Bhaibheri

VaRoma 12

Romans 12 · 21 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Naizvozvo ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, netsitsi dzaMwari, kuti muise miviri yenyu, chive chibayiro chipenyu, chitsvene, chinofadza Mwari, ndiko kunamata kwenyu kwomoyo.

2Musaenzaniswa nenyika ino; asi mushandurwe murangariro wenyu uchivandudzwa, kuti muidze muzive kuda kwaMwari kwakanaka, kunofadza, kwakakwana.

3Nokuti nenyasha dzandakapiwa, ndinovudza mumwe nomumwe uri pakati penyu, kuti arege kuzvifunga kuti mukuru kupfuvura paanofanira kufunga napo; asi afunge nokufunga kwakachenjera, mumwe nomumwe nechiyero chokutenda, sezvaakagoverwa naMwari.

4Nokuti sezvatinemitezo mizhinji pamuviri mumwe, asi mitezo yose hainebasa rimwe chete;

5saizvozvo isu, tiri vazhinji, tiri muviri mumwe chete munaKristu, mumwe nomumwe ari mutezo wavamwe.

6Tinezvipo zvakasiyana, patakapiwa nyasha napo; kana kuri kuporofita, ngatiprofite zvakaenzana nokutenda kwedu;

7kana kuri kushumira, ngazvivonekwe pakushumira kwedu; kana kuri kudzidzisa, pakudzidzisa kwedu;

8kana kuri kuraira, pakuraira kwedu; unopa, ngaape nomoyo wose; uri mukuru, ngaabate nokushingaira; unoitira ngoni, ngaaite nomufaro.

9Rudo ngarurege kuva nokunyengera. Vengai zvakaipa; namatirai zvakanaka.

10Kana ruri rudo pakati pavatendi, danai norudo rukuru; pakukudzana tungamiriranai.

11Regai kuva novusimbe pakushingaira; pisai pamweya; batirai Ishe;

12farai patariro; tsungirirai pakutambudzika; rambai muchinyengetera;

13govanai navatsvene pakushaiwa kwavo; itirai vaeni rudo.

14Ropafadzai vanokutambudzai; ropafadzai, musatuka.

15Farai navanofara; chemai navanochema.

16Ivai nomoyo mumwe pakati penyu. Musatsvaka zvinorumbidzwa, asi mufambidzane navanozvininipisa. Musati pamoyo yenyu makachenjera.

17Musatsiva munhu chakaipa kana akakuitirai chakaipa. Tsvakai zvakarurama pamberi pavanhu vose.

18Kana zvichibvira, pamunogona napo, ivai norugare navanhu vose.

19Musatsiva, vadikanwa, asi munzvenge kutsamwa; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: kutsiva ndokwangu, ini ndicharipira ndizvo zvinoreva Ishe.

20Asi kana muvengi wako aziya, umupe kudya; kana afa nenyota, umupe kunwa; nokuti kana uchiita izvozvo, uchatutira mazimbe omoto pamusoro wake.

21Usakundwa nezvakaipa, asi ukunde zvakaipa nezvakanaka.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.