Bhaibheri

VaRoma 10

Romans 10 · 21 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Hama dzangu, kuda kwomoyo wangu nokukumbira kwangu kunaMwari pamusoro paIsraeri ndiko, kuti vaponeswe.

2Nokuti ndinovapupurira kuti vanoshingairira Mwari, asi havaiti nokuziva.

3Nokuti, zvavakanga vasingazivi kururama kwaMwari, vakatsvaka kumisa kururama kwavo vamene, vakasazviisa pasi pokururama kwaMwari.

4Nokuti Kristu ndimugumo womurairo pakutsvaka kururama, kuno mumwe nomumwe unotenda.

5Nokuti Mosesi unonyora, achiti, munhu, unoita kururama, kunorebwa nomurairo, uchararama nazvo.

6Asi kururama kunobva pakutenda, kunoreva kudai: Usati mumoyo mako: Ndianiko uchakwira kudenga? (ndiko kuburusa Kristu;)

7kana, ndianiko uchaburukira kwakadzikadzika? (ndiko kubudisa Kristu kuvakafa.)

8Asi kunoreveiko? Shoko riri pedo newe, mumuromo mako, nomumoyo mako; ndiro shoko rokutenda ratinoparidza;

9kuti, kana uchipupura nomuromo wako kuti Jesu ndiye Ishe, nokutenda mumoyo mako, kuti Mwari wakamumutsa kuvakafa, uchaponeswa;

10nokuti munhu unotenda nomoyo, ndokururamiswa; unopupura nomuromo, ndokuponeswa.

11Nokuti Rugwaro runoti: Aninani unotenda kwaari, haanganyadziswi,

12Nokuti muJudha nomuGiriki havasiyani; nokuti mumwe ndiye Ishe wavose, wakafuma kunavose vanodana kwaari;

13nokuti aninani unodana kuzita raShe, uchaponeswa.

14Zvino vachagodana seiko kunaiye, wavasina kutenda kwaari? Vachatenda seiko kunaiye, wavasina kunzwa? Vachanzwa seiko kana kusinomuparidzi?

15Vachaparidza seiko, kana vasingatumwi? Sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Dzakanaka sei tsoka dzavanoparidza Evhangeri yorugare, namashoko omufaro ezvinhu zvakanaka?

16Asi vose havana kuterera mashoko omufaro. Nokuti Isaya unoti: Ishe, ndianiko wakatenda zvatakaparidza?

17Naizvozvo kutenda kunovuya nokunzwa, nokunzwa kunovuya neshoko raMwari.

18Asi ndinoti: Havana kunzwa here? Hongu, zvirokwazvo, Inzwi ravo rakabuda kunyika yose, Namashoko avo kumigumo yenyika.

19Asi ndinoti: VaIsraeri havanakuziva here? Pakutanga Mosesi unoti: Ndichamutsa kutsamwa kwenyu norudzi rusinganzwisisi.

20NaIsaya, asingatyi, unoti: Ndakavonekwa navasina kundibvunza.

21Asi kuvaIsraeri unoti: Ndakatambunudzira mavoko angu zuva rose kuvanhu vasingatereri, navanokakavara.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.