VaHebheru 2
Hebrews 2 · 18 verses
1Saka tinofanira kuterera zvikuru izvo zvatakanzwa, kuti tirege kukukurwa.
2Nokuti kana shoko, rakanga rataurwa navatumwa, rakanga rakasimba, vuye kana kudarika nokusaterera kwose kwakapiwa mubairo wakarurama,
3ko isu tichapukunyuka sei, kana tisinehanya nokuponeswa kukuru kwakadai? Uku kwakaparidzwa pakutanga naShe, kukasimbiswa kwatiri naivo vakanzwa;
4naiye Mwari vo achipupurirana navo nezviratidzo nezvinoshamisa, namabasa esimba mazhinji, nezvipo zvoMweya Mutsvene, nokuda kwake.
5Nokuti nyika, inozovuya, yatinoreva, haana kuiisa pasi pavatumwa.
6Asi mumwe wakapupura kwazvo paneimwe nzvimbo, achiti: Ko munhu chinyiko, zvamunomufunga? Kana mwanakomana womunhu, zvamunomushanyira?
7Makamuita muduku zvishoma kuvatumwa, Makamushongedza korona nokubwinya nokukudzwa, mukamubatisa vushe hwamabasa amavoko enyu.
8Mukaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake. Nokuti pakuisa kwake zvinhu zvose pasi pake, haana kusiya chinhu chimwe, chisina kuiswa pasi pake. Asi zvino tigere kuvona kuti zvinhu zvose zvakaiswa pasi pake.
9Asi tinomuvona, iye Jesu, wakaitwa muduku zvishoma kuvatumwa, nokuda kokutambudzika kworufu, wakashongedzwa korona yokubwinya nokukudzwa,kuti nokuda kwenyasha dzaMwari aravire rufu achiitira munhu wose.
10Nokuti zvakanga zvakafanira kuti iye, wakaitirwa zvinhu zvose, vuye wakaita zvinhu zvose, pakuisa kwake vanakomana vazhinji pakubwinya, akwanise Mutungamiriri wokuponeswa kwavo nenzira yokutambudzika.
11Nokuti uyo, unovaita vatsvene, naivo vanoitwa vatsvene, vose vakabva kunomumwe; nemhaka iyi haanenyadzi kuvaidza hama,
12Zvaanoti: Ndichaparidzira hama dzangu zita renyu, Ndichakuimbirai pakati pekereke.
13Vuye zve: Ndichavimba naye. Vuye zve: Tarirai, ini navana vandakapiwa naMwari.
14Naizvozvo, vana zvavakagoverwa ropa nenyama, naiye vo wakagovana navo panaizvozvi; kuti nokufa kwake iye aparadze uyo unesimba rorufu, iye Dhiabhorosi;
15agosunungura avo vaiva varanda pavupenyu bwavo bwose nokuda kwokutya rufu.
16Nokuti zvirokwazvo, haana kutora chimiro chavatumwa, asi wakazvitorera vana vaAbhurahamu.
17Naizvozvo wakafanira kuti aenzaniswe nehama dzake pazvinhu zvose, kuti ave muPirisita mukuru unengoni, wakatendeka pazvinhu zvaMwari, kuti adzikinure zvivi zvavanhu.
18Nokuti zvaakatambudzika iye amene pakuidzwa kwake, unogona kubatsira vanoidzwa.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.