VaRoma 11
Romans 11 · 36 verses
1Zvino ndinoti: Ko Mwari wakarasha vanhu vake here? Haiswa! Nokuti neni vo ndiri muIsraeri, worudzi rwaAbhurahamu, weimba yaBenjanimi.
2Mwari haana kurasha vanhu vake vaakaziva pakutanga. Ko hamuzivi kuti Rugwaro runoti kudini pamashoko aEria here? Kuti unokumbira kunaMwari pamusoro pavaIsraeri, achiti:
3Ishe, vakavuraya vaporofita venyu, vakaputsa aritari dzenyu, ini ndakasiyiwa ndoga, zvino vanotsvaka kundivuraya.
4Asi Mwari unomupindureiko? Unoti: Ndakazvisiyira varume vanezvuru zvinomwe, vasina kufugamira Baari.
5Zvino saizvozvo nenguva inovo vari’ko vakasara, vakasanangurwa nenyasha.
6Zvino kana kusanangura kuri kwenyasha, hakuzati kuchiri kwamabasa; kana zvisakadaro, nyasha hadzichiri nyasha. Asi kana kuri kwamabasa hakuzati kuchiri kwenyasha. Kana zvisakadaro basa harizati richibasa.
7Zvino tichatiyiko? VaIsraeri havana kuwana zvavakanga vachitsvaka, asi vakasanangurwa ndivo vakazviwana; vamwe vakawomeswa,
8sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Mwari wakavapa mweya wehope; meso, kuti varege kuvona, nenzeve, kuti varege kunzwa, kusvikira zuva ranhasi.
9NaDhavhidhi vo unoti: Tafura yavo ngaiitwe musungo, neriva,
10Meso avo ngaasvibirwe, varege kuvona; Mukotamise musana yavo misi yose.
11Zvino ndinoti: Vakagumbuswa kuti vawe here? Haisva! Asi nokuwa kwavo ruponeso rwakasvika kuvahedheni, kuti vamutsirwe godo.
12Zvino kana kuwa kwavo kwakafumisa nyika, nokutapudzwa kwavo kwakafumisa vahedheni, zvikuru sei kuzara kwavo?
13Ndinotaura kwamuri, imi vahedheni. Zvandiri muapostora wavahedheni, ndinokudza basa rangu.
14Zvimwe ndingamutsa godo kunavenyama yangu, ndiponese vamwe vavo.
15Nokuti kana kurashwa kwavo kuri kuyananiswa kwenyika, kugamuchirwa kwavo kuchagoveiko, asi vupenyu pakufa?
16Zvino kana chibereko chokutanga chiri chitsvene, bundu rose rakadaro vo; kana mudzi uri mutsvene, matavi akadaro vo;
17Zvino, kana mamwe matavi akavhuniwa, iwe, muorivhi wokudondo ukabatanidzwa pakati pawo, ukava nomugove pamwe chete nawo pamudzi napamafuta omuorivhi;
18usazvikudza kumatavi; kana uchizvikudza, hauzi iwe unotakura mudzi, asi mudzi ndiwo unokutakura iwe.
19Zvino iwe uchati, matavi akavhuniwa, kuti ini ndibatanidzwe.
20Ndizvozvo; vakavhuniwa nokusatenda kwavo, iwe unomira nokutenda kwako. Usazvikudza, asi utye;
21nokuti kana Mwari asina kurega matavi awo, haangakuregi newe vo.
22Zvino tarira vunyoro nokukasharara kunavakawa, asi kwauri vunyoro bwaMwari, kana uchigara pavunyoro bwake;kana zvisakadaro, newe uchatemwa vo.
23Naivo vo, kana vasingagari pakusatenda kwavo, vachabatanidzwa; nokuti Mwari unogona kuvabatanidza zve.
24Nokuti kana iwe wakatemwa kumuorivhi, uri wokudondo pakusikwa kwawo, ukabatanidzwa pamuorivhi wakanaka, zvichipesana nokusikwa kwazvo zvikuru sei ava vari matavi awo,vangabatanidzwa pamuorivhi wavo!
25Nokuti hama dzangu, handidi kuti musaziva chakavanzika ichi, kuti murege kuva namanyawi; kuti kuwomeswa kwomoyo kwakavuya pamusoro pavamwe vavaIsraeri kusvikira kuzara kwavahedheni kwapinda;
26naizvozvo rudzi rwose rwavaIsraeri ruchaponeswa; sezvazvakanyorwa zvichinzi: PaZiyoni pachabuda Musununguri; Uchabvisa kusada Mwari kunaJakobho;
27Iyi ndiyo sungano yangu navo, Musi wandichabvisa zvivi zvavo.
28Kana iri Evhangeri, ivo vavengi vaMwari nokuda kwenyu; asi kana kuri kusanangurwa, vadikanwa nokuda kwamadzibaba.
29Nokuti zvipo zvaMwari nokudana kwake hazvishandurwi.
30Nokuti semi kare makanga musingatereri Mwari, asi zvino makanzwirwa ngoni nokusaterera kwavo,
31saizvozvo naivo zvino havana kuterera, kuti nengoni dzakaitirwa imi naivo vanzwirwe vo ngoni.
32Nokuti Mwari wakavapfigira vose pakusaterera kwavo, kuti avanzwire ngoni vose.
33Haiwa kufuma kwokuchenjera nokuziva kwaMwari kwakadzika sei! Kutonga kwake hakunganzverwi, nenzira dzake hadzingarondwi!
34Nokuti ndianiko wakanga ari murairi wake?
35Ndianiko wakatanga kumupa, kuti aripirwe zve?
36Nokuti zvose zvinobva kwaari, zviripo naye, zviripo nokuda kwake. Ngaave nokubwinya nokusingaperi. Ameni.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.