VaRoma 3
Romans 3 · 31 verses
1Ko muJudha unopfuvura vamwe neiko? Kana kudzingiswa kunobatsireiko?
2Zvizhinji, nemitovo yose: Pakutanga, kuti ndivo vakapiwa mashoko aMwari.
3Nokuti zvinodiniko kana vamwe vasinokutenda? Ko kusatenda kwavo kuchakonesa kutendeka kwaMwari here?
4Haiswa! Mwari ngaave wazvokwadi, asi vanhu vose vave venhema; sezvazvakanyorwa. Zvichinzi: Kuti mururamiswe pamashoko enyu, Mukunde pakutonga kwenyu.
5Asi kana kusarurama kwedu kuchiratidza kururama kwaMwari, tichatiiko? Kuti Mwari haana kururama here, zvaanoita nehasha?(Ndinotaura nokutaura kwomunhu.)
6Haisva! Mwari ungagozotonga nyika seiko?
7Zvino kana zvokwadi yaMwari yawanzwa nenhema dzangu, iye akakudzwa nazvo ko neni vo ndichatongerwei somutadzi?
8Ticharegereiko kutaura (sezvatinopomerwa, vuye sezvinoreva vamwe vachiti tinodaro), tichiti: Ngatiite zvakaipa, kuti zvakanaka zvibudepo? Kutongwa kwavo kwakarurama.
9Zvino todiniko? Tinovapfuvura here? Kwete napaduku; nokuti tambopa vose mhosva, vaJudha navaGiriki, tichiti vose vakasungwa nezvivi;
10sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Hakuna wakarurama, kunyange nomumwe.
11Hakuna unonzwisisa.Hakuna unotsvaka Mwari;
12Vakatsauka vose, vakava vanhu vasinamaturo, Hakuna unoita zvakanaka, kunyange nomumwe chete;
13Huro dzavo bwiro bwakashama; Vakanyengera nendimi dzavo;Vuturu bwenyoka bwuri mumiromo yavo;
14Muromo wavo uzere nokutuka nokuvava;
15Tsoka dzavo dzinokurumidza kutevura ropa;
16Kuparadza nenhamo zviri munzira dzavo;
17Nenzira yorugare havana kuiziva.
18Kutya Mwari hakupo pamberi pavo,
19Zvino tinoziva kuti zvose zvinorebwa nomurairo, unozvireva kunavose vari pasi pomurairo; kuti miromo yose idzivirwe, nenyika yose ive nemhosva pamberi paMwari.
20Nokuti hakunenyama ingaruramiswa pamberi pake namabasa omurairo; nokuti zvivi zvinoziviswa nomurairo.
21Asi zvino kururama kwaMwari kwakaratidzwa kunze kwomurairo, kuchipupurirwa nomurairo navaporofita;
22ndiko kururama kwaMwari kunovuya nokutenda kunaJesu Kristu kunavose vanotenda; nokuti havasiyani,
23nokuti vose vakatadza vakasasvika pakubwinya kwaMwari.
24Vanongoruramiswa nenyasha dzake nokudzikinura kuri munaKristu Jesu.
25Iye wakagadzwa naMwari, kuti ave muyananiso nokutenda muropa rake, kuti kururama kwake kuratidzwe, nokuti zvivi zvakaitwa kare zvakaregerwa, Mwari achivaitira moyo murefu;
26kuti kururama kwake kuratidzwe, nenguva ino, kuti arurame iye amene, vuye aruramise uyo unotenda kunaJesu.
27Zvino kuzvikudza kuripiko? Kwabviswa, Nomurairo upiko? Wamabasa here? Kwete, asi nomurairo wokutenda.
28Naizvozvo tinoti, munhu unoruramiswa nokutenda kunze kwamabasa omurairo.
29Ko Mwari ndiye wavaJudha voga here? Haazi wavahedheni vo here? Hongu, wavahedheni vo.
30Mwari zvaari mumwe chete, ucharuramisa vakadzingiswa pamsoro pokutenda, navasina kudzingiswa nokutenda.
31Zvino tinokonesa murairo nokutenda here? Haiswa! Asi tinosimbisa murairo.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.