VaKorose 3
Colossians 3 · 25 verses
1Naizvozvo, kana makamutswa pamwe chete naKristu, tsvakai zviri kumusoro, uko kunaKristu, ugere kurudyi rwaMwari.
2Fungai zviri kumusoro, musafunga zviri pasi.
3Nokuti makafa, vupenyu bwenyu bwakavigwa pamwe chete naKristu munaMwari.
4Kana Kristu, iye vupenyu bwedu, achivonekwa, nemi vo muchavonekwa pamwe chete naye pakubwinya.
5Naizvozvo vurayai mitezo yenyu iri panyika, inoti: Vupombwe, netsvina, nokushumba, nokuda zvakaipa, nokuchiva, ndiko kunamata zvifananidzo.
6Nokuda kwaizvozvi kutsamwa kwaMwari kunovuya pamusoro pavana vokusaterera;
7nemi vo maifamba mazviri kare, maigara muzvinhu izvi.
8Asi zvino, imi vo, bvisai izvi zvose, zvinoti: Hasha, nokutsamwa, nokuvenga, nokutuka, nokutaura zvinonyadzisa nomuromo wenyu.
9Regai kureverana nhema, zvamakabvisa munhu wekare, namabasa ake,
10mukafuka munhu mutsva, unovandudzwa pakuziva, afanane nowakamusika;
11apo hapana muGiriki nemuJudha, kudzingiswa kana kusadzingiswa, mutorwa kana muSitia, musungwa kana wakasununguka;asi Kristu ndiye zvose, vuye uri munavose.
12Naizvozvo, savasanangurwa vaMwari, vatsvene navanodikanwa, fukai moyo unetsitsi, nomoyo munyoro, nokusazvikudza, novunyoro, nomoyo murefu;
13muitirane moyo murefu, muchikanganwirana, kana munhu anemhosva nomumwe; Kristu sezvaakakukanganwirai, muite saizvozvo nemi vo.
14Zvino pamusoro pezvinhu izvi zvose fukai rudo, ndicho chisungo chinokwanisa.
15Norugare rwaMwari ngaruteme zvirevo mumoyo yenyu, ndirwo rwamakadanirwa vo mumuviri mumwe; ivai nokuvonga.
16Shoko raKristu ngarigare mukati menyu riwande; nokuchenjera kwose mudzidzisane, nokurairana namapisarema, nenziyo, nezviimbo zvomweya, muimbire Mwari nenyasha mumoyo menyu;
17vuye zvose zvamunoita, kana zviri zveshoko kana basa, itai zvose nezita raShe Jesu, muchivonga Mwari Baba naye.
18Vakadzi muzviise pasi pavarume venyu, sezvazvakafanira munaShe.
19Varume, idai vakadzi venyu, regai kuva nehasha navo.
20Vana, tererai vabereki venyu pazvinhu zvose, nokuti ndizvo zvakanaka munaShe.
21Madzibaba, regai kunetsa vana venyu, kuti varege kuvora moyo.
22Varanda, tererai pazvinhu zvose vatenzi venyu panyama; regai kubata pamberi pameso avo, savafadzi vavanhu, asi nomoyo wakarurama muchitya Mwari.
23Zvose zvamunoita, muzviitei nomoyo wose, sokunaShe, musingaitiri vanhu;
24muchiziva kuti muchapiwa naShe mubairo wenhaka; nokuti munobatira Ishe Kristu.
25Nokuti unoita zvisakarurama, uchapiwa zvisakarurama zvaakaita; hazvizi zvinovonekwa zvomunhu zvinotendwa.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.