Bhaibheri

Mateu 7

Matthew 7 · 29 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Musatonga kuti murege kutongwa.

2Nokuti nokutonga kwamunotonga nako, muchatongwa nako, nechiyero chamunoyera nacho muchayerwa nacho.

3Unotaririreiko rubanzu ruri muziso rehama yako asi hauvoni danda riri muziso rako?

4Kana ungataura seiko kuhama yako uchiti, rega ndibvise rubanzu muziso rako izvo danda riri muziso rako?

5Iwe munyengeri tanga kubvisa danda muziso rako ugovona kwazvo kubvisa rubanzu muziso rehama yako.

6Musapa imbwa zvinhu zvitsvene vuye musakanda maparera enyu pamberi penguruve kuti dzirege kuatsika netsoka dzadzo, dzikatendevuka dzikakubvamburai.

7Kumbirai muchapiwa. Tsvakai muchawana. Gogodzai muchazarurirwa.

8Nokuti mumwe nomumwe unokumbira unopiwa, unotsvaka unowana, unogogodza unozarurirwa.

9Munhu ndoupiko kwamuri? Kana mwanakomana wake akakumbira chingwa, ungamupa ibwe?

10Kana akakumbira hove ungamupa nyoka?

11Zvino kana imi makaipa muchiziva kupa vana venyu zvakanaka, Baba venyu vari kudenga vachapfuvurisa seiko kupa zvinhu zvakanaka ivo vanokumbira kwaari!

12Saka zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, muvaitire nemivo saizvozvo nokuti ndiwo murairo navaporofita. (Ruka 13. 24-30.)

13Pindai nesuvo rakamanikana nokuti suvo rakafara nzira yakapamhamha inoenda kukuparadzwa. Vanopinda naro vazhinji.

14Nokuti suvo rakamanikana nenzira nhete inoenda kuvupenyu, vanoiwana vashoma.

15Chenjerai vaporofita venhema. Vanovuya kwamuri vanenguvo dzamakwai asi mukati ari mapere anoparadza.

16Muchavaziva nezvibereko zvavo. Mazambiringa anombotanhwa paminzwa here, kana mavonde parukato?

17Saizvozvo muti mumwe nomumwe wakanaka unobereka zvibereko zvakanaka asi muti wakaipa unobereka zvibereko zvakaipa.

18Muti wakanaka haungabereki zvibereko zvakaipa nomuti wakaipa haangabereki zvibereko zvakanaka.

19Muti mumwe nomumwe usingabereki zvibereko zvakanaka, unotemwa ukakandirwa mumoto.

20Saka muchavaziva nezvibereko zvavo.

21Havazi vose vanoti kwandiri Ishe, Ishe vachapinda muvushe hwokudenga. Asi unoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga.

22Vazhinji vachati kwandiri nezuva iro, Ishe, Ishe hatina kuporofita muzita renyu here? Nokudzinga mweya yakaipa muzita renyu here? Nokuita mabasa esimba mazhinji muzita renyu here?

23Zvino ndichavavudza pachena handina kutongokuzivai, ibvai kwandiri imi vaiti vokusarurama.

24Naizvozvo mumwe nomumwe unonzwa mashoko angu awa, akaaita ungafananidzwa nomurume wakachenjera. Wakavaka imba yake paruware.

25Mvura ikanaya, mvura zhinji ikavuya, mitutu ika vhuvhuta, ikarova imba iyo ikasawa nokuti yakanga yakateyiwa paruware.

26Mumwe nomumwe unonzwa mashoko angu awa, akasaaita, ungafananidzwa nomurume benzi wakavaka imba yake pajecha.

27Mvura ikanaya, mvura zhinji ikavuya, mitutu ikavhuvhuta, ikarova imba iyo, ikawa. Kuwa kwayo kukava kukuru.

28Jesu wakati apedza mashoko iwayo vanhu vazhinji vakashamiswa nedzidziso yake.

29Nokuti wakavadzidzisa sounesimba asingaiti savaSadhuse.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.