Bhaibheri

VaRoma 6

Romans 6 · 23 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino tichatiyiko? Torambira muzvivi kuti nyasha dziwande here?

2Haiswa! Isu takafa kuzvivi, tichagara seiko mukati mazvo?

3Ko hamuzivi here kuti isu takabhabhatidzwa muna Kristu Jesu, takabhabhatidzwa murufu rwake?

4Naizvozvo pakubhabhatidzwa takavigwa pamwe chete naye murufu; kuti saiye Kristu akamutswa kuvakafa nokubwinya kwaBaba, saizvozvo nesu vo tifambe novupenyu bwutsva.

5Nokuti kana takava vamwe naye pakufanana naye, parufu rwake, tichadaro vo pakumuka kwake;

6tichiziva izvi, kuti munhu wedu wekare wakaroverwa pamuchinjikwa pamwe chete naye, kuti muviri wezvivi ushaiswe simba, tirege kuzova varanda vezvivi;

7nokuti wakafa, waruramiswa pazvivi.

8Zvino kana takafa pamwe chete naKristu, tinotenda kuti tichararamavo pamwe chete naye;

9tichiziva kuti Kristu amutswa kuvakafa, haachazofi; rufu haruchavi nesimba pamsoro pake.

10Nokuti pakufa kwake, wakafa kamwe kwazvo kuzvivi; zvino pakurarama kwake, unorarama kunaMwari.

11Saizvozvo nemi vo muzviti makafa kuzvivi, asi kuti muri vapenyu kunaMwari, munaKristu Jesu, Ishe wedu.

12Naizvozvo zvivi ngazvirege kubata vushe mumuviri wenyu unofa, kuti muterere kuchiva kwawo;

13vuye musapa zvivi mitezo yenyu, kuti dzive nhumbi dzokuita zvisakarurama; asi muzvipei imi kunaMwari, savanhu vakararama kuvakafa, nemitezo yenyu kuti dzive nhumbi dzokururama kunaMwari.

14Nokuti zvivi hazvingavi nesimba pamusoro penyu; nokuti hamuzi pasi pomurairo asi pasi penyasha.

15Zvino tichatiyiko? Titadze, nokuti hatizi pasi pomurairo here, asi pasi penyasha? Haiswa!

16Hamuzivi here, kuti uyo wamunozvipa kwaari kuti muve varanda vake kumuterera, kuti muri varanda vaiye wamunoterera; kana vezvivi zvinoisa kurufu, kana vokuterera kunoisa kukururama?

17Asi Mwari ngaavongwe, nokuti imi maiva varanda vezvivi, mukazoterera nomoyo rudzi urwu rwedzidziso yamakaiswa kwairi.

18Makasunungurwa pazvivi, mukava varanda vokururama.

19Ndinotaura nokutaura kwavanhu, nokuda kwokushaiwa simba kwenyama yenyu; nokuti sezvamakapa mitezo yenyu kuti ive varanda vetsvina, navezvisakarurama zvinoisa kunezvisakarurama, saizvozvo ipai mitezo yenyu zvino ive varanda vekururama kunoisa kuvutsvene.

20Nokuti panguva iyo muchiri varanda vezvivi, makanga makasununguka pakururama.

21Zvino maiva nezvibereko zveiko panguva iyo pazvinhu izvo zvamunonyadziswa nazvo zvino? Nokuti kuguma kwazvo ndirwo rufu.

22Asi zvino makasunungurwa pazvivi, mava varanda vaMwari, munezvibereko zvenyu zvinoisa kuvutsvene, vuye kuguma kwazvo ndibwo vupenyu bwusingaperi.

23Nokuti mubairo wezvivi ndirwo rufu; asi chipo chokungopiwa chaMwari ndibwo vupenyu bwusingaperi munaKristu Jesu, Ishe wedu.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.