.
4Achiti ndatadza, ndapandukira ropa risinemhosva. Vakati tinemhaka yeiko nazvo? Imhaka yako.
5Akakandira pasi masirivheri mutembere, akabva akaenda ndokuzvisungirira.
6VaPirisita vakuru vakatora masirivheri vakati, hazvina kufanira kuti tiaise muchivigiro chemari zvauri mutengo weropa.
7Vakarangana, vakatenga nawo munda womuvumbi wehari, kuzovigapo vatogwa.
8Naizvozvo munda uyo wakanzi munda weropa kusvikira zuva ranhasi.
9Zvino zvakarebwa nomuporofita Jeremia zvakaitika zvinoti, Vakatora masirvheri anamakumi, matatu, mutengo waiye wakatarirwa mutengo. Uyo wakatarwa navana vaIsraeri.
10Vakatenga nawo munda womuvumbi wehari, sezvandakarairwa naShe. (Mar. 15. 1-20; Ruka 23. 1-25; Joh. 18. 29-19, 16.)
11Zvino Jesu wakamira pamberi pomubati. Mubati akamubvunza akati, ndiwe mambo wavaJudha here? Jesu akati kwaari, ndizvo zvamataura.
12Asi wakati achipomerwa mhosva navaPirisita vakuru navakuru, haana kupindura chinhu.
13Zvino Pirato akati kwaari, haunzwi zvinhu zvizhinji zvavanokupomedzera here?
14Asi haana kuvapindura kunyange neshoko rimwe chete. Mubati akashamiswa kwazvo-kwazvo nazvo.
15Zvino pamutambo mubati aisunungurira vanhu vazhinji musungwa mumwe wavanenge vada.
16Nenguva iyo vaiva nemusungwa wakakumbira wainzi Bharabhasi.
17Naizvozvo vakati vavungana, Pirato akati kwavari, munoda kuti ndikusunungurirei aniko? Bharabhasi kana Jesu unonzi Kristu?
18Nokuti wakanga achiziva kuti vakanga vamuisa kwaari negodo.
19Zvino wakati agere pachigaro chokutonga, mukadzi wake akatumira kwaari achiti, usava nemhaka nomunhu uyo wakarurama, nokuti ndatambudzika zvikuru nhasi pakurota nokuda kwake.
20VaPirisita vakuru navakuru vakagombedzera vanhu vazhinji kuti vakumbire Bharabhasi, Jesu avurawe.
21Mubati akapindura akati kwavari, munoda kuti ndikusunungurirei aniko kuna ivavo vaviri? Vakati, Bharabhasi.
22Pirato akati kwavari, ndichagoiteiko naJesu unonzi Kristu? Vose vakati kwaari, ngaaroverwe pamuchinjikwa.
23Iye akati, chakaipa chaakagoita ndecheiko? Vakanyanyisa kudanidzira vachiti, ngaaroverwe pamuchinjikwa!
24Zvino Pirato achivona kuti hazvibatsiri asi kuti pomuka bope, wakatora mvura akashamba mavoko ake pamberi pavanhu vazhinji achiti, handine mhaka neropa romunhu uyu wakarurama, imhaka yenyu!
25Vanhu vose vakapindura vakati, ropa rake ngarive pamusoro pedu navana vedu.
26Zvino akavasunungurira Bharabhasi, asi Jesu vakamurovesa kwazvo, akamuisa kwavari kuti aroverwe pamuchinjikwa. (Mar. 15. 16-20; Joh. 19. 2-3.)
27Zvino varwi vomubati vakaisa Jesu mumba momubati, hondo yose ikavunganira kwaari.
28Vakamubvisa nguvo dzake, vakamufukidza nguvo tsvuku,
29Vakaruka korona yeminzwa, ndokuiisa pamusoro wake, norutsanga muruvoko rwake rworudyi. Vakafugama pamberi pake vakamuseka vachiti, Kwaziwai, Mambo wavaJudha!
30Vakamupfira mate, vakatora rutsangavakaramba vachimurova musoro.
31Vakati vamuseka, vakamubvisa nguvo tsvuku, vakamupfekedza nguvodzake vakaenda naye kundomurovera pamuchinjikwa. (Mar. 15. 21-41; Ruka 23. 26-49; Joh. 19. 17-37.)
32Vakati vachibuda, vakawana munhu wekurini wainzi Simoni. Vakamumanikidza iye kuti atakure muchinjikwa wake.
33Vakati vasvika panzvimbo inonzi Gorgota ndokuti nzvimbo yedhehenya.
