Tito 2
Titus 2 · 15 verses
1Zvino iwe, taura zvakafanira dzidziso yakarurama.
2Varume vakuru ngavave vakasvinuka, vanokudzwa, vakangwara, vakarurama pakutenda, naparudo, napakutsungirira;
3saizvozvo vo vakadzi vakuru ngavave nomufambire wakafanira vatsvene, vasingacheri, kana kuda waini zhinji, asi vave vadzidzisi vezvakanaka;
4kuti vadzidzise vakadzi vaduku, kuti vade varume vavo, nokuda vana vavo.
5vave vakangwara, vakachena, vanogara pamusha, vakanaka, vanoteerera varume vavo, kuti shoko raMwari rirege kumhurwa.
6Saizvozvo vo varume vaduku uvaraire kuti vave vakangwara;
7pazvinhu zvose iwe umene uvaratidze makwara amabasa akanaka; uve nokusakanganisa pakudzidzisa, nomugarire unokudzwa.,
8nokutaura kwakarurama, kusingagoni kushovorwa, kuti unopesana nesu anyadziswe, asi nechinhu chakaipa chaangareva pamusoro pedu.
9Varanda ngavazviise pasi pavatenzi vavo, vavafadze pazvinhu zvose, vasingakakavari;
10vasingabi, asi varatidze kutendeka kwakanaka kwose, kuti vashongedze dzidziso yaMwari, Muponesi wedu, pazvinhu zvose.
11Nokuti nyasha dzaMwari dzakavonekwa, dzinovigira vanhu vose kuponeswa,
12Dzichitidzidzisa isu kuti tirambe kusanamata Mwari nokuchiva zvenyika, tirarame nokungwara, nokururama, nokunamata Mwari panguva ino,
13takatarira tariro inofadza, nokuvonekwa kwokubwinya kwaMwari mukuru, noMuponesi wedu, Kristu Jesu.
14wakazvipa nokuda kwedu, kuti atidzikinure pazvisakarurama zvose, kuti azvinatsire vanhu vave vake chaivo, vanhu vanoshingairira mabasa akanaka.
15Taura zvinhu izvi, uraire, urange nesimba rose; ngakurege kuva nomunhu unokuzvidza.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.