VaEfeso 3
Ephesians 3 · 21 verses
1Nemhaka iyi, ini Pauro, ndiri musungwa waKristu Jesu nokuda kwenyu, imi vahedheni,
2kana makanzwa henyu kugoverwa kwenyasha dzaMwari dzandakapiwa pamusoro penyu;
3kuti zvakanga zvakavanzika zvakandiziviswa pakuzarurirwa, sezvandakambokunyorerai namashoko mashoma;
4kana muchirava iwo, mungavona kuziva kwangu zvakavanzika zvaKristu;
5zvakanga zvisina kuziviswa vanakomana vavanhu panedzimwe nguva, sezvazvakazarurirwa vaapostora vatsvene, navaporofita zvino muMweya;
6Kuti Vahedheni vave vadyi venhaka pamwe chete nesu, nomuviri mumwe nesu vagovani vechipikirwa chake pamwe chete nesu muna Kristu neEvhangeri
7yandakaitwa mushumiri wayo nechipo chenyasha dzaMwari, chandakapiwa nokubata kwesimba rake.
8Ini, muduku kwazvo kuvatsvene vose, ndakapiwa nyasha idzi, kuti ndiparidzire vahedheni fuma isinganzwerwi yaKristu,
9nokuratidza vose kuti kugoverwa kwakadiniko kwezvakavanzika, zvakanga zvakafukidzwa munaMwari, wakasika zvose, naKristu Jesu kubva panguva yokutanga;
10kuti zvino vabati navanesimba kudenga va ziviswe nekereke kuchenjera kukuru kwaMwari;
11sechirevo chokutanga-tanga chaakatema munaKristu Jesu, Ishe wedu;
12maari tinokutsunga kwedu nokupinda kwedu tisingatyi, nokutenda kwake.
13Saka ndinokumbira kuti murege kupera moyo nokutambudzika kwangu pamusoro penyu; ndiko kukudzwa kwenyu.
14Nemhaka iyi ndinofugama namabvi angu kunaBaba, vaShe wedu Jesu Kristu
15avo, rudzi rwose kudenga napanyika runotumidzwa nezita ravo,
16kuti vakupei pafuma yokubwinya kwavo kukuru, simba kuti musimbiswe noMweya wavo mumunhu womukati;
17kuti Kristu agare pamoyo yenyu nokutenda; kuti imi, munemidzi yenyu nenheyo dzenyu murudo;
18muve nesimba rokunzwisisa pamwe chete navatsvene vose, kuti kufara, nokureba, nokukwirira, nokudzika kwakadiniko,
19nokuziva rudo rwaKristu, runopfuvura kuziva, kuti muzadziswe nokuzara kwose kwaMwari.
20Zvino, iye unesimba rokuita zvikuru kwazvo zvinopfuvura zvose zvatinokumbira kana zvatinofunga, nesimba rinobata mukati medu,
21ngaave nokubwinya mukereke munaKristu Jesu, kusvikira kumarudzi ose nokusingaperi-peri, Ameni.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.