Bhaibheri

VaHebheru 11

Hebrews 11 · 40 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino kutenda ndirwo rusimbiso rwezvinhu zvatinotaririra, umbowo hwezvinhu zvatisingavoni.

2Nokuti naiko vanhu vakare vakapupurirwa zvakanaka.

3Nokutenda tinonzwisisa kuti nyika dzakanatsorongedzwa nenzwi raMwari, naizvozvo zvinhu zvinovonekwa, hazvina kuitwa nezvinhu zvinovonekwa..

4Nokutenda Abheri wakabayira Mwari chibayiro chakanaka kunechaKaini; akapupurirwa nacho kuti wakanga akarurama, Mwari achipupurira zvipo zvake; naiko kutenda iye, kunyange afa hake, uchangotaura nazvino.

5Nokutenda Enoki wakatorwa,kuti arege kuvona rufu; akasavonekwa, nokuti Mwari wakanga amutora; nokuti asati atorwa wakapupurirwa kuti wakanga achifadza Mwari.

6Kana kusina kutenda hazvibviri kumufadza; nokuti unovuya kunaMwari, unofanira kutenda kuti iye uripo, vuye kuti unopa vanomutsvaka mubairo wavo.

7Nokutenda Noa wakati anyeverwa pamusoro pezvinhu zvichigere kuvonekwa,nokutya Mwari, akagadzira areka , kuti aponese mhuri yake; akapa nyika mhosva nazvo, akagara nhaka yokururama kunovuya nokutenda.

8Nokutenda Abhurahamu, wakati adanwa, akaterera, akabuda, akaenda kunzvimbo yaakanzi uchaipiwa ive nhaka yake; akabuda akaenda, asingazivi kwaanoenda.

9Nokutenda wakandogara somutorwa munyika yechipikirwa, sapanyika yavamwe, akagara mumatente naIsaka naJakobho, vadyi venhaka yechipikirwa chimwe pamwe chete naye;

10nokuti wakanga achitarira guta rinenheyo, Mwari ari mhizha nomuvaki waro.

11Nokutenda naiye Sara wakapiwa simba rokutora mimba akazvara mwana, kunyange akanga achembera, nokuti wakati iye wamupikira wakatendeka.

12Saka kumunhu mumwe, wakanga akaita sowafa, kwakabva vana vakaita senyeredzi dzokudenga nokuwanda kwavo, vuye sejecha riri pamhenderekedzo yegungwa risingaverengwi.

13Ivava vose vakafa vachitenda, vasina kupiwa zvipikirwa, asi vakazvivona zviri kure, vakazvikwazisa, vakazvimbundikira vakatenda kuti ivo vaeni navafambi panyika.

14Nokuti vanotaura zvakadaro, vanoratidza kuti vanotsvaka nyika yavo chaiyo.

15Nokuti kana vairamba vachifunga nyika iyo yavakabva kwairi, vangadai vawana nguva yokudzoka.

16Asi zvino vanoda imwe inopfuvura nokunaka, ndiyo yokudenga; naizvozvo Mwari haanenyadzi pamusoro pavo kuti aidzwe Mwari wavo; nokuti wakavagadzirira guta.

17Nokutenda Abhurahamu, achiidzwa, wakabayira Isaka; iye wakanga agamuchira kwazvo zvipikirwa, wakanga achibayira mwana wake wakaberekwa mumwe woga;

18iye wakanga avudzwa, zvichinzi: MunaIsaka vana vako vachatumidzwa;

19nokuti wakati Mwari unogona kumutsa munhu kunyange kuvakafa; ndipapo vo, kana tichitaura nomufananidzo, paakamudzoserwa.

20Nokutenda Isaka wakaropafadza Jakobho naEsau pamusoro pezvinozoitika.

21Nokutenda Jakobho pakufa kwake wakaropafadza mwanakomana mumwe nomumwe waJosefa; akanamata akasendamira pamusoro pomudonzvo wake.

22Nokutenda Josefa, ofa, wakataura zvokubuda kwavana vaIsraeri, akavaraira pamusoro pamafupa ake.

23Nokutenda Mosesi pakuberekwa kwake wakavanzwa navabereki vake mwedzi mitatu, nokuti vakavona kuti wakanga ari mwana wakanaka; havana kutya murairo wamambo.

24Nokutenda Mosesi, akura, wakaramba kunzi mwanakomana womukunda waFarao,

25akati zvirinani kuitirwa zvakaipa pamwe chete navanhu vaMwari panokufara muzvivi nguva duku;

26akati kuzvidzwa kwaKristu ifuma huru kukufuma kwose kweIjipiti; nokuti wakatarira mubairo.

27Nokutenda wakabva Ijipiti, asingatyi kutsamwa kwamambo; nokuti wakatsungirira somunhu unovona iye usingavonekwi.

28Nokutenda wakavamba paseka nokusasa ropa, kuti muvurayi wamatangwe avarege ivo.

29Nokutenda vakayambuka Gungwa Dzvuku, sapanyika yakawoma; vaIjipiti vachiidza izvozvo, vakabitirirwa.

30Nokutenda masvingo eJeriko akawira pasi, apoteredzwa mazuva manomwe.

31Nokutenda Rakabi chifeve, haana kufa pamwe chete navasina kuterera, nokuti wakanga agamuchira vashori norugare.

32Ndichataurireiko zvimwe? Nokuti ndichapererwa nenguva, kana ndikataura zvaGideoni, naBaraki, naSamsoni, naJefta, naDhavhidhi, naSamueri, navaporofita;

33avo vakakunda vushe nokutenda kwavo vakaita zvakarurama, vakapiwa zvipikirwa, vakadzivira miromo yeshumba.

34Vakadzima simba romoto, vakatiza minondo inopinza, vakasimbiswa pavutera, vakava nesimba pakurwa, vakadzinga hondo dzamamwe marudzi.

35Vakadzi vakapiwa zve vakafa vavo, vamutswa; vamwe vakapurwa, vakasagamuchira kusunungurwa, kuti vawane kumuka kwakapfuvura nokunaka;

36vamwe vakaidzwa, vachisekwa, vachirobwa zvikuru, vuye zve vachisungwa, vachiiswa mutorongo;

37vakatakwa nambwe, vakatemwa-temwa nejeko, vakaidzwa, vakavurawa nomunondo; vakafamba vakafuka matebwe amakwai, nenguvo dzembudzi; vasinechinhu, va chitambudzika, va chiitirwa zvakaipa;

38(nyika hainakufanirwa navo), vachidzungaira mumarenje, nomumakomo, nomumapako, nomumakomba enyika.

39Ava vose vakanga vapupurirwa nokutenda kwavo, asi havana kupiwa zvipikirwa,

40nokuti Mwari wakanga atigadzirira chimwe chinhu chinopfuvura nokunaka, kuti ivo varege kukwaniswa kunze kwedu.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.