VaRoma 5
Romans 5 · 21 verses
1Naizvozvo zvitinoruramiswa nokutenda ngative norugare kunaMwari naShe wedu, Jesu Kristu;
2watakawana naye mapindire nokutenda munyasha idzi, dzatinomira madziri; ngatifare netariro yokuvona kubwinya kwaMwari.
3Zvisati zviri izvo bedzi, asi ngatifare vo mumadambudziko, tichiziva kuti kutambudzika kunovuyisa kutsungirira;
4kutsungirira kunovuyisa kuidzwa; kuidzwa kunovuyisa tariro;
5tariro hainyadzisi; nokuti rudo rwaMwari rwakadirwa mumoyo yedu noMweya Mutsvene watakapiwa.
6Nokuti tichiri pakushaiwa simba, Kristu panguva yakafanira wakafira vasingadi Mwari.
7Nokuti zvinorema kuti munhu afire wakarurama; nokuti zvimwe mumwe ungatsunga kufira wakanaka.
8Asi Mwari unoratidza rudo rwake kwatiri pakuti Kristu wakatifira, tichiri vatadzi.
9Zvino, zvatakaruramiswa muropa rake, tichaponeswa zvikuru sei naye pakutsamwa.
10Nokuti zvatakayananiswa naMwari nokufa kwoMwanakomana wake, tichiri vavengi vake, zvikuru tichaponeswa kana tayananiswa novupenyu bwake;
11zvisati zviri izvo bedzi, asi tinofara zvikuru vo munaMwari naShe wedu Jesu Kristu, watakapiwa zvino naye iko kuyananiswa.
12Saka, zvivi sezvazvakapinda munyika nomunhu mumwe, norufu rukapinda nezvivi; saizvozvo rufu rwakasvika kuvanhu vose, nokuti vose vakatadza;
13nokuti murairo usati wavapo, zvivi zvakanga zviri panyika; asi zvivi hazviverengerwi munhu, kana kusinomurairo.
14Asi rufu rwakabata vushe kubva kunaAdhama kusvikira kunaMosesi, kunyange napakati vo pavasina kutadza nokudarika kwaAdhama, waiva mufananidzo wowakanga achizovuya.
15Asi chipo chokungopiwa hachifanani nokudarika. Nokuti kana vazhinji vakafa nokudarika kwomumwe, zvikuru nyasha dzaMwari nechipo chakavuya nenyasha dzomunhu mumwe, Jesu Kristu, zvakawandira vazhinji.
16Vuye chipo hachifanani nezvivi zvomunhu mumwe wakatadza; nokuti kutonga kwakavuya nomunhu mumwe kuti vapiwe mhosva; asi chipo chokungopiwa chakavuya nokudarika kuzhinji, kuti varuramisirwe.
17Nokuti kana nokudarika kwomumwe rufu rwakabata vushe nomunhu uyu mumwe; zvikuru avo, vakapiwa kuwanda kwenyasha nokwechipo chokururama, vachabata vushe pavupenyu nomumwe, iye Jesu Kristu.
18Naizvozvo, kutonga sezvakwakavuya kuvanhu vose nokudarika kumwe, kuti vapiwe mhosva; saizvozvo nokururamisa kumwe chipo chokungopiwa chakavuya kuvanhu vose, kururamisirwa kwovupenyu kukavapo.
19Nokuti vazhinji sezvavakaitwa vatadzi nokusateerera kwomumwe, saizvozvo vazhinji vachaitwa vakarurama nokuterera kwomumwe.
20Murairo wakapinda vo kuti kudarika kuwande; zvino zvivi pazvakawanda, nyasha dzakawanda nokupfuvurisa;
21kuti zvivi sezvazvakabata vushe parufu, saizvozvo nyasha dzibate vushe nokururama, zviise kuvupenyu bwusingaperi naJesu Kristu Ishe wedu.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.