Bhaibheri

VaRoma 7

Romans 7 · 25 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Hamuzivi here, hama dzangu, (nokuti ndinotaura navanhu vanoziva murairo), kuti murairo unobata munhu nguva yose yovupenyu bwake?

2Nokuti mukadzi, unomurume, wakasungwa nomurairo kumurume wake, iye achiri mupenyu; asi kana murume afa, wasunungurwa pamurairo womurume.

3Naizvozvo zvino kana akawanikwa nomumwe murume, murume wake achiri mupenyu, uchanzi chifeve asi kana murume wake afa,wasununguka pamurairo, zvino haazi chifeve kunyange akawanikwa nomumwe murume.

4Saka, hama dzangu nemi vo makaitwa vakafa kumurairo nomuviri waKristu; kuti muve womumwe, iye wakamutswa pavakafa, kuti tiberekere Mwari zvibereko.

5Nokuti panguva iyo tichiri munyama, kuchiva kwezvivi, kwakamutswa nomurairo, kwakabata mumitezo yedu kuti kubereke zvibereko zvinoisa kurufu.

6Asi zvino takasunungurwa pamurairo, takafa kunaizvozvo zvatakanga takasungwa nazvo; naizvozvo tinobatira Mwari nomweya mutsva, tisingabatiri nezvakanyorwa zvakare.

7Zvino tichatiyiko? Murairo zvivi here? Haiswa! Asi handizaiziva zvivi kana murairo usipo; nokuti handizaiziva kuchiva, kana murairo usina kuti: Usachiva;

8zvino zvivi zvakawana nzira nomurairo, zvikaita mandiri mitovo yose yokuchiva; nokuti kunze kwomurairo zvivi zvakafa.

9Ini ndaiva mupenyu kare kunze kwomurairo, asi mutemo uchizosvika, zvivi zvakamuka, ini ndikafa;

10nomutemo iwo waifanira kuisa muvupenyu, ndakauwana uchiisa kurufu;

11nokuti zvivi zvakawana nzira nomutemo, zvikandinyengera zvikandivuraya nawo.

12Naizvozvo murairo mutsvene, nomutemo mutsvene, wakarurama, wakanaka.

13Ko zvino zvakanaka zvakazova rufu kwandiri here? Haiswa! Asi ndizvo zvivi, kuti zviratidzwe kuti zvivi, zvakandiitira rufu nezvakanaka; kuti nomutemo zvivi zvive zvakaipa kwazvokwazvo.

14Nokuti tinoziva kuti murairo ndowomweya; asi ini ndiri wenyama, ndakatengeswa pasi pezvivi.

15Nokuti zvandinoita handizvizivi; nokuti zvandinoita hazvizi izvo zvandinoda; zvandinoda; handizvo zvandinoita; asi zvandinovenga ndizvo zvandinoita..

16Zvino kana ndichiita izvo zvandisingadi, ndinobvumira kuti murairo wakanaka.

17Zvino handizati ndichiri ini ndinozviita, asi zvivi zvinogara mandiri.

18Nokuti ndinoziva kuti mukati mangu, imo munyama yangu, hamugari chinhu chakanaka; nokuti kuda kuripo kwandiri, asi kuita zvakanaka hakupo.

19Nokuti zvakanaka, zvandinoda, handizviiti; asi zvakaipa, zvandisingadi, ndizvo zvandinoita.

20Zvino kana ndichiita zvandisingadi, handisini ndinozviita, asi zvivi zvinogara mandiri.

21Naizvozvo ndinowana murairo uyu kuti kana ndichida kuita zvakanaka, zvakaipa zviripo kwandiri.

22Nokuti ndinofarira murairo waMwari nomunhu womukati;

23asi ndinovona mumwe murairo pamitezo yangu, unorwa nomurairo womurangariro wangu, unonditapira kumurairo wezvivi uri pamitezo yangu.

24Ndiri munhu uri pakutambudzika! Ndianiko uchandisunungura pamuviri worufu urwu?

25Mwari ngaavongwe, naJesu Kristu, Ishe wedu. Naizvozvo nomurangariro ndinobatira Mwari, asi nenyama murairo wezvivi.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.