VaKorose 1
Colossians 1 · 29 verses
1Pauro, muapostora waKristu Jesu nokuda kwaMwari, naTimotio, hama yedu,
2kuvatsvene nehama dzakatendeka munaKristu vari paKorose: Nyasha ngadzive nemi, norugare zvinobva kunaMwari, Baba vedu.
3Tinovonga Mwari, Baba vaShe wedu Jesu Kristu, nguva dzose kana tichikunyengetererai,
4zvatakanzwa zvokutenda kwenyu munaKristu Jesu, norudo rwamunarwo kuvatsvene vose,
5pamusoro petariro yamakachengeterwa kudenga, yamakanzwa kare pashoko rezvokwadi reEvhangeri;
6iyo yakasvika kwamuri, sezvayakasvika panyika yose vo; ichibereka zvibereko, ichikura, sezvainoita kwamuri vo, kubvira pazuva ramakanzwa nokuziva kwazvo nyasha dzaMwari muzvokwadi;
7sezvamakadzidza kunaEpafrasi, muranda pamwe chete nesu, unodikanwa, mushumiri wakatendeka waKristu nokuda kwenyu,
8iye wakativudza vo zvorudo rwenyu muMweya.
9Saka nesu vo, kubvira pazuva ratakanzwa, hatiregi kukunyengetererai, nokukumbira kuti muzadziswe nokuziva kwazvo kuda kwake, pakuchenjera nokunzwisisa kwose kwomeya;
10kuti mufambe sezvinofanira Ishe, muchimufadza pazvose, muchibereka zvibereko pamabasa ose akanaka, muchikura pakuziva Mwari kwazvo;
11muchisimbiswa nesimba rose, nesimba rokubwinya kwake, muve nomoyo murefu, nomufaro;
12muvonge Baba, vakatikwanisa kuti tipiwe nhaka yavatsvene muchiedza.
13vakatisunungura pasimba rerima, vakatiisa muvushe bwoMwanakomana worudo rwavo;
14watinedzikinuro maari, ndiko kukanganwirwa kwezvivi zvedu.
15Ndiye mufananidzo waMwari usingavonekwi, dangwe rezvisikwa zvose;
16nokuti maari zvinhu zvose zvakasikwa, zviri kudenga napanyika, zvinovonekwa nezvisingavonekwi, kana zviri zvigaro zvovushe kana vushe, kana vabati, kana masimba; zvinhu zvose zvakasikwa naye, zviripo nokuda kwake.
17Ndiye unotangira zvose, zvose zvakabatana maari.
18Ndiye musoro womuviri, ndiyo kereke; ndiye wokutanga, dangwe ravakamuka kuvakafa; kuti iye ave mukuru pazvinhu zvose.
19Nokuti Baba vakafara nazvo, kuti kuzara kwose kugare maari,
20kuti naye ayananise zvinhu zvose kwaari, amboita rugare neropa romuchinjikwa wake; naiye, kunyange zviri panyika, kunyange zviri kudenga.
21Nemi vo, kare maiva vaeni navavengi pakufunga kwenyu pamabasa enyu akaipa,
22asi zino wakakuyananisai pamuviri wenyama yake, nokufa kwake, kuti akuisei pamberi pake muri vatsene, musinemhosa, musingapomerwi,
23kana muchingorambira pakutenda, makateyiwa, mumire makasimba, musingabviswi patariro yeEvhangeri yamakanzwa, yakaparidzirwa zvisikwa zvose pasi pokudenga; iyo Evhangeri yandakaitwa mushumiri wayo, ini Pauro.
24Zvino ndinofara pakutambudzika kwangu nokuda kwenyu, ndichizadzisa panyama yangu zvakasara pamadambudziko aKristu, nokuda kwomuviri wake, iyo kereke;
25iyo yandakaitwa mushumiri wayo sezvandakagoverwa naMwari pamusoro penyu, kuti ndizadzise shoko raMwari;
26ndicho chakavanzika, chakanga chakafukidzwa kubvira pakutanga kwenguva nendudzi, asi zvino chakaratidzwa vatsvene vake;
27kunaivo Mwari waakada kuvazivisa vufumi bwokubwinya kwechakavanzika ichochi pakati pavahedheni, chokuti, Kristu mukati menyu, tariro yokubwinya;
28iye watinoparidza isu, tichiraira munhu mumwe nomumwe, tichidzidzisa munhu mumwe nomumwe novuchenjeri bwose, kuti tiise munhu mumwe nomumwe akakwana munaKristu;
29ndizvo zvandinobatiravo, ndichirwa, zvichiitwa nokubata kwake kunobata mukati mangu nesimba.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.