VaHebheru 6
Hebrews 6 · 20 verses
1Naizvozvo ngatisiye shoko rokutanga kwaKristu, tipfuvurire mberi pakukwaniswa, tisingaisi zve nheyo dzokutendevuka pamabasa akafa, nedzokutenda kunaMwari,
2nedzedzidziso dzebhabhatidzo, nedzokuisa mavoko, nedzokumuka kwavakafa, nedzokutongwa kusingaperi.
3Ndizvo zvatichaita, kana Mwari achitendera.
4Nokuti kana vari ivo, vakambovhenekerwa, vakaravira chipo chokudenga, vakagoverwa Mweya Mutsvene,
5vakaravira shoko rakanaka raMwari, namasimba enyika inovuya,
6kana vakazotsauka, hazvibviri kuvavandudza zve kuti vatendevuke, nokuti vanozvirovererazve Mwanakomana waMwari pamuchinjikwa, vachimunyadzisa pachena.
7Nokuti nyika iyo, inoti kana yanwa mvura inosinaya pamsoro payo kazhinji, ikabereka mirivo yakafaniravo avo vanoirima, ndiyo inoropafadzwa naMwari;
8asi kana ikabereka minzwa norukato, inorashwa, yobva yotukwa; kuguma kwayo ndiko kupiswa.
9Asi vadikanwa, kunyange tichitaura kudai, tinoziva kwazvo pamusoro penyu zvinhu zvinopfuvura nokunaka, zvinoisa kukuponeswa.
10Nokuti Mwari haazati ari usakarurama, ungakanganwa basa renyu rorudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake, zvamakashumira vatsvene, muchivashumira nazvino.
11Zvino tinoda kuti mumwe nomumwe wenyu ashingaire saizvozvo, kuti muve netariro yakakwana kusvikira pakuguma.
12Kuti murege kuva novusimbe, asi muve vateveri vaivo vanodya nhaka yezvipikirwa nenzira yokutenda nokutsungirira.
13Nokuti Mwari pakupikira Abhurahamu, wakapika naiye amene, nokuti wakanga asinomukuru kwaari waangapika naye,
14akati: Zvirokwazvo nokuropafadza ndichakuropafadza, nokuwanza ndichakuwanza.
15Nokudaro, wakati atsungirira, akawana chipikirwa.
16Nokuti vanhu vanopika nomukuru kwavari; nemhiko inosimbisa ndiyo inogumisa gakava rose pakati pavo.
17Saizvozvo Mwari wakati achida zvikuru kuratidza vadyi venhaka yechipikirwa, kuti chirevo chake hachishandurwi, wakapinda pakati nokupika;
18kuti nezvinhu zviviri zvisingashandurwi, (nokuti pazviri Mwari haagoni kureva nhema), tive nesimbiso yakabata, iyesu, takatizira kutariro yakaiswa pamberi pedu, kuti tibate;
19yatinayo sechibatiso choMweya, tariro isingazununguswi, yakasimba, inopinda kunezviri mukati mechidzitiro chetembere;
20pakapinda mutungamiriri nokuda kwedu, iye Jesu wakaitwa muPirisita mukuru nokusingaperi,wegwara reimba yaMekizedheki.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.