Bhaibheri

VaKorose 2

Colossians 2 · 23 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Nokuti ndinoda kuti muzive kurwa kukuru kwandinako pamusoro penyu, navari paRaodikia, navose vasina kumbovona chiso changu panyama;

2kuti moyo yavo isimbiswe, vasunganidzwe murudo, vave nefuma yose yokunzwisisa kwakakwana, kuti vazive kwazvo chakavanzika chaMwari, iye Kristu;

3maari fuma yose yovuchenjeri nokuziva yakachengetwa.

4Ndinoreva izvi, kuti kurege kuva nomunhu unokurashai namashoko anonyengera.

5Nokuti kunyange ndisipo panyama, ndiripo nemi pamweya, ndinofara ndichivona kunzwana kwenyu, nokusimba kwokutenda kwenyu munaKristu.

6Naizvozvo sezvamakagamuchira Kristu Jesu, Ishe, fambai maari,

7munemidzi yenyu nokuvakwa kwenyu maari, makasimbiswa pakutenda, sezvamakadzidziswa, muchinyanya kuvonga.

8Chenjerai, kuti murege kutapwa nomunhu novuchenjeri, nokunyengera kusinamaturo, achitevera tsika dzavanhu nezvokuvamba zvenyika, asingateveri Kristu.

9Nokuti kuzara kwovuMwari kunogara maari pamuviri.

10Maari nemi vo makazadzwa, iye musoro wa vabati vose namasimba;

11iye wamakadzingiswa vo maari nokudzingiswa kusingaitwi namavoko, muviri wenyama uchibviswa, nokudzingiswa kuri kwaKristu;;

12maakavigwa pamwe chete naye pakubhabhatidzwa, pamakamutswa vo pamwe chete naye nokutenda kwenyu simba raMwari wakamumutsa kuvakafa.

13Nemi, imi makanga makafa pakudarika kwenyu napakusa dzingiswa kwenyama yenyu, wakakupai vupenyu pamwe chete naye, akatikanganwira kudarika kwedu kwose,

14akadzima rugwaro rwakanga ruchirwa nesu pazvirevo zvarwo, ruchipesana nesu; akarubvisa irwo pakati pedu, akarurovera pamuchinjikwa;

15akaparadza vabati namasimba, akavabudisa pachena, akavakunda mauri.

16Naizvozvo munhu ngaarege kuvapo unokutongai pazvokudya, kana zvokunwa, kana nokuda kwomusi womutambo, kana pakugara kwomwedzi, kana pasabata;

17izvi mumvuri wezvichavuya; asi muviri ndowaKristu.

18Munhu ngaarege kuvapo unokutorerai mubairo wenyu namavune, nokuzvininipisa nokunamata vatumwa, achivimba nezvaakavona, achizvikudza pasina nokufunga kwenyama,

19asingabatisisi Musoro, uyo, maari muviri wose unosanganiswa nokusunganidzwa nezvisungo namarunda, ndokukura nokukurisa kwaMwari.

20Zvino kana makafa pamwe chete naKristu kunezvokuvamba zvenyika, munozviisireiko pasi pemirairo, somugere munyika,

21mirairo inoti: Usabata, usaravira, usagunzva,

22(izvi zvose zvinofanira kuparadzwa kana zvobatwa nazvo); muchitevera mirairo nedzidziso dzavanhu?

23Zvinhu zvakadai zvakaita sezvinovuchenjeri, pakunamata Mwari nokuda kwavo, nokuzvininipisa, nokutambudza muviri; asi hazvinesimba rokukunda kuchiva kwenyama.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.