VaGaratiya 2
Galatians 2 · 21 verses
1Zvino, makore anegumi namana akati apfuvura, ndakakwira zveJerusarema naBharnabhasi, ndikaenda vo naTitosi.
2Ndakakwira nokuda kwokuratidzwa; ndikarondedzera pamberi pavo Evhangeri yandinoparidza pakati pavahedheni, asi kunavakanga vachikudzwa vari voga, kuti zvimwe ndirege kumhanyira pasina, kana kuti zvimwe ndatomhanyira pasina.
3Asi naTitosi, waiva neni, ari muGiriki, haana kurovererwa kuti adzingiswe;
4nokuda kwehama dzenhema, vakanga vapinzwa nokunyanga, vakanga vapinda pakavanda kuti vashore kusununguka kwedu kwatinako munaKristu Jesu, kuti vatisunge;
5hatina kuvatsedukira ivava, tichivaterera nguva imwe; kuti zvokwadi yeEvhangeri irambe ichigara nemi.
6Zvino kana vari ivo vanonzi vakuru handine mhaka kuti vaiva vakadini kare; Mwari haatendi zvinovonekwa zvomunhu kana vari ivo vanonzi vakuru, havana kundiwedzera chinhu;
7asi ivo vakati vavona kuti ini ndakapiwa Evhangeri kunovasina kudzingiswa, saPetro kuna vakadzingiswa;
8(nokuti iye wakapa Petro simba rokuva muapostora kuna vakadzingiswa, ndiye wakapa vo ini simba rokuva muapostora kuvahedheni);
9vakati vavona nyasha dzandakanga ndapiwa, Jakobho, naKefasi, naJohaneavo vainzi mbiru vakatibata isu tose naBharnabhasi namavoko orudyi okuyanana, kuti isu tiende kuvahedheni, ivo kuna vakadzingiswa;
10vakada chete kuti tirangarire varombo; ndizvo zvandakashingairira vo kuti ndizviite.
11Zvino Kefasi wakati asvika Antiokia ndakamudzivisa pachena, nokuti wakanga anemhosva.
12Nokuti vamwe, vakanga vabva kunaJakobho, vasati vasvika, iye waidya navahedheni; asi vakati vasvika, akadzoka, akazviravura, achitya vakadzingiswa.
13Navamwe vaJudha vakaita mano-mano vo pamwe chete naye; zvikaita kuti naiye Bharnabhasi vo akatsauswa namano-mano avo.
14Asi ndakati ndichivona kuti havafambi zvakarurama nezvokwadi yeEvhangeri, ndakati kunaKefasi pamberi pavose: Kana iwe, uri muJudha, uchifamba savahedheni, usingaiti savaJudha, unoroverera seiko vahedheni, kuti vafambe savaJudha?
15Isu vaJudha pakuzvarwa kwedu, tisati tiri vatadzi vanobva kuvahedheni,
16zvatinoziva kuti munhu haaruramiswi namabasa omurairo, asi nokutenda kunaKristu Jesu, nesu vo takatenda kuna Kristu Jesu, kuti tiruramiswe nokutenda kunaKristu, tirege kururamiswa namabasa omurairo; nokuti hakune nyama icharuramiswa namabasa omurairo.
17Zvino kana isu pakutsvaka kwedu kururamiswa munaKristu, tikawanikwa tiri vatadzi vo timene, ko Kristu wava mushumiri wezvivi here? Haisva!
18Nokuti kana ndikavaka zve izvo zvandamboputsa, ndinozviita mudariki.
19Nokuti nomurairo ini ndakafa kumurairo, kuti ndirarame kunaMwari,
20Ndakaroverwa pamuchinjikwa pamwe chete naKristu; handichiri ini ndinorarama, asi Kristu unorarama mandiri; kurarama uku, kwandinorarama nako munyama zvino, ndinorarama nokutenda kuri muMwanakomana waMwari; wakandida akazvipa nokuda kwangu
21Handikonesi nyasha dzaMwari nokuti kana kururamiswa kuchibva kumurairo, Kristu wakafa pasina.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.