Bhaibheri

VaRoma 4

Romans 4 · 25 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino tichatiiko? Abhurahamu, teteguru vedu panyama, wakawaneiko?

2Nokuti dai Abhurahamu akaruramiswa namabasa ake, ungadai anechinhu chaangazvirumbidza nacho; asi haana pamberi paMwari.

3Nokuti Rugwaro runoti kudiniko? Runoti: Abhurahamu wakatenda Mwari, kukanzi kwaari ndiko kururama.

4Zvino kunounobate-basa, mubairo haunzi ndowenyasha, asi ndowengava.

5Kunousingabati, asi unotenda kunaiye unoruramisa munhu usingadi Mwari, kutenda kwake kunonzi kwaari ndiko kururama.

6Sezvinoreva vo Dhavhidhi, kuti wakaropafadzwa munhu unonzi naMwari wakarurama, kunze kwamabasa,

7achiti: Vakaropafadzwa vakakanganwirwa zvisakarurama zvavo, Navakafukidzirwa zvivi zvavo;

8Wakaropafadzwa munhu usinganzi naShe unezvivi.

9Zvino kuropafadzwa uku ndokwavakadzingiswa, kana kwavasina kudzingiswa here? Nokuti tinoti, kunaAbhurahamu kutenda kwake kwakanzi ndiko kururama.

10Zvino zvakanzarwo seiko? Atodzingiswa, kana asinakudzingiswa here? Hazvina kunzarwo adzingiswa, asi asina kudzingiswa;

11wakapiwa chiratidzo chokudzingiswa, kuti chive chisimbiso chokururama kwokutenda, kwaakanga ana’ko asati adzingiswa; kuti ave baba vavose vanotenda, kunyange vasina kudzingiswa, kuti vagonzi vakarurama;

12ave baba vokudzingiswa kunaivo vasina kudzingiswa bedzi, asi vanofamba vo mumakwara okutenda kwababa vedu Abhurahamu, kwavaiva nako vasati vadzingiswa.

13Nokuti chipikirwa chokuti uchava mugari wenhaka yenyika hachina kupiwa Abhurahamu kana rudzi rwake nomurairo, asi nokururama kwokutenda.

14Nokuti dai vomurairo vari vagari venhaka, kutenda hakunamaturo, nechipikirwa chinokoneswa;

15nokuti murairo unovuyisa kutsamwa; asinomurairo hapana kudarika vo.

16Saka ndezvokutenda, kuti, zvive zvenyasha; kuti chipikirwa chive nesimba kurudzi rwose; rusati ruri rwomurairo bedzi, asi norwokutenda kwaAbhurahamu vo, iye baba vedu tose,

17(sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Ndakakuita baba vamarudzi mazhinji) pamberi paiye waakatenda, iye Mwari unopa vakafa vupenyu, nokudana zvisipo sezvinenge zviripo.

18Wakatenda netariro pasinetariro, kuti ave baba vamarudzi mazhinji,sezvazvakanga zvataurwa Rudzi rwako ruchadaro

19Haana kushaiwa simba pakutenda, achifunga muviri wake wakanga watofa hawo(zvaiva namakore anenge zana), nokufa kwechizvaro chaSara;

20akatarira chipikirwa chaMwari, haana kunyunyuta nokusatenda, asi wakasimbiswa pakutenda, akakudza Mwari,

21achiziva kwazvo, kuti icho chaakapikira, wakanga anesimba rokuchiita vo.

22Saka zvakanzi kwaari ndiko kururama.

23Zvino hazvina kunyorwa nokuda kwake bedzi, kuti zvakanzarwo kwaari;

24asi nokuda kwedu vo; nesu tichanzarwo, iyesu, tinotenda kunowakamutsa Jesu Ishe wedu, kuvakafa.

25iye wakaiswa kurufu nokuda kwokudarika kwedu, akamutswa nokuda kwokururamiswa kwedu.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.