Bhaibheri

VaHebheru 8

Hebrews 8 · 13 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino, shoko guru panaizvozvo zvatataura, ndiro kuti: TinomuPirisita mukuru wakadai wakagara kurudyi rwechigaro chovushe chovumambo kudenga;

2iye mushumiri wezvinhu zvitsvene, nowetabhernakeri chaiyo, yakamiswa naShe, isina kumiswa nomunhu.

3Nokuti muPirisita mukuru mumwe nomumwe wakagadzwa, kuti abayire Mwari zvipo nezvibayiro; naizvozvo naiye waifanira kuti ave nechaangabayira vo;

4nokuti dai aiva panyika, ungadai asina kuva muPirisita, nokuti vaparista varipo, vanobayira Mwari zvipo sezvinorebwa nomurairo;

5ivo vanoshumira mufananidzo nomumvuri wezvokudenga, sezvaakarairwa iye Mosesi oda kuita tabhernakeri;nokuti wakati: Tarira, uite zvose nomufananidzo, wawakaratidzwa mugomo.

6Asi zvino wakapiwa basa rakanyanya kunaka, sezvaari Murevereri wesungano inopfuvura nokunaka, yakasimbiswa nezvipikirwa zvinopfuvura nokunaka.

7Nokuti dai iya yokutanga yakanga isina chaingapomerwa, yechipiri ingadai isina kutsvakirwa nzvimbo.

8Nokuti unovapa mhosva, achiti: Tarirai, mazuva anovuya, ndizvo zvinotaura Ishe Andichaita nawo sungano itsva neImba yaIsraeri, vuye neimba yaJudha.

9Isina kuita sesungano yandakaita Namadzibaba avo, Pazuva randakabata ruvoko rwavo, kuti ndivabudise munyika yeIjipiti;Nokuti havana kurambira musungano yangu, Neni ndikasava nehanya navo, ndizvo zvinotaura Ishe;

10Nokuti ndiyo sungano yandichaita neimba yaIsraeri Kana mazuva iwayo apfuvura, ndizvo zvinotaura Ishe; Ndichaisa mirairo yangu pakufunga kwavo,Ivo vachava vanhu vangu;

11Mumwe nomumwe haangazodzidzisi wokwake, Kana mumwe nomumwe hama yake, achiti: Ziva Ishe; Nokuti vose vachandiziva, Kubva kumuduku kusvikira kumukuru pakati pavo.

12Nokuti ndichava nengoni nokusarurama kwavo, Nezvivi zvavo nokuipa kwavo handichazozvirangariri.

13Zvaanoti: Sungano itsva, yakasakadza yokutanga; zvino chinhu chosakara, chova chakare, choda kurova.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.