Bhaibheri

VaHebheru 4

Hebrews 4 · 16 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Naizvozvo, chipikirwa chokupinda muzororo rake zvachichipo, tinofanira kutya kuti zvimwe kurege kuva nomumwe wenyu uchawanikwa asingafaniri kupindamo.

2Nokuti nesu vo takaparidzirwa Evhangeri, saivo; asi shoko ravakanzwa, harina kuvabatsira, nokuti harina kuvhenganiswa nokutenda kwaivo vakanzwa.

3Nokuti isu vakatenda, tinopinda pazororo irero, sezvaakareva, achiti: Naizvozvo ndakapika pakutsamwa kwangu, ndikati: Havangapindi muzororo rangu; kunyange mabasa ake akanga akwaniswa kubva pakuvambwa kwenyika.

4Nokuti paneimwe nzvimbo wakataura pamusoro pezuva rechinomwe, achiti: Mwari wakazorora nezuva rechinomwe pamabasa ake ose;

5napano zve: Havangapindi muzororo rangu.

6Naizvozvo, shoko zvarichipo kuti vamwe vachapinda pariri, vuye kuti avo vakaparidzirwa Evhangeri kare havana kupinda nokusaterera kwavo,

7unotara zve rimwe zuva, achiti muna Dhavhidhi, Nhasi nguva huru yakadai yapfuvura, sezvakwakambotaurwa kare, zvichinzi, Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake, musawomesa moyo yenyu.

8Nokuti dai Joshua akanga avapa zororo, haazaizoreva rimwe zuva pashure.

9Zvino zororo resabata ravanhu vaMwari richipo.

10Nokuti uyo wakapinda muzororo rake, wakazorora iye amene pamabasa ake, saMwari panaake.

11Naizvozvo ngatishingaire kuti tipinde muzororo irero, kuti munhu arege kuvapo unozowa achitevera nzira iyo yokusaterera.

12Nokuti shoko raMwari ibenyu, rinesimba, rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, rinobaya kusvikira panoparadzana moyo nomweya, namafundo nomongo; rinotonga mifungo nendangariro dzomoyo.

13Hakune chisikwa chisingavonekwi naye, asi zvinhu zvose zvakafukurwa nokuzarurwa pameso aiye watinofanira kuzvidavirira kwaari.

14Naizvozvo, zvatinomuPirisita mukuru kwazvo, wakapinda napakati pokudenga, iye Jesu, Mwanakomana waMwari, ngatibatisise kupupura kwedu.

15Nokuti hatinomuPirisita mukuru usingagoni kutinzwira tsitsi pavutera bwedu, asi wakaidzwa pazvinhu zvose sesu, asinezvivi.

16Naizvozvo, ngatiswederei tisingatyi kuchigaro chovushe chenyasha, kuti tinzwirwe ngoni, tiwane nyasha, tibatsirwe nenguva yakafanira.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.