34Vakamupa waini yakavhenganiswa nenduru kuti anwe asi wakati aravira akaramba kunwa.
35Vakati vamurovera pamuchinjikwa, vakagovana nguvo dzake pakati pavo. Vachikanda mijenya kuti zvakarehwa nomuporofita zviitike zvinoti, vakagovana nguvo dzangu pakati pavo, vakakanda mijenya pamusoro pezvokufuka zvangu.
36Vakagara vakamurindapo.
37Vakaisa pamusoro wake rugwaro rwemhosva yake rwokuti, UYU NDIJESU MAMBO WAVAJUDHA.
38Vakarovera pamwe chete naye makororo maviri, mumwe kurudyi, mumwe kuruboshwe.
39Vakanga vachipfuvura vakamutuka, vachidzungudza misoro yavo
40vachiti Iwe wokuputsa tembere nokuivakazve namazuva matatu, chizviponesa. Kana uri Mwanakomana waMwari, buruka pamuchinjikwa.
41Saizvozvo vaPirisita vakuru navanyori navakuru vakamuseka vachiti
42Wakaponesa vamwe, iye haagoni kuzviponesa. Kana ari Iye mambo wavaIsraeri, ngaburuke zvino pamuchinjikwa titende kwaari.
43Waivimba naMwari, ngaachimusunungura zvino pamuchinjikwa kana achimuda nokuti wakati ndiri Mwanakomana waMwari.
44Namakororo akanga aroverwa pamuchinjikwa pamwe chete naye, akamuzvidza saizvozvo.
45Zvino kubva panguva yechitanhatu kusvikira panguva yepfumbamwe, rima rakavapo panyika yose.
46Nenguva inenge yepfumbamwe Jesu akadana nenzwi guru achiti, Eri, Eri ramasabakatani! Ndokuti Mwari wangu, Mwari wangu mandisiyireiko?
47Vamwe vakanga vamire po vachizvinzwa vakati, Uyo unodana Eria.
48Pakarepo mumwe wavo akamhanya, akatora chipanje, akachizadza nevhiniga ndokuisa parutsanga. Akamunwisa.
49Vamwe vakati, regai timbovona kana Eria achizovuya kumuponesa.
50Zvino Jesu akadanidzirazve nenzwi guru akabudisa mweya wake.
51Ipapo tarira chidzitiro chetembere chakabvaruka napakati, kubva kumusoro kusvikira pasi. Nyika ikadengenyeka, mabwe akatsemuka.
52Mabwiro akazaruka nemitumbu mizhinji yavatsvene vakanga vavete yakamutsva.
53Vakabuda pamabwiro iye amuka vakapinda muguta dzvene. Vakavonekwa navazhinji.
54Zvino mukuru wezana navairinda Jesu naye vakati vachivona kudengenyeka kwenyika nezvakaitwa, vakatya zvikuru vakati, zvirokwazvo uyu wakanga ari Mwanakomana waMwari.
55Vakadzi vazhinji vakanga varipo, vakatarira vari kure. Vakanga vatevera Jesu vachibva Garirea vachimushandira.
56Pakati pavo kwakanga kunaMaria Magdarene naMaria mai vaJakobho naJose namai vavanakomana vaZebhedi.
57Zvino ava madeko kukasvika mumwe mufumi weArimatea wainzi Josefa. Wakanga ari mudzidzi waJesu amene.
58Akaenda kunaPirato akakumbira mutumbu waJesu. Pirato akaraira kuti apiwe.
59Josefa akatora mutumbu, akaputira nomucheka muchena.
60Akauviga mubwiro hwake hwutsva, hwaakanga achera mubwe. Akakungurusira ibwe guru pamuromo webwiro akabva.
61Maria Magadrane nomumwe Maria vakanga varipo vagere vakatarisana nobwiro.
62Fume mangwana ndiro zuva raitevera zuva roKugadzirira VaPirisita vakuru navaFarise vakavungana kunaPirato,
63vakati Ishe tinorangarira kuti munyengeri uyu achiri mupenyu akati, mazuva matatu apfuvura ndichamuka.
64Saka rairai kuti bwiro bwuchengetwe kusvikira nezuva retatu kuti vadzidzi vake varege kuvuya vusiku vakamuba. Vagoti kuvanhu, wakamutswa kuvakafa. Kurashika kokupedzisira kukazopfuvura kokutanga.
65Pirato akati kwavari, imi munavarindi, endai mubwuchengete sezvamunoziva.
66Vakaenda, vakandochengeta bwiro. Vakaisa chiratidzo chokusimbisa pabwe, varindi vanavo.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.