VaHebheru 9
Hebrews 9 · 28 verses
1Zvino, neyiyi sungano yokutanga yakanga inemirairo yokushumira Mwari nayo, neimba tsvene yenyika.
2Nokuti tabhernakeri, yaiva yokutanga, yakagadzirwa, makanga munechigadziko chemwenje, netafura, nezvingwa zvokuratidza; ndipo panonzi Patsvene.
3Zvino mberi kwechidzitiro chechipiri pakanga panetabhernakeri yainzi Patsvene-tsvene;
4pakanga panendiro yendarama yezvinonhuwira, neareka yesungano, yakanga yakanamwa nhivi dzose nendarama, imomo makanga munehari yendarama, yakanga inemana, netsimbo yaAroni, yakadeya kutunga, namahwendefa esungano;
5pamusoro payo pakanga panamakerubhi okubwinya, akadzikatira chifunhiro chengoni; hatigoni kurondedzera izvozvo tichiita chimwe-chimwe zvino.
6Zvinhu izvi zvakati zvagadzirwa saizvozvo, vaparista vaipinda mutabernakeri yokutanga nguva dzose, vachibata mabasa okushumira Mwari;
7asi muneyechipiri muPirisita mukuru waipinda ari oga, kamwe chete negore, asingapindi asineropa, raaizvibayirira iye nezvivi zvavanhu;
8Mweya Mutsvene achiratidza chinhu ichi, kuti nzira inoenda kuNzvimbo Tsvene yakanga isati yataridzwa, tabernakeri yokutanga ichimire;
9wakanga uri mufananidzo wenguva inoyavanobayira nayo zvipo nezvibayiro, zvisingagoni kukwanisa pahana yake iye unoshumira;
10nokuti yaingova mirairo yenyama, yezvokudya, nezvokunwa, nokushamba kuzhinji, yavakatemerwa kusvikira panguva yokuvandudzwa.
11Asi Kristu wakati asvika ari muPirisita mukuru wezvinhu zvakanaka zvinozovuya, akapinda napatabhernakeri yakapfuvura pakukura napakukwana, isina kuitwa namavoko, ndiko kuti isati iri yokusikwa kuno,
12haana kupinda neropa rembudzi kana remhuru, asi neropa rake chairo, kamwe , zvikapera, panzvimbo tsvene, akatiwanira rudzikinuro rusingaperi.
13Nokuti kana ropa rembudzi nerenzombe namadota etsiru, kana zvichisaswa pamusoro pavakasvibiswa, zvichivaita vatsvene, kuti vanatswe panyama,
14zvikuru sei ropa raKrsitu, iye wakazviita noMweya usingaperi chibayiro kunaMwari, chisina chachingapomerwa, richanatsa hana dzedu pamabasa akafa, kuti tishumire Mwari mupenyu.
15Nemhaka iyo, iye ndiMurevereri wesungano itsva, kuti, rufu zvarwakasvika kuzodzikinura avo vakadarika pasungano yokutanga, vakadanwa vagopiwa chipikirwa chenhaka isingaperi.
16Nokuti apo pane testamente, panofanira kuvapo vo rufu rwaiye wakaiita.
17Nokuti testamente inesimba kana vanhu vafa; nokuti haitongovi nesimba kana wakaiita achiri mupenyu.
18Naizvozvo nesungano yokutanga haina kuvambwa pasine ropa.
19Nokuti zvirevo zvose zvakati zvataurwa kuvanhu vose naMosesi sezvakareva murairo, iye akatora ropa remhuru nerembudzi, pamwe chete nemvura namakushe matsuku, nehisopi, akasasa bhuku imene navanhu vose,
20achiti: Iri iropa resungano, yamakarairwa naMwari.
21Vuye zve, wakasasa saizvozvo neropa tabhernakeri nemidziyo yose yokushumira nayo.
22Zvirokwazvo tingati pamurairo zvinhu zvinenge zvose zvinonatswa neropa; vuye kana kusineropa rinotevurwa, hakunekanganwiro.
23Naizvozvo mifananidzo yezviri kudenga yaifanira kuti inatswe nezvibayiro izvi; asi zvinhu zvokudenga zvimene kuti zvinatswe nezvibayiro zvinopfuvura izvi nokunaka.
24Nokuti Kristu haana kupinda panzvimbo tsvene yakaitwa namavoko, inofananidza iyo iri chaiyo, asi wakapinda kudenga kumene, kuti zvino azviise pamberi paMwari nokuda kwedu;
25vuye haana kupinda kuti azviite chibayiro kazhinji, somuPirisita mukuru unopinda panzvimbo tsvene gore rimwe nerimwe, akabata ropa rezvimwe zvinhu;
26nokuti dai zvakanga zvakadaro, ungadai aitambura kazhinji kubva pakuvambwa kwenyika; asi zvino wakavonekwa kamwe chete pakupedzisira kwenguva, kuti aparadze zvivi, nokuzviita chibairo kwake.
27Vuye vanhu zvavakatemerwa kuti vafe kamwe chete, kutongeswa kugotevera,
28saizvozvo Kristu, wakaitwa chibayiro kamwe chete, kuti atakure zvivi zvavanhu vazhinji, uchazovonekwa rwechipiri, asingatakuri zvivi, naivo vanomutarira kuti avaponese.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.