VaHebheru 10
Hebrews 10 · 39 verses
1Nokuti murairo zvaunomumvuri wezvinhu zvakanaka zvino vuya usati uri mufananidzo chaiwo wezvinhu izvozvo, haungatongogoni kukwanisa avo vanoswedera gore rimwe nerimwe naizvozvo zvibayiro zvavanoramba vachibayira Mwari.
2dai zvakanga zvakadaro, zvingadai zvisina kupera kubayirwa here? Nokuti vanonamata, kana vakanga vanatswa kamwe chete, vangadai vasina kuzoyevudzwa zvivi zvavo.
3Asi nezvibayiro izvozvo vanoyevudzirwa zvivi gore rimwe nerimwe.
4Nokuti ropa renzombe nerembudzi haritongogoni kubvisa zvivi.
5saka pakusvika kwake panyika, unoti: Chibayiro nechipo makazviramba, Asi makandigadzirira muviri;
6hamuna kuda zvibayiro zvinopiswa, nezvibayiro zvezvivi;
7Zvino ndikati: Tarirai, ndavuya, (Murugwaro makanyorwa pamsoro pangu) Kuti ndiite kuda kwenyu, imi Mwari.
8Zvaanoti pakutanga: Zvibayiro nezvipo, nezvibayiro zvinopiswa, nezvibayiro zvezvivi hamuna kuzvida, hamuna kufadzwa nazvo) zviri izvo zvinobayirwa Mwari sezvinoreva murairo),
9Ndokuzoti: Tarirai, ndinovuya kuzoita kuda kwenyu imi Mwari. Unobvisa chokutanga kuti amise chechipiri.
10Nokuda ikoku takaitwa vatsvene nechibayiro chomuviri waJesu Kristu, chakabayirwa kamwe .
11MuPirisita mumwe nomumwe unomira zuva rimwe nerimwe achishumira, nokubayira kazhinji zvibayiro izvozvo zvisingagoni kubvisa zvivi;
12asi murume uyu wakati abayira chibayiro kamwe chete pamusoro pezvivi, akagara nokusingaperi kurudyi rwaMwari;
13kubva zvino achimirira kusvikira vavengi vake vaitwa chitsiko chetsoka dzake.
14Nokuti nechibayiro chimwe chete wakakwanisa nokusingaperi avo vanoitwa vatsvene.
15NoMweya Mutsvene unotipupurira vo; nokuti wakatanga, achiti:
16Iyi ndiyo sungano yandichaita navo Shure kwamazuva iwayo, ndizo zvinotaura Ishe; Ndichaisa mirairo yangu pamoyo yavo, Nokuinyora pakufunga kwavo; Ndokuzoti:
17Zvivi zvavo nokudarika kwavo handichatongozvirangariri.
18Zvino, kana zvinhu izvi zvakanganwirwa, zvivi hazvichabayirwi.
19Naizvozvo, hama dzangu, zvatingatsunga kupinda panzvimbo tsvene neropa raJesu,
20nenzira itsva mhenyu, yaakativambira iye nokupinda kwake pachidzitiro chetembere, ndiyo nyama yake;
21vuye zvatinomuPirisita mukuru paimba yaMwari,
22ngatiswedere nomoyo wazvokwadi, nokutenda kwakasimba, moyo yedu yasaswa kuti inatswe pahana yakaipa, nemiviri yedu yakashambidzwa nemvura yakanaka.
23Ngatichengete kwazvo kupupura kwetariro yedu, kuti irege kuzununguka; nokuti iye, wakapikira, wakatendeka;
24ngatirangarirane, timutsane moyo kuti tive norudo namabasa akanaka,
25tisarega kuvungana kwedu, sezvinoita vamwe, asi tirairane; zvikuru zvamunovona kuti zuva roswedera.
26Nokuti kana tichitadza nobwoni, kana tambogamuchira zivo yezvokwadi, hakuchinechibayiro pamusoro pezvivi,
27asi kungomirira tichitya kutongeswa nokutsamwa kunopfuta somoto, kuchapedza vevengi.
28Munhu, wakaramba murairo waMosesi, unofa asinganzwirwi tsitsi, kana panezvapupu zviviri kana zvitatu;
29hamufungi here kuti munhu, wakatsika Mwanakomana waMwari pasi petsoka dzake, uye akati ropa resungano raakaitwa mutsvene naro harinamaturo zvaro, uye akazvidza Mweya wenyasha, kuti iye haanganzi wakafanirwa nokurobwa kunopfuvura uku kwazvo here?
30Nokuti tinomuziva iye wakati: Kutsiva ndokwangu, ini ndicharipira ndizvo zvinotaura Mwari. Vuye zve: Ishe uchatonga mhosva dzavanhu vake.
31Zvinotyisa kuwira pamavoko aMwari mupenyu.
32Asi rangarirai mazuva akare, amakati mavhenekerwa, mukatsunga pakurwa kukuru kwedambudziko;
33pamwe nokuti makaitwa chinhu chinotarirwa nokuzvidzwa nokutambudzwa; pamwe nokuti makagovana naivo vakaitirwa izvozvo.
34Nokuti makanzwira tsitsi kusungwa kwangu, makatenda vo nomufaro kuti nhumbi dzenyu dzipambwe, muchiziva kuti imi mumene munefuma yakapfuvura nokunaka, inogara iri kudenga.
35Naizvozvo regai kurasha kusatya kwenyu kunomubayiro mukuru.
36Nokuti munofanira kuva nokutsungirira, kuti, kana maita kuda kwaMwari, mugopiwa chipikirwa.
37Nokuti kanguva kaduku-duku kachi’ko, Iye unovuya, uchavuya, asinganonoki.
38Asi wakarurama wangu uchaponeswa nokutenda; Zvino kana akadzokera shure, moyo wangu haungafari naye.
39Zvino isu hatizi ivo vokudzokera shure, kuti tiparadzwe; asi tiri vokutenda kuti tiponese mweya.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.