VaHebheru 7
Hebrews 7 · 28 verses
1Nokuti Mekizedheki uyo, mambo weSaremi, muPirisita waMwari Wokumusoro-soro, wakasongana naAbhurahamu pakudzoka kwake andovuraya madzimambo, akamuropafadza;
2Abhurahamu akamupa vo chegumi chezvose; iye pakutanga ari mambo wokururama, kana zvichishandurwa, vuye zve, mambo weSaremi, ndokuti, mambo werugare;
3asinababa, asinamai, asinamadzisekuru, asina kutanga kwamazuva, kana kuguma kwovupenyu, asi wakafananidzwa noMwanakomana waMwari, unogara ari muPirisita nokusingaperi.
4Zvino fungai kukura kwomunhu uyu, wakapiwa nateteguru Abhurahamu chegumi chezvaakapamba.
5Zvino avo, vari vanakomana vaRevhi, vanopiwa basa rovuPirisita, vakarairwa nomurairo kuti vatore chegumi kuvanhu, iko kuhama dzavo, kunyange vakabva muchivuno chaAbhurahamu,
6asi uyu, asina kuravirwa rudzi rwake kwavari, wakapiwa zvegumi naAbhurahamu akamuropafadza iye wakanga anezvipikirwa.
7Zvino hatingarambi kuti muduku ndiye unoropafadzwa nounopfuvura nokunaka.
8Vuye pano, vanhu, vanofa, vanopiwa zvegumi; asi apo uyo unopiwa, unopupurirwa zvichinzi mupenyu.
9Zvino tingati naRevhi, unopiwa zvegumi, iye vo wakapa zvegumi munaAbhurahamu;
10nokuti wakanga achiri muchivuno chababa vake, pakusongana kwaMekizedheki naye.
11Naizvozvo, kana kukwaniswa kwaivapo nenzira yovuPirisita bwaRevhi (nokuti vanhu vakapiwa murairo nokuda kwabwo), ko mumwe muPirisita waifanira kuzomuka seiko unorudzi naMekizedheki, asinganzi unorudzi naAroni?
12Nokuti kana vuPirisita bwuchishandurwa, nomurairo unofanira kuti ushandurwe vo.
13Nokuti uyo unorebwa zvinhu izvi pamusoro pake, wakanga ari worumwe rudzi, rwakanga rusino munhu wakambobate-basa paaritari.
14Nokuti zvinovonekwa pachena, kuti Ishe wedu wakabva kunaJudha; pamusoro porudzi urwu Mosesi haana kureva zvavaPirisita.
15Izvi zvinoratidzwavo kwazvo, kana kuchimuka mumwe muPirisita wakafanana naMekizedheki,
16usina kuitwa muPirisita nomurairo wokuraira kwenyama, asi nesimba rovupenyu bwusingapedzwi.
17Nokuti iye unopupurirwa, zvichinzi: Iwe uri muPirisita nokusingaperi, Unorudzi naMekizedheki.
18Nokuti murau wokutanga unokoneswa nokuda kwovutera bwawo, vuye nokuti haunamaturo,
19(nokuti murairo hauna kukwanisa chinhu), zvino tariro, inopfuvura nokunaka, ikaiswapo, yatinoswedera nayo kuna Mwari.
20Vuye zve, zvaasina kuitwa muPirisita kusinemhiko;
21(nokuti ivo vakaitwa vaPirisita kusinemhiko, asi iye nokupika kwaiye, wakati kwaari: Ishe wakapika, haangazvidyi moyo Zve, achiti: Iwe uri muPirisita nokusingaperi wegwara reimba yaMekizedheki);
22Saizvozvo Jesu wakaitwa rubatso rwesungano inopfuvura nokunaka.
23Ivo vaiva vaPirisita vazhinji, nokuti vakadziviswa norufu kugara nokusingaperi,
24Asi iye zvaanogara nokusingaperi unovuPirisita bwusingapfuvudzwi.
25Naizvozvo unesimba rokuponesa kwazvo-kwazvo avo vanovuya kunaMwari naye, zvaanorarama nokusingaperi kuti avareverere.
26Nokuti muPirisita mukuru wakadai ndiye wataifanira kuva naye mutsvene, usinechakaipa, usina kusvibiswa, wakaparadzaniswa navatadzi, wakakwidzwa kumusoro kwedenga;
27usingafaniri, savaya vaPirisita vakuru, kubayira zuva rimwe nerimwe, pakutanga pamusoro pezvivi zvake, pashure pamusoro pezvivi zvavanhu; nokuti wakaita izvozvi kamwe chete, zvikapera, pakuzviita kwake chibayiro.
28Nokuti murairo unogadza vanhu vanovutera, kuti vave vaPirisita vakuru; asi shoko rokupika, rakatevera murairo, rinogadza Mwanakomana, wakakwaniswa nokusingaperi.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.