Bhaibheri

Mateu 5

Matthew 5 · 48 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1(Ruka 6. 20-49.) Wakati achivona vanhu vazhinji, akakwira mugomo, akagara pasi. Vadzidzi vake vakaswedera kwaari.

2Akashamisa muromo wake akavadzidzisa achiti,

3Vakaropafadzwa varombo pamweya nokuti vushe hwokudenga ndohwavo.

4Vakaropafadzwa vanochema nokuti vachanyaradzwa.

5Vakaropafadzwa vanyoro nokuti vachagara nhaka yenyika.

6Vakaropafadzwa vanenzara nenyota yokururama nokuti vachagutiswa kwazvo.

7Vakaropafadzwa vanengoni nokuti vachaitirwa ngoni.

8Vakaropafadzwa vakachena pamoyo nokuti vachavona Mwari.

9Vakaropafadzwa vanoyananisa nokuti vachanzi vana vaMwari.

10Vakaropafadzwa vanotambudzwa nokuda kwokururama nokuti vushe hwokudenga ndohwavo.

11Makaropafadzwa imi kana vachikuzvidzai, vachikutambudzai, vachikupomerai zvakaipa zvose dziri nhema nokuda kwangu.

12Farai mufarisise kwazvo nokuti mubairo wenyu mukuru kudenga. Nokuti vakatambudza saizvozvo vaporofita vakakutangirai.

13Imi muri munyu wenyika, asi kana munyu wadurungunda, ucharungwa neiko? Hauchabatsiri chinhu, asi kurashirwa kunze utsikwe navanhu.

14Imi muri chiedza chenyika. Guta rakavakwa pagomo haringavanziki.

15Nomwenje havangautungidzi, vakauisa pasi pedengu, asi pachigadziko uvhenekere vose vari mumba.

16Saizvozvo chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu kuti vavone mabasa enyu akanaka, vakudze Baba venyu vari kukdenga.

17Musafunga kuti ndakavuya kuparadza murairo kana vaporofita. Handina kuvuya kuparadza asi kuzadzisa.

18Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kusvikira denga napasi zvichipfuvura, yota imwe kana tsanga imwe yomurairo hazvingatongopfuvuri, zvisati zvaitika zvose.

19Naizvozvo aninani unoputsa mumwe wemirairo miduku iyi, akadzidzisa vanhu kuita saizvozvo, uchanzi muduku muvushe hwokudenga. Asi unoirita, akaidzidzisa uchanzi mukuru muvushe hwokudenga.

20Nokuti ndinoti kwamuri, kana kururama kwenyu kusingapfuvuri kururama kwavanyori nokwavaFarise, hamungatongopindi muvushe hwokudenga.

21Makanzwa kuti zvakanzi kunavekare, usavuraya. Aninani unovuraya uchapara mhosva ingatongwa.

22Asi ini ndinoti kwamuri, unotsamwira hama yake pasinemhaka, uchapara mhosva ingatongwa. Unoti kuhama yake Raka, uchapara mhosva pamakurukota. Unoti benzi uchapara mhosva kuti atongerwe Gehena romoto.

23Naizvozvo kana iwe uchivuya nechipo chako paaritari, ukarangarira ipapo kuti hama yako inemhosva newe.

24Usiye chipo chako ipapo pamberi paaritari, uende umbondoyanana nehama yako, ugozovuya woisa chipo chako.

25Kurumidza kutenderana nomudzivisi wako uchiri munzira naye, kuti mudzivisi arege kukukwirira kumutongi, mutongi kumutariri, ukasungwa mutorongo.

26Zvirokwazvo ndinoti kwauri haungatongobudimo usati waripa kamari kokupedzisira.

27Makanzwa kuti zvakanzi nevakare, usaita vupombwe,

28Asi ini ndinoti kwamuri, mumwe nomumwe unotarisa mukadzi achimuchiva, watoita vupombwe naye mumoyo make.

29Kana ziso rako rorudyi richikugumbusa, uribvise urirashire kure newe nokuti zvirinani kwauri kuti mutezo wako mumwe ufe muviri wako wose urege kukandirwa muGehena.

30Kana ruvoko rwako rorudyi ruchikugumbusa, urugure, ururashire kure newe nokuti zvirinani kwauri kuti mutezo wako mumwe ufe, muviri wako wose urege kukandirwa muGehena.

31Zvakanzivo aninani unorasha mukadzi wake, ngaamupe rugwaro rokumuramba.

32Asi ini ndinoti kwamuri, mumwe nomumwe unorasha mukadzi wake, asi nemhosva yovupombwe, unomuitisa vupombwe. Aninani unowana wakarashwa unoita vupombwe.

33Makanzwavo kuti zvakanzi kuna vekare, usapika nhema, asi uripire Ishe pawakapika napo.

34Asi ini ndinoti kwamuri, musatongopika kana nokudenga nokuti ndicho chigaro chovushe chaMwari.

35Kana nenyika nokuti ndicho chitsiko chetsoka dzake, kana neJerusarema nokuti ndiro guta raMambo mukuru.

36Usapika kana nomusoro wako nokuti haugoni kushandura ruvhudzi rumwe kuti ruve ruchena kana rutema.

37Asi shoko renyu ngarive, hongu, hongu, kwete, kwete; zvinopfuvura izvozvo zvinobva kuno wakaipa,

38Makanzwa kuti zvakanzi, ziso rinotsibwa neziso, zino nezino.

39Asi ndinoti kwamuri musadzivisa wakaipa. Asi unokurova padama rorudyi, umurinzire rimwevo.

40Kana munhu achida kukukwirira kuti akutorere nguvo yako yomukati, umutendere nenguvo yokunzevo.

41Aninani unokumanikidza kuenda maira imwe uende naye mbiri.

42Unokumbira kwauri umupe, usafuratira unoda kukwereta kwauri.

43Makanzwa kuti zvakanzi, ude wokwako uvenge muvengi wako.

44Asi ini ndinoti kwamuri, idai vavengi venyu, ropafadzai vanokutukai. Itirai zvakanaka vanokuvengai. Munyengeterere vanokuitirai zvakaipa vachikutambudzai.

45Kuti muve vanakomana vaBaba venyu vari kudenga; nokuti vanobudisira vakaipa navakanaka zuva ravo, nemvura vanoinisira vakarurama navasakarurama.

46Nokuti kana muchida vanokudai munomubairo weiko?

47Kana muchikwazisa hama dzenyu bedzi, munopfuvura vamwe neiko? Ko navateresi havaiti saizvozvovo here?

48Naizvozvo muve vakakwana saBaba venyu vari kudenga vakakwana.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.