Mateu 8
Matthew 8 · 34 verses
1(Mar. 1. 40-45; Ruka 5:12-14.) Wakati aburuka pagomo, vanhu vazhinji-zhinji vakamutevera.
2Tarira munhu unamaperembudzi akavuya kwaari, akamunamata akati, Ishe kana muchida munogona kundinatsa.
3Jesu wakatambanudza ruvoko rwake, akamubata akati, ndinoda chinatswa! Pakarepo maperembudzi ake akanatswa.
4Jesu akati kwaari, tarira usavudza munhu asi enda uzviratidze kumuPirisita, ubayire chipo chakarairwa naMosesi chive chapupu kwavari. (Ruka 7. 1-10.)
5Jesu wakati apinda Kapenaume, mumwe mukuru wezana akavuya kwaari. Akakumbira zvikuru kwaari,
6achiti Ishe muranda wangu avete kumba, akafa mitezo asi unotambudzika kwazvo.
7Jesu akati kwaari, ndichavuya kuzomuporesa.
8Mukuru wezana akapindura akati Ishe, handina kufanira kuti mupinde mumba mangu asi taurai henyu shoko rimwe chete muranda wangu uchapora.
9Nokuti nenivo ndiri munhu unorairwa, ndina varwi pasi pangu. Ndinoti kuno mumwe, enda, unoenda. Kunomumwe vuya, unovuya. Nokumuranda wangu ita chichi unoita.
10Jesu wakati achinzwa izvozvo, akashamiswa akati kuna vakanga vachitevera, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, handina kumbovona kutenda kwakadai kunyangwe napakati paIsraeri.
11Ndinoti kwamuri vazhinji vachavuya vachibva kumabvazuva nokumavirira, vachagara naAbhurahamu naIsaka naJakobho muvushe hwokudenga.
12Asi vanakomana vovushe vachabudiswa kurima rokunze, apo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.
13Zvino Jesu akati kumukuru wezana, enda uitirwe pawakatenda napo. Muranda wake akapora nenguva iyo. (Mar. 1. 29-34; Ruka 4. 38-41.)
14Jesu, wakati achipinda mumba maPetro, akavona mai vomukadzi wake vavete vachinzwa fivhiri.
15Akabata ruvoko rwavo, fivhiri ikabva kwavari. Vakasimuka vakavashandira.
16Ava madekwana vakavuya kwaari navazhinji vaiva nemweya yakaipa. Akabudisa mweya neshoko. Akaporesa vose vairwara.
17Kuti zviitike zvakarehwa nomuporofita Isaya achiti, iye wakatora vutera hwedu, akatakura marwere edu. (Ruka 9.57-62.)
18Jesu wakati achivona vanhu vazhinji vakamukomba, akaraira kuti vayambukire mhiri.
19Zvino mumwe munyori akavuya kwaari akati, Mudzidzisi ndichakuteverai kwose kwamunoenda.
20Jesu akati kwaari, mhungubwe dzine mwena neshiri dzokudenga dzina matendere asi Mwawnakomana womunhu haana paangatsamhidza musoro wake.
21Mumwe wavadzidzi akati kwaari, Ishe nditenderei henyu ndimbonoviga baba vangu.
22Asi Jesu wakati kwaari, nditevere, rega vakafa vavige vakafa vavo. (Mar 4. 35-41, Ruka 8. 22-25)
23Wakati apinda mugwa, vadzidzi vake vakamutevera.
24Ipapo dutu guru remhepo rikamuka mugungwa nokudaro igwa rakafukidzwa namafungu. Asi Iye wakanga avete.
25Zvino vadzidzi vake vakavuya, vakamumutsa, vakati, Ishe tiponesei tofa!
26Akati kwavari, Munotyireiko imi vokutenda kushoma? Zvino akamuka, akaraira mitutu negungwa. Kudzikama kukuru kukavapo.
27Vanhu vakashamiswa vakati, uyu munhu kunyi zvaanoteererwa nemitutu negungwa? (Mar 5. 1-20, Ruka 8. 26-39)
28Wakati asvika mhiri kunyika yavaGadara, vanhu vaviri vaiva nemweya yakaipa vakasongana naye, vachibva kumarinda. Vakanga vane hasha kwazvo-kwazvo. Naizvozvo kwakanga kusina munhu waigona kupfuvura nenzira iyo.
29Zvino vakadanidzira vachiti, tine mhaka yeiko nemi Jesu Mwanakomana waMwari? Mavuya pano kuzotirwadzisa, nguva isati yasvika here?
30Kwakanga kuneboka guru renguruve dzakanga dzichifura kure navo.
31Mweya yakaipa ikakumbira zvikuru kwaari, ichiti kana muchitibudisa, titenderei kuti tiende muboka renguruve.
32Akati kwairi, endai. Ikabuda, ikapinda munguruve. Boka rose rikamhanyira kumawere kugungwa, dzikafira mumvura.
33Ipapo vaidzifudza vakatiza. Vakaenda kuguta. Vakataura zvose nezvakaitirwa vakanga vane mweya yakaipa.
34Zvino guta rose rikabuda kundosongana naJesu. Vakati vachimuvona, vakakumbira zvikuru kwaari kuti abve munyika yavo.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.