VaHebheru 12
Hebrews 12 · 29 verses
1Naizvozvo, nesu vo, zvatakakomberedzwa negore rezvapupu rakakura rikadai, ngatibvisei zvose zvinoremedza nezvivi zvinongotinamatira, ngatimhanye nokutsungirira nhangemutange yatakaisirwa, mberi kwedu
2tichitarira kunaJesu, muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu, iye wakatsunga pamuchinjikwa nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake, akashovora kunyadziswa kwawo, akandogara kurudyi rwechigaro chovushe chaMwari.
3Nokuti cherekedzai uyo wakatsunga pakukakavara kwakadai kwavatadzi, kuti imi murege kuneta nokupera simba pamweya yenyu.
4Muchigere kudzivirira kusvikira ropa richibuda pakurwa kwenyu nezvivi.
5Vuye makakanganwa kwazvo kuraira kunotaura kwamuri sokuvanakomana, kuchiti: Mwanakomana wangu, usazvidza Kuranga kwaShe, Usapera moyo kana uchirairwa naye;
6Nokuti waanoda Ishe unomuranga, Unorova zvikuru mwanakomana mumwe nomumwe waanogamuchira.
7Tsungai henyu moyo kuti murangwe; Mwari unobata nemi savanakomana; nokuti mwanakomana ndoupi usingarangwi nababa?
8Asi kana musingarangwi sezvinoitirwa vose, muri vana vovupombwe, hamuzi vanakomana chaivo.
9Vuye zve isu taiva namadzibaba edu enyama, vaitiranga, tikavakudza; ko hatingazviisi zvikuru pasi paBaba vemweya, kuti tirarame here?
10Nokuti ivo, zvirokwazvo, vakatiranga mazuva mashoma, sezvavaifunga: asi iye unotiranga kuti tibatsirwe, tigogoverwa vutsvene bwake.
11Zvino kuranga kwose, kana kuchaitwa, kwakaita sokusingafadzi, asi mariro, asi pashure kunoberekera ivo, vakadzidziswa nako, zvibereko zvorugare, ndizvo zvibereko zvokururama.
12Saka simbisai zve mavoko akarembera pasi, namabvi anoshaiwa simba;
13gadzirirai tsoka dzenyu nzira dzakarurama, kuti icho chinokamhina chirege kushodoka, asi chiporeswe.
14Tsvakai rugare navanhu vose novutsvene, nokuti kunze kwabwo hakunomunhu uchavona Ishe;
15Muchichenjerera kuti kurege kuva nomunhu unokonewa panyasha dzaMwari; kuti mudzi wokuvava urege kumuka, ukutambudzei, vazhinji vagosvibiswa nawo;
16kurege kuvapo nemhombwe, kana nousinehanya naMwari, saEsau wakatengesa vudangwe bwake nokudya kamwe chete.
17Nokuti munoziva kuti achizoda hake pashure kugara nhaka yokuropafadzwa, wakarambwa; nokuti haana kuwana nzvimbo yokutendevuka, kunyange akaitsvaka zvikuru nemisodzi. Sungano itsva inofananidzwa nesungano yekare
18Nokuti hamuna kuswedera kugomo ringabatwa namavoko, rinopfuta, vuye kurima, nokusviba, nokudutu guru,
19nokurira kwehwamanda, nokunzwi ramashoko;ivo vakarinzwa vakakumbira kuti shoko rimwe rirege kuzovataurirwa;
20nokuti vakakoniwa kutevera chakanga charairwa, chokuti: Kunyange nemhuka kana ikabata gomo, ichatakwa namabwe;kana kufugwa nomuseve.
21icho chakavonekwa chakatyisa kudai, kuti naMosesi wakati: Ndinotya kwazvo, ndinodedera;
22asi imi makaswedera kugomo reZiyoni, nokuguta raMwari mupenyu, Jerusarema riri kudenga, nokumazana namazana avatumwa vasingaverengwi,
23nokuvungano huru, nokukereke yamatangwe akanyorwa kudenga, nokunaMwari, mutongi wavose, nokumweya yavakarurama vakakwaniswa,
24nokunaJesu, Murevereri wesungno itsva, nokuropa rakasaswa, rinotaura zvakanaka kupfuvura ropa raAbheri.
25Chenjerai kuti murege kuramba unotaura; nokuti kana avo vakamuramba nguva yaakavaraira panyika, vasina kupukunyuka, zvikuru isu kana tikafuratira iye wokudenga;
26inzwi rake rakazungusa nyika nenguva iyo; asi zvino wakapikira, achiti: Ndichabvundisa zve kamwe chete,isati iri nyika bedzi, asi nedenga vo.
27Zvino shoko iri rokuti, kamwe chete, rinoratidza kubviswa kwezvinozununguka, sezvinhu zvakaitwa, kuti izvo zvisingazununguki zvigare.
28Saka, zvatinopiwa vushe bwusingazununguki, ngative nokuvonga kuti tishumire Mwari nako, tichimufadza nokukudza nokutya.
29Nokuti Mwari wedu moto unoparadza.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.