Mateu 6
Matthew 6 · 34 verses
1Chenjerai kuti murege kuita kururama kwenyu pamberi pavanhu, kuti muvonekwe navo. Kana madaro hamuna mubairo kuna Baba venyu vari kudenga.
2Zvino kana uchipa varombo zvipo, rega kuridza hwamanda pamberi pako sezvinoita vanyengeri mumasinagoge nomunzira dzomumusha kuti vakudzwe navanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri vapiwa mubairo wavo.
3Asi iwe kana uchipa zvipo, ruvoko rwako rworuboshwe ngarurege kuziva chinoitwa norudyi rwako.
4Kuti kupa kwakwo kuve pakavanda. Ipapo Baba vako vanovona pakavanda vachakupa mubairo, panovonekwa navose.
5Kana muchinyengetera, musava savanyengeri nokuti vanofarira kunyengetera vamire mumasinagoge napamharadzano dzenzira dzomumusha kuti vavonekwe navanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri vapiwa mubairo wavo.
6Asi iwe kana uchinyengetera, pinda muimba yako yomukati. Kana wazarira mukova wako, unyengetere kuna Baba vako vari pakavanda. Zvino baba vako vanovona pakavanda vachakupa mubairo panovonekwa navose.
7Pakunyengetera kwenyu musapamhidza zvisina maturo savahedheni nokuti ivo vanofunga kuti vachanzwikwa nokutaura kwavo kuzhinji.
8Naizvozvo musafanana navo nokuti Baba venyu vanoziva zvamunoshaiwa, musati makumbira kwavari.
9Zvino imi nyengeterai kudai, Baba vedu vari kudenga, Zita renyu ngariitwe dzvene.
10Vushe bwenyu ngabwuvuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvakunoitwa kudenga.
11Mutipei nhasi zvokudya zvedu zvinotiringana.
12Mutikanganwire mhosva dzedu sezvatinokanganwiravo vane mhosva nesu.
13Regai kutiisa pakuidzwa, asi mutirwire panezvakaipa. Nokuti vushe ndohwenyu, nesimba nokuhwinya nokusingaperi. Ameni.
14Nokuti kana muchikanganwira vanhu kudarika kwavo, Baba venyu vari kudenga vachakukanganwiraivo.
15Asi kana musingakanganwiri vanhu kudarika kwavo, Baba venyu havangakukanganwirii vo kudarika kwenyu.
16Kana muchizvinyima zvokudya, regai kuva nechiso chinopunyaira savanyengeri nokuti vanoipisa zviso zvavo, vavonekwe navanhu kuti vanozvinyima zvokudya. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri vapiwa mubairo wavo.
17Asi iwe kana uchizvinyima zvokudya zodza musoro wako, ushambe chiso chako,
18kuti urege kuvonekwa navanhu kuti unozvinyima zvokudya, asi naBaba vako vari pakavanda zvino Baba vako vanovona pakavanda, vachakupa mubairo panovonekwa navose.
19Regai kuzvivunganidzira fuma panyika pane zvipfunho nengura zvinopedza napane mbavha dzinopaza dzichiba.
20Asi muzvivunganidzire fuma kudenga pasine zvipfunho nengura zvinopedza, pasina mbavha dzinopaza dzichiba.
21Nokuti panefuma yako, nomoyo wako uchavapovo.
22Mwenje womuviri iziso. Zvino kana ziso rako rakanaka, muviri wako wose uchavhenekerwa.
23Asi kana ziso rako rose rakaipa, muviri wako wose uchava nerima. Zvino kana chiedza chiri mauri riri rima, rima iro iguru sei!
24Hapana munhu ungabatira vatenzi vaviri nokuti uchavenga mumwe, akada mumwe. Kana uchanamatira mumwe akazvidza mumwe. Hamungabatiri Mwari nefuma.
25Saka ndinoti kwamuri, regai kufunganya pamusoro povupenyu bwenyu muchiti ndichadyei kana ndichamwei? Kana pamusoro pomuviri wenyu muchiti ndichafukeiko? Vupenyu habwupfuvuri zvokudya here? Kana muviri haupfuvuri zvokufuka here?
26Tarirai shiri dzokudenga hadzidzvari, hadzicheki, hadzivunganidziri mumatura, asi Baba venyu vokudenga vanodzipa zvokudya. Imi hamudzipfuvuri zvikuru here?
27Ndianiko kwamuri ungawedzera kubiti* rimwe pavurefu hwake nokufunganya?
28Munofunganyireiko pamusoro pezvokufuka? Fungai maruva ebundo, kumera kwawo, haabati, haaruki.
29Asi ndinoti kwamuri kunyange naSoromoni pakubwinya kwake kwose haana kushongedzwa serimwe rawo.
30Zvino kana Mwari achifukidza saizvozvo vuswa hwebundo hwuripo nhasi, hwuchakandirwa muchoto mangwana, haangakufukidziyi nokupfuurisa imi vokutenda kuduku here?
31Naizvozvo musafunga muchiti tichadyei? Kana tichamwei? Kana tichafukeiko?
32Nokuti vahedheni vanotsvaka izvozvi zvose. Nokuti Baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoshaiwa izvozvo zvose.
33Asi tangai kutsvaka vushe hwaMwari nokururama kwake, izvozvi zvose zvichawedzerwa kwamuri.
34Naizvozvo musafunganya pamusoro pezvamangwana nokuti mangwana achazvifunganyira zvawo. Zuva rimwe nerimwe rinokwanirwa nenhamo yaro.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.