VaRoma 9
Romans 9 · 33 verses
1Ndinotaura zvirokwazvo munaKristu, handirevi nhema, hana yangu ichindipupurira muMweya Mutsvene,
2kuti ndineshungu kwazvo nokuchema kusingaperi mumoyo mangu.
3Nokuti ndaida kuti ini ndimene ndive munhu wakatukwa, wakaparadzaniswa naKristu nokuda kwehama dzangu, ivo vorudzi rwangu panyama;
4ndivo vaIsraeri; kuitwa vana, nokubwinya, nesungano, nokupiwa murairo, nokunamata Mwari, nezvipikirwa, ndezvavo;
5madzibaba ndaavo, naKristu wakabva kwavari panyama, uri pamusoro pavose, Mwari unokudzwa nokusingaperi. Ameni.
6Asi handiti shoko raMwari rakakona. Nokuti vakabva kuvaIsraeri havazi vaIsraeri vose;
7navari vorudzi rwaAbhurahamu havazi vana vake vose; asi zvinonzi: KunaIsaka ndiko kuchatumidzwa rudzi rwako.
8Ndokuti havazi vana venyama vari vana vaMwari; asi vana vokupikirwa, ndivo vanonzi rudzi.
9Nokuti shoko rakapikirwa ndirori: Nenguva yakaita seino ndichavuya, Sara uchava nomwanakomana.
10Hazvizi izvozvo bedzi; asi Rebeka vo, wakati ava nemimba kunomumwe, iye Isaka, baba vedu
11nokuti vana vasati vaberekwa, vasati vaita zvakanaka kana zvakaipa, kuti kufunga kwaMwari pakusanangura kwake kusimbiswe, kusingabvi pamabasa, asi kunaiye unodana,
12zvakanzi kwaari: Mukuru uchashumira mudoko.
13Sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Jakobho ndakamuda, asi Esau ndakamuvenga.
14Zvino tichatiyiko? Kusarurama kuripo kunaMwari here? Haiswa!
15Nokuti unoti kunaMosesi: Ndichanzwira ngoni wandinonzwira ngoni, ndichanzwira tsitsi wandinonzwira tsitsi.
16Naizvozvo hazvibvi kunounoda, kana kunounomhanya, asi kunaMwari, munzwiri wengoni.
17Nokuti Rugwaro runoti kunaFarao: Ndizvo zvandakakumutsira, kuti zita rangu riparidzwe panyika yose.
18Naizvozvo unonzwira ngoni waanoda; vuye unowomesera moyo waanoda.
19Zvino iwe ungati kwandiri: Iye uchapireiko mhosva? Nokuti ndianiko unoramba kuda kwake?
20Ko zvino iwe munhu, ndiwe aniko, unopindura Mwari? Ko chakavumbwa chingati kunowakachivumba: Wandiitireiko kudai?
21Ko muvumbi wehari haanesimba pamusoro pevhu here, kuti nebundu rimwe aite mudziyo mumwe wakakudzwa, nomumwe usina kukudzwa?
22Zvino tichatiyiko kana Mwari, kana akanga achida kuratidza kutsamwa kwake, nokuzivisa simba rake, akaita nomoyo murefu zvikuru pamusoro pemidziyo yokutsamwirwa, yakagadzirirwa kuparadzwa,
23kuti azivise kufuma kwokubwinya kwake pamusoro pemidziyo yengoni, yaakanga agadzirira kubwinya,
24iyesu vakadanwa vo naye, tisingabvi kuvaJudha bedzi, asi kuvahedheni vo?
25Sezvaanoreva vo pabhuku yaHosea, achiti: Avo vakanga vasi vanhu vangu; Ndichavaidza vanhu vangu; Naiye wakanga asi mudikanwa, ndichamuidza mudikanwa.
26Zvichaitika kuti paya pakanga parebwa kwavari: Hamuzi vanhu vangu, Ipapo vachaidzwa vanakomana vaMwari mupenyu.
27NaIsaya unodana pamusoro pavaIsraeri achiti kunyange kuwanda kwavana vaIsraeri kwakaita sejecha regungwa, vakasara vachaponeswa;
28nokuti Ishe uchaita panyika shoko rake, nokuripedzisa, nokukurumidza nokururama.
29Sezvaakamboreva Isaya vo, achiti: Dai Ishe wehondo asina kutisiyira rudzi, Tingadai takava seSodhoma, takaitwa seGomora.
30Zvino tichatiyiko? Tichati, vahedheni vasina kutsvaka kururama, ndivo vakawana kururama, iko kururama kwokutenda;
31asi vaIsraeri vakati vachitsvaka murairo wokururama havana kusvika pamurairo wokururama.
32Neiko? Nokuti havana kutsvaka nokutenda, asi zvinenge namabasa omurairo. Vakagumburwa nebwe rinogumbusa.
33Sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Tarira, ndinoisa paZiyoni ibwe rokugumbusa, nedombo rokupinganidza; Unotenda kwaari, haanganyadziswi.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.