VaHebheru 5
Hebrews 5 · 14 verses
1Nokuti muPirisita mukuru mumwe nomumwe, wakatorwa kuvanhu, unogadzwa nokuda kwavanhu pazvinhu zvaMwari, kuti abayire zvipo nezvibayiro pamusoro pezvivi;
2iye unogona kunzwira tsitsi avo vasingazivi navakatsauka, nokuti naiye vo amene wakakomberedzwa novutera.
3Nemhaka iyo iye amene unofanira kuzvibayira pamusoro pezvivi zvake, sezvaanobayira zvavanhu.
4Hakuna munhu ungazvitorera basa iri rinokudzwa, asi kana achidanwa naMwari saiye Aroni.
5Saizvozvo vo Kristu haana kuzvikudza iye, achiitwa muPirisita mukuru, asi wakakudzwa naiye, wakati kwaari; Ndiwe Mwanakomana wangu, Nhasi ndakubereka;
6Sezvaanorevavo paneimwe nzvimbo, achiti: Ndiwe MuPirisita nokusingaperi wegwara reimba yaMerkizedheki.
7Iye, pamazuva enyama yake, wakavuya kunaiye wakanga achigona kumurwira parufu, neminyengetero nemikumbiro, achichema nokuchema kukuru nemisodzi, akanzwika nokuda kwokutya kwake Mwari;
8kunyange aiva Mwanakomana, wakadzidza kuterera nezvaakatambudzika;
9akati akwaniswa, akazova muvambi wokuponeswa kusingaperi kunavose vanomuterera;
10akanzi naMwari MuPirisita mukuru wegwara reimba yaMekizedheki.
11Tinamashoko mazhinji atingataura pamusoro pake, anorema kududzira, zvamava vanhu vasichagoni kunzwisisa kwazvo.
12Nokuti, kunyange maifanira kuva vadzidzisi zvino, kana tichitarira nguva, mofanirazve kuti muve nomumwe unokudzidzisai zvidzidzo zvokutanga zvokuvamba kwezvirevo zvaMwari; mava vanhu vanofanira kupiwazve mukaka, vasingapiwi zvokudya zvikukutu.
13Nokuti mumwe nomumwe unodya mukaka haanzwisisi shoko rokururama, nokuti mucheche hake.
14Asi zvokudya zvikukutu ndezvavakuru, vanokuziva kwakadzidziswa, nenzira yokurovedzwa, kuzivisisa zvakanaka nezvakaipa.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.