Bhaibheri

VaEfeso 2

Ephesians 2 · 22 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Wakakuraramisai imi, makanga makafa mukudarika kwenyu nomuzvivi zvenyu,

2izvo zvamaifamba mukati mazvo kare, netsika dzenyika ino, nenzira dzomuchinda wesimba redenga, dzomweya unobata zvino muvana vokusaterera;

3vataifamba tose pakati pavo kare, mukuchiva kwenyama yedu, tichiita kuda kwenyama nokwokufunga kwedu, napakuzvarwa kwedu isu navamwe vose taiva vana vokutsamwirwa.

4Zvino Mwari unenyasha zhinji-zhinji, nokuda kworudo rwake rukuru, rwaakatida narwo,

5kunyange takanga takafa mukudarika kwedu, wakatiraramisa pamwe chete naKristu (makaponeswa nenyasha;

6akatimutsa pamwe naye, akatigarisa kudenga pamwe chete naye, munaKristu Jesu;.

7kuti nenguva dzinovuya aratidze fuma huru huru yenyasha dzake pavunyoro bwake kwatiri munaKristu Jesu;

8nokuti makaponeswa nenyasha, nokutenda; izvo zvisingabvi kwamuri, asi chipo chaMwari;

9hazvibvi pamabasa, kuti kurege kuva nomunhu unozvikudza.

10Nokuti tiri basa rake, takasikwa kuti munaKristu Jesu tiite mabasa akanaka, akagadzirwa kare naMwari kuti tifambe maari.

11Naizvozvo rangarirai, kuti imi vahedheni munyama, mainzi vasina kudzingiswa naivo vanonzi vokudzingiswa, kuri munyama, kunoitwa namavoko;

12kuti nenguva iyo makanga musina Kristu, muri vatorwa pavushe bwavaIsraeri, muri vaeni pasungano dzechipikirwa musina tariro, musina Mwari panyika.

13Asi zvino munaKristu Jesu imi, makanga muri kure kare, makaswededzwa muropa raKristu.

14Nokuti ndiye rugare rwedu, iye wakaita zvinhu zviviri kuti chive chinhu chimwe, akaputsa rusvingo rwapakati rwokuparadzanisa;

15zvaakaparadza munyama yake kuvengana, iwo murairo wezvakarairwa pazvirevo; kuti asike ava vaviri vave munhu mutsva maari, aite rugare saizvozvo;

16kuti mumuchinjikwa ayananise zve vose vaviri, vave muviri mumwe kunaMwari, zvaakavuraya kuvengana naiwo muchinjikwa;

17akasvika, akaparidza rugare kwamuri, imi maiva kure, norugare kunaivo vaiva pedo;

18nokuti isu tose tinopinda naiye noMweya mumwe kunaBaba.

19Naizvozvo, hamuzati muchiri vaeni navatorwa, asi vobwo pamwe chete navatsvene, naveimba yaMwari.

20Makavakwa pamusoro penheyo dzavaapostora navaporofita, Kristu Jesu amene ari ibwe rapakona.

21Maari imba yose yakasonganiswa ichikura kuti ive tembere tsvene munaMwari.

22Maari nemi vo makavakwa pamwe chete, kuti muve vugaro bwaMwari muMweya.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.