Bhaibheri

Ruka 2

Luke 2 · 52 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino namazuva iwayo chirevo chakaitwa naKesari Augusto, kuti nyika yose inyorwe mazita.

2Uku ndokwaiva kunyorwa kwokutanga, kwakaitwa Kuriniosi ari mubati weSiria.

3Vanhu vose vakaenda kundonyorwa, mumwe nomumwe kuguta rake.

4NaJosefa vo wakabva Garirea, muguta reNazareta, akaenda Judhea, kuguta raDhavhidhi, rinonzi Bhetirehemu, nokuti waiva weimba yaDhavhidhi, noworudzi rwake;

5kuti anyorwe naMaria, wakanga anyengwa naye, ava nemimba.

6Zvino vakati varipo, mazuva okuzvara kwake akasvika;

7akazvara dangwe rake mwanakomana, akamuputira nemicheka, akamuvanzarika muchidyiro chezvipfuwo, nokuti vakashaiwa nzvimbo muimba yavaeni.

8Zvino kwakanga kunavafudzi munyika iyo, vaigara kuvuragu vachirinda mapoka avo vusiku.

9Mutumwa waShe akamira navo, nokubwinya kwaShe kukavakomba, vakatya nokutya kukuru.

10Ipapo mutumwa akati kwavari: Musatya, nokuti tarira, ndinokuparidzirai mashoko omufaro mukuru, uchava wavanhu vose;

11nokuti nhasi mazvarirwa muguta raDhavhidhi Muponesi, ndiye Kristu Ishe.

12Ichi ndicho chiratidzo kwamuri; Muchandowana rushiye, rwakaputirwa nemicheka, ruvete muchidyiro chezvipfuwo.

13Ipapo kamwe-kamwe kukavapo pamwe chete nomutumwa, vazhinji vehondo yokudenga, vachirumbidza Mwari, vachiti:

14Mwari ngaakudzwe kumusoro-soro, rugare ruve panyika, nomoyo muchena kuvanhu.

15Zvino vatumwa vakati vabva kwavari, vaenda kudenga, vafudzi vakataurirana, vachiti: Ngatiende hedu Bhetirehemu, tindovona chinhu ichi chakaitwa, chatakaziviswa naShe.

16Ipapo vakakurumidza kuenda, vakawana Maria naJosefa, norushiye ruvete muchidyiro chezvipfuwo.

17Vakati vavona, vakazivisa kwose shoko ravakanga vavudzwa romwana uyo.

18Vose vakanzwa vakashamiswa nezvavakavudzwa navafudzi.

19Asi Maria wakachengeta mashoko iwayo ose, achiafungisisa mumoyo make.

20Zvino vafudzi vakadzokera kwakare, vachikudza nokurumbidza Mwari pamusoro pezvose zvavakanzwa nezvavakavona, sezvavakanga vavudzwa.

21Mazuva masere akati apfuvura, musi wokudzingiswa wasvika, vakatumidza zita rake Jesu, iro raakanga atumidzwa nomutumwa, asati agamuchirwa mudumbu ramai.

22Zvino mazuva okuzvinatsa kwavo nomurairo waMosesi akati apera, vakaenda naye Jerusarema, kuti vamuise pamberi paShe;

23(sezvazvakanyorwa pamurairo waShe, zvichinzi: Mwanarume mumwe nomumwe unotanga kuzarura chizvaro, uchanzi mutsvene waShe),

24vuye kubayira chibayiro; sezvazvakarebwa pamurairo waShe, zvinoti, njiva mbiri, kana hangaiwa mbiri duku.

25Zvino, kwakanga kunomunhu, paJerusarema, wainzi Simeoni; waiva munhu wakarurama waida Mwari waimirira kunyaradzwa kwavaIsraeri.. noMweya Mutsvene wakanga anaye.

26Iye wakanga aratidzwa noMweya Mutsvene, kuti haangavoni rufu, asati avona Kristu waShe.

27Iye wakavuya mutembere noMweya; zvino vabereki vakati vachivuya nomwana Jesu, kuti vaite naye nomutovo womurairo,

28akamubata mumavoko ake akarumbidza Mwari, achiti:

29Zvino, Tenzi, muranda wenyu ngaaende hake norugare sezvamakareva;

30Nokuti meso angu avona ruponeso rwenyu,

31rwamakagadzirira pamberi pavanhu vose

32Chiedza chokuvhenekera vahedheni, nokurumbidzwa kwavanhu venyu vaIsraeri.

33Josefa Baba vake namai vake vakashamiswa nezvakarebwa pamusoro pake.

34Ipapo Simeoni akavaropafadza, akati kunaMaria, mai vake: Tarira, mwana uyu wakaisirwa kuwa nokumuka kwavazhinji pakati pavaIsraeri. Chichava chiratidzo chicharambwa;

35vuye munondo uchabaya mweya wako vo; kuti ndangariro dzemoyo mizhinji dzizikanwe.

36Zvino kwakanga kunaAna vo, muporofitakadzi, mukunda waFanueri, worudzi rwaAsheri; (iye wakanga achembera kwazvo, wakanga anomurume makore manomwe kubvira pavumhandara bwake.

37wakanga ari chirikadzi yaiva namakore makumi masere namana), wakanga asingabvi mutembere, achishumira Mwari nokuzvinyima zvokudya nokukumbira vusiku namasikati:

38Naiye wakati achisvika nenguva iyo, akatenda Mwari, akataura pamusoro pake kunavose vakanga vachitarira kusunungurwa kweJerusarema.

39Zvino vakati vapedza zvose zvomurairo waShe, vakadzokera Garirea, kuguta ravo Nazareta.

40Mwana akakura, akava nesimba, mumweya akazara nenjere; nenyasha dzaMwari dzikava pamusoro pake.

41Zvino vabereki vake vaisienda Jerusarema makore ose kumutambo wepaseka.

42Zvino iye wakati ava namakore anegumi namaviri, vakaenda Jerusarema netsika yomutambo.

43Vakati vapedza mazuva, pakudzoka kwavo mwana Jesu akasara Jerusarema, Josefa namai vake vasingazvizivi.

44Asi zvavaiti zvimwe uri kunavamwe vakanga vari panzira navo, vakafamba zuva rimwe, vakazomutsvaka kuhama dzavo nokuvazikani vavo.

45Vakati vamushaiwa, vakadzokera Jerusarema vachimutsvaka.

46Mazuva matatu; akati apfuvura, vakamuwana ari mutembere, agere pakati pavadzidzisi achivaterera nokuvabvunza.

47Vose vakanga vachimunzwa, vakashamiswa nokuziva kwake vuye nokupindura kwake.

48Zvino vakati vamuvona, vakakatyamara; mai vake vakati kwaari: Mwana, waitireiko zvakadai? Tarira, baba vako neni takutsvaka tichichema.

49Akati kwavari: Makanga muchinditsvakireiko? Makanga musingazivi kuti ndinofanira kuva pazvinhu zvaBaba vangu here?

50Vakasanzwisisa shoko raakavavudza.

51Ipapo akaburuka navo, akasvika Nazareta, akavaterera. Mai vake vakachengeta mashoko iwayo ose mumoyo mavo.

52Jesu akaramba achienda mberi pakuchenjera napakukura, napakufadza Mwari navanhu.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.