VaHebheru 3
Hebrews 3 · 19 verses
1Naizvozvo, hama tsvene, vagoverani neni pakudanwa kunobva kudenga, fungai zvakanaka Muapostora noMuPirisita mukuru wokupupura kwedu, iye Jesu Kristu,
2wakanga akatendeka kunaiye wakamugadza, saMosesi vo muimba yake yose.
3Nokuti uyu wakanzi wakafanira kukudzwa kupfuvura Mosesi, muvaki weimba sezvaanokudzwa kupfuvura imba;
4nokuti imba imwe neimwe inovakwa nomunhu, asi iye, wakavaka zvose, ndiye Mwari.
5Zvino Mosesi wakanga akatendeka muimba yake yose somuranda, kuti ave chapupu chezvinhu zvinofanira kuzotaurwa,
6asi Kristu soMwanakomana, wakaiswa pamusoro peimba yake; iye, tiri imba yake isu, kana tikabatisisa kusvika pakuguma kusatya kwedu netariro yatinozvirumbidza pamusoro payo.
7Naizvozvo, sezvinotaura Mweya Mutsvene, achiti: Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake,
8Musawomese moyo yenyu, sapanguva yokutsamwiswa, nezuva rokuidzwa murenje
9Pandakaidzwa namadzibaba enyu, vachindinetsa, Vakavona mabasa angu makore Anamakumi mana.
10Naizvozvo ndakanzwa shungu pamusoro porudzi urwu, Ndikati: Vanogara vachitsauka Pamoyo yavo; Asi havana kuziva nzira dzangu;
11Naizvozvo ndakapika pakutsamwa kwangu, ndikati: Havangapindi pazororo rangu. Vanotenda voga ndivo vanopinda pazororo.
12Hama dzangu, chenjerai kuti mukati momumwe wenyu murege kuva nomoyo wakashata usingatendi, mutsauke muchibva kunaMwari mupenyu,
13asi simbisanai zuva rimwe nerimwe, kana kuchinzi Nhasi; kuti kurege kuva nomumwe wenyu unowomeswa nokunyengera kwezvivi.
14Nokuti tava vagoverani pamwe chete naKristu, kana tichibatisisa kuvamba kwokutenda kwedu kusvikira pakuguma;
15zvichinzi: Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake, Musawomesa moyo yenyu, sapanguva yokutsamwisa.
16Nokuti ndivanani vakanzwa, vakamutsamwisa? Havazi ivo vose vakabva Ijipiti naMosesi here?
17Wakanzwa shungu makore anamakumi mana pamusoro pavanani? Havazi ivo vakatadza, mitumbu yavo ikawira murenje here?
18Wakapika pamusoro pavanani kuti havangapindi pazororo rake? Havazi ivo vasina kutenda here?
19Zvino tinovona kuti vakanga vasingagoni kupinda nokusatenda kwavo.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.