VaEfeso 4
Ephesians 4 · 32 verses
1Naizvozvo ini musungwa munaShe, ndinokumbira zvikuru kuti mufambe zvakafanira kudanwa kwamakadanwa nako,
2nokuzvininipisa kwose novunyoro, nomoyo murefu, muchiitirana moyo murefu murudo;
3muchishingaira kuchengeta vumwe bwoMweya muchisungo chorugare.
4Kuno muviri mumwe, noMweya mumwe, sezvamakadanwa vo mutariro imwe yokudanwa kwenyu;
5Ishe mumwe, nokutenda kumwe, norubhabhatidzo rumwe,
6naMwari mumwe, naBaba vavose, uri pamsoro pavose, unobata navose, uri mukati menyu mose.
7Asi mumwe nomumwe wedu wakapiwa nyasha nechiyero chechipo chaKristu.
8Naizvozvo unoti: Wakakwira kumusoro akatapa vatapwa, Akapa vanhu zvipo,
9(Zvino kuti: Wakakwira, chinyiko, asi kuti, wakaburuka pakutanga vo kumativi ari pasi panyika?
10Wakaburuka ndiye wakakwira vo kumusoro-soro kwedenga rose, kuti azadzise zvose.)
11Zvino wakapa vamwe kuti vave vaapostora, vamwe vaporofita, vamwe vaEvhangeri, vamwe vafudzi navadzidzisi;
12kuti vatsvene vakwanisirwe basa ravo rokushumira, nerokuvaka muviri waKristu;
13kudzimana isu tose tisvike pavumwe bwokutenda nokuziva Mwanakomana waMwari, napamunhu wakura, napachiyero chovukuru bwokuzara kwaKristu;
14kuti tirege kuramba tichingova vacheche, tichizununguswa nokudzingwa nemhepo ipi neipi yokudzidzisa nokunyengera kwavanhu, namano, kuti vatsause nokunyengera;
15asi tireve zvokwadi murudo, tigokura maari pazvose, iye Kristu, Musoro;
16muviri wose wakasonganiswa zvakanaka maari nokubatanidzwa nenhengo dzose dzino simbisa, mutezo mumwe nomumwe uchibata nechiyero chawo, kuti muviri ukuriswe pakuvakwa kwawo murudo.
17Naizvozvo ndinoreva nokupupura chinhu ichi munaShe, ndichiti, musafamba savamwe vahedheni, vanofamba vo novupenzi bwokurangarira kwavo,
18vakasvibirwa pakunzwisisa kwavo, vari vatorwa pavupenyu bwaMwari nokuda kwokusaziva kuri mukati mavo, nokuda kwovukukutu bwomoyo yavo;
19vakazvipa vasine hanya kuvutere, kuti vabate mabasa ose etsvina nokuchiva.
20Asi imi hamuna kudzidza Kristu saizvozvo,
21kana ari iye hake wamakanzwa, nokudzidziswa maari, seiri zvokwadi munaJesu:
22kuti pamufambire wenyu wokutanga mubvise munhu wekare, unovodzwa nokuchiva kwokunyengera;
23muvandudzwe mumweya wokurangarira kwenyu,
24mufuke munhu mutsva, wakasikwa akafanana naMwari pakururama, novutsvene bwezvokwadi.
25Naizvozvo bvisai nhema, mutaure zvokwadi, mumwe nomumwe kuno wokwake; nokuti tiri mitezo, mumwe womumwe.
26Tsamwai, musingatadzi; zuva ngarirege kuvira muchakatsamwa;
27musapa Dhiabhorosi nzvimbo.
28Wakaba, ngaarege kuba zve; asi zvirinani kuti atambudzike, abate namavoko ake basa rakanaka, kuti ave nechaangapa unoshaiwa.
29Mumuromo wenyu murege kubuda shoko rakavora, asi rakanaka, ringasimbisa pakafanira, rivigire nyasha avo vanonzwa.
30Regai kuchemedza Mweya Mutsvene waMwari, wamakaisirwa chisimbiso maari kusvikira pazuva rokudzikinurwa.
31Shungu dzose, nokutsamwa, nehasha, nokupopota, nokutuka, nezvakaipa zvose, ngazvibviswe kwamuri;
32muitirane moyo munyoro, munzwirane tsitsi, mukanganwirane, se zvamakakanganwirwa naMwari.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